bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 29
Proverbs 29
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
1
Munhu anotsiurwa kakawanda asinganzwi, achayerekana atyoka zvisingarapiki.
2
Kana varurami vari ivo vari kutonga vanhu vanofara asi kana vaipi vari ivo varikutonga vanhu vanodemba.
3
Munhu anoda ungwaru anoita kuti baba vafare asi anoita ushamwari nezvifeve anozviparadzira upfumi hwake.
4
Mambo akatonga noruenzaniso nyika inogarika asi anopopera zvipo anoiparadza.
5
Munhu anobata mumwe wake kumeso ari kutomuteya tsoka nemambure.
6
Muipi anoteyewa nechakaipa chake asi mururami anoimba achifara.
7
Mururami anoziva zvinokodzera kuitirwa varombo asi akaipa haanzwisisi izvozvo.
8
Vashori vanonyandutsa guta asi vangwaru vanopodza hasha.
9
Kana mungwaru akaitirana nharo, nebenzi, benzi rinopengereka richiseka-seka, hapaiti runyararo.
10
Vaurayi vanovenga vari pachokwadi, vakaipa vanotsvaka kumupedzisa upenyu.
11
Benzi rinoratidza hasha dzaro dzose asi munhu akangwara anozvibata achizvidzora.
12
Kana mutongi akateerera makuhwa makurukota ake ose achava vanhu vakaipa.
13
Chavanofanana vapfumi navarombo chimwechete chokuti Tenzi ndiye anovhenekera meso vose vari vaviri.
14
Kana mambo akatonga varombo zvakarurama chigaro chake choumambo chinobva chadzika midzi.
15
Shamhu nokutsiura zvinopa ungwaru asi mwana akaregererwa anonyadzisa amai vake.
16
Kana vakaipa vari ivo vari kutonga kutadza kunowanda, asi vakarurama vachavaona vachiputsika.
17
Dzidzisa mwana wako, iye achakupa zororo achakufadza mwoyo.
18
Kana pasina zviratidzo vanhu inova njake njake; asi akakomborerwa zvake anochengeta mutemo.
19
Muranda haadzoreki namazwi chete kunyange akanzwisisa haamboita hanya nazvo.
20
Ukaona munhu anokurumidza kutaura, benzi rine charinotowana kupinda iye.
21
Munhu akaregerera muranda kubvira pauduku hwake mushure mezvo anomugarira nhaka.
22
Munhu wehasha anomutsa manyongori nyahasha anokonzera kutadza kwakawanda.
23
Kuzvikudza kunoderedza munhu pasi asi munhu anozvirereka, anozokudzwa.
24
Anobatsirana nembavha anovenga upenyu hwake anonzwa zvake kurengererwa rushambwa kunoitwa mudare asi hapana chaanodura
25
Kuzeza vanhu iriva asi anovimba naTenzi hapana chinomuwana.
26
Vazhinji vanotsvaka chizivano nomutongi asi anotonga zvine ruenzaniso ndiTenzi.
27
Munhu asina ruenzaniso anosemesa kuvarurami asi ari pachokwadi anosemesawo kumuipi.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31