bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 2
Proverbs 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
1
Mwanangu, ukagamuchira mashoko angu uye ukapfimbika mauri mitemo yangu,
2
uchirerekera nzeve yako kuungwaru, uchitorwa mwoyo nenzwisiso
3
nokungewo uchichemera kuzivisisa uchidaidza kunzwisisa
4
ukatsvaka ungwaru sesirivha uchihutsvaka upfumi hwakavandika.
5
Kutya Tenzi unobva wakunzwisisa uchibva wawana kuziva Mwari,
6
nokuti Tenzi ndiye anopa ungwaru mukanwa make ndimo munobva ruzivo nokunzwisisa
7
anochengetera vakarurama ungwaru chaihwo ndiye nhowo yokudzivirira vanofamba zvakarurama.
8
Anochengetedza maitiro okutonga kwakarurama achichengetedza nzira yavarurami vake.
9
Ndopaunozonzwisisa kuti ururami noruenzaniso nokuva pachokwadi chii uyewo maitiro ose akarurama
10
nokuti uchapindura mwoyo noungwaru uye ruzivo ruchave shamwari yako.
11
Kuziva kusarudza kuchakuchengetedza, kuziva chokusarudza kuchakutarira.
12
Kuchakununura kunzira yakaipa kuvanhu vanotaura zvakaora,
13
vanhu vanosiya nzira tsvene vachifamba munzira dzerima;
14
vanofarira kuita zvakaipa vanonakirwa nokushata kwouipi;
15
vanhu vane nzira dzakakombama vanokuita kwakamonyoroka.
16
Zvinokununura kumukadzi asiwako kumukadzi asingazivikanwi twaanotaura norurimi rwake twunotapira
17
mukadzi anosiya shamwari yake yepaudiki achikanganwa chitsidzirano chaMwari wake.
18
Anonyudza pasi kurufu imba yake nzira dzake dzinodzika kuvafi.
19
Wose anoenda kwaari haadzoki haazowanazve nzira youpenyu.
20
Saka famba nenzira yavanhu vakanaka uchengetedze nzira dzavakarurama
21
nokuti vakarurama ndivo vachagara panyika uye vanotendeseka vachararama mairi
22
vakaipa vachabviswa panyika vanoujarijari vachatipurwapo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31