bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 15
Proverbs 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 16 →
1
Mhinduro nyoro inopodza hasha, asi izwi rakaomarara rinovirutsa hasha.
2
Rurimi rwavangwaru runoparadzira ruzivo, asi muromo wamapenzi unowodzvora urema.
3
Ziso raTenzi riri pose pose, rakatarisa vakanaka navakaipa.
4
Rurimi rwakareruka muti woupenyu asi rurimi rwakaipa runoodza mwoyo.
5
Benzi rinoshora chidzidziso chababa varo asi anoteerera zano raanorairwa akangwara.
6
Mumusha momururami mune upfumi hwakawanda, asi upfumi hwomuipi hunopinda pfumvu.
7
Muromo wavangwaru unoparadzira ruzivo asi pfungwa dzemapenzi hadzidaro.
8
Chibayiro chavaipi chinosemesa Tenzi, asi munamato wavarurami unomufadza.
9
Tenzi anovenga nzira yomuipi. Asi anoda munhu anotevedza ururami.
10
Kumunhu anotsauka panzira kudzidziswa kwakamuipira, munhu asingadi kutsiurwa anofa.
11
Nzvimbo yavafi nenzvimbo yokuparadzwa dziri pachena-chena kuna Tenzi ko kutozoti mwoyo yavanhu.
12
Anodada haadi kutsiurwa, haaendi kuvangwaru.
13
Kana mwoyo womunhu wakafara unoita kuti munhu ave nechiso chakafara mwoyo ukasuruvara mweya unobva wati mbombombo pasi.
14
Munhu ane pfungwa dzinonzwisisa anotsvaka ruzivo asi muromo wamapenzi upenzi ndihwo chokudya chawo.
15
Kumurombo mazuva ose akaipa, asi kumwoyo wakafara zuva roga roga mabiko makuru.
16
Zviri nani kuva munhu ane zvishoma uchitya Tenzi pano kuva noupfumi huzhinji uine nhamo.
17
Zviri nani kudya nomurio pane rudo pane kudya nenyama yechimhuru chakakora pano ruvengo.
18
Munhu wehasha anomutsa muchokoto asi ano mwoyo murefu anopodza gakava.
19
Nzira yetsimbe yakaita seruzhowa rweminzwa asi nzira yomururami yakati tasa somugwagwa mukuru wakati sandara.
20
Mwana mukomana anoungwaru anoita kuti baba vake vafare asi benzi romunhu rinoshora amai.
21
Upenzi hunofadza munhu asina pfungwa asi munhu anonzwisisa anofamba zvakarurama.
22
Zvirongwa hazvibudirire kana pasina vokupa mazano asi navapi vemazano vakawanda zvinobudirira.
23
Kupa mhinduro yakanaka chinhu chinofadza kumunhu ko kutozoti izwi rinotaurwa panguva yaro yakanaka.
24
Nzira youpenyu yavakangwara inoenda kumusoro kuti vanzvenge nzvimbo yavafi iri kwakadzika.
25
Mwari anopaza dzimba dzavanozvikudza asi anochengetedza miganhu yechirikadzi.
26
Pfungwa dzavaipi Tenzi anodzivenga. Mazwi avatsvene anomufadza.
27
Munhu anokarira kuwana upfumi nenzira isina kururama anoparira mhuri yake nhamo asi anovenga pfumbamuromo anorarama.
28
Munhu akarurama anombofunga mumwoyo make zvokupindura asi muromo wavakaipa unongosasa zvakaipa.
29
Tenzi ari kure navakaipa asi anonzwa munamato wavakarurama.
30
Meso ano rufaro anofadza mwoyo shoko rakanaka rinosimbisisa munhu mapfupa.
31
Munhu anoteera zvaanotsiurwa anogara pakati pavangwaru.
32
Munhu asingadi kudzorwa anozvishora iye pachake asi munhu anotsiurika anowana kunzwisisa.
33
Kutya Tenzi chidzidzo choungwaru kuti munhu ukudzwe tanga wazvirereka.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31