bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Proverbs 27
Proverbs 27
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 28 →
1
Usazvitutumadze nezvamangwana nokuti hauzivi zvichauya mune ramangwana.
2
Rega mumwe akurumbidze kwete muromo wako, angave mutorwa zvake kwete miromo yako.
3
Dombo rinorema, jecha rinorema asi hasha dzebenzi, dzinorema kupinda izvozvo zviri zviviri.
4
Hasha dzina utsinye, kugumbuka kunowodzvoka asi ndiani angamirisane neshanje.
5
Kutsiurwa pachena kuri nani pano kudiwa zvakavanda.
6
Mavanga eshamwari maronda kwawo asi muvengi anotsvoda kakawanda.
7
Munhu akaguta haadi kana uchi asi kune ane nzara kana zvinovava zvinotapira.
8
Sezvinoita shiri inorasika padendere payo, ndozvinoita munhu anorasika pamusha pake.
9
Mafuta netunonhuwirira twokuzora tunofadza mwoyo ndozvakaita ushamwari hwakanaka pane umbimbindoga.
10
Usarasane neshamwari yako kana shamwari yababa vako. Pazuva redambudziko rako usaende kumba yomukoma kana munun'una wako. Muvakidzani newe ari padyo ari nani pane mukoma kana munun'una ari kure.
11
Iva munhu akangwara, mwanangu uite kuti mwoyo wangu ufare kuitira kuti ndiwane mhinduro kune anonditsoropodza.
12
Munhu akachenjera akaona njodzi anovanda asi dununu romunhu rinongoenda rozotambura nazvo.
13
Munhu anomiririra chikwereti chomunhu waasingazivi ngaatorerwe hanzu yake ive chitsidzo chokumiririra kwake chikwereti chomunhu waasingazivi.
14
Munhu anokwazisa muvakidzani naye achiita zvokutomukira mangwanani-ngwanani achizhamba akafanana nomunhu anorengerera mumwe rushambwa.
15
Imba inoramba ichidonha pazuva remvura nomukadzi ane pamuromo zvakafanaka.
16
Kuedza kumuvigiridza kwakafanana nokuvigiridza mhepo kana munhurume kupfumbata mafuta.
17
Simbi inorodza imwe simbi vanhu vanofanira kuvandudzana.
18
Munhu anokudza muonde anozodya muchero wawo uye munhu anochengetedza tenzi wake anozoremekedzwa.
19
Sezvinoita mumvura uso hunoona uso imomo mumwoyo munhu anozviona kuti munhui.
20
Nzvimbo yavafi nenzvimbo yokuparadza hazviguti mazisowo avanhu haaguti.
21
Bisiro ndere sirivha virira ndere ndarama, mbiri yomunhu inoonesa zvaari.
22
Unogona zvako kutswa benzi muduri pamwechete nembeswa asi upenzi hwaro haubve pariri.
23
Nyatsoziva mamiriro ezvipfuwo zvako unyatsochengetedza mombe dzako
24
nokuti upfumi haugari narini narini ndaza inogara nokusingaperi here?
25
Kana uswa hwapera ruswiswi rwukabuda zvinofura mombe mumakomo zvaunganidzwa
26
hwayana dzinokuwanisa zvokupfeka, mari yembudzi inokutengera munda
27
uchawana mukaka wembudzi wokudya wakakwana nokudya kwemhuri yako, uye kwokuriritirawo vashandi vako vechikadzi.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31