bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 15
Jeremiah 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 16 →
1
Ipapo Jehova akati kwandiri: Kunyaŋge Mosesi naSamueri ʋamire pamberi paŋgu, mŋoyo waŋgu hauŋgaʋi nehanya naʋanhu aʋa; uʋadziŋge pamberi paŋgu, ʋaende.
2
Ɀino kana ʋakati kwauri: Ticaendepiko? Uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Ʋakafanirwa norufu ŋgaʋaende kurufu, ʋakafanirwa nomunondo, kumunondo, ʋakafanirwa nenzara, kunzara, naʋakafanirwa nokutapxa, kukutapxa.
3
Ndicaʋatumira njodzi dzamarudzi manna — ndiɀo ɀinotaura Jehova — munondo kuʋaʋuraya, nembga kuʋakwekweredza, neshiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika kuʋadya nokuʋaparadza.
4
Ndicaʋadzuŋgaidza pakati poʋushe bgenyika, nemhaka yaManase, mŋanakomana waHezekia, mambo waJuda, pamsoro peɀaakaita paJerusarema.
5
Nokuti ndiani ucakunzwira tsitsi, iwe Jerusarema? Ndiani ucakucema? Ndianiko ucatsauka kuzobvunza mufaro wako?
6
Ɀanzi naJehova: Wakandiramba, wakadzokera shure; saka ndakatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kurwa newe, ndikakuparadza; ndaneta nokuɀiɗemba.
7
Ndakaʋarudza necokurudza pamasuʋo enyika; ndakaʋatorera ʋana ʋaʋo, ndakaparadza ʋanhu ʋaŋgu; asi haʋana‐kudzoka panzira dzaʋo.
8
Cirikadzi dzaʋo dzandiwandira kupfuʋura jeca reguŋgwa; ndakaʋuyisira mai namajaya muparadzi paŋguʋa yamasikati; ndakawisira mai kamŋe‐kamŋe kurwadziwa neɀinotyisa.
9
Iye, wakaɓereka ʋanomŋe, wapera simba, waɓuɗisa mŋeya wake; zuʋa rake rakaʋira aciri masikati; wakanyadziswa nokukaŋganiswa; ʋakasara ʋaʋo ndicaʋaʋurayisa nomunondo pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
10
Ndinenhamo mai ʋaŋgu, ɀamakandiɓereka ndiʋe munhu wenharo nomunhu wegakaʋa panyika yose! Handina‐kupa cikwerete, naʋanhu haʋana‐kutora cikwerete kwandiri; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanondituka ʋose.
11
Jehova akati: Ɀirokwaɀo, ndicakusimbisira ɀakanaka; ɀirokwaɀo, ndicanyeŋgeteresa muʋeŋgi wako kwauri neŋguʋa yeɀakaipa, ʋuye neŋguʋa yokutambudzika.
12
Ko ɗare riŋgavuniwa here, iro ɗare rinobva kurutiʋi rwokumsoro, kana ndarira here?
13
Nhumbi dzako nefuma yako ndicaɀiisa kukutapxa, ɀisiŋgateŋgwi, nokuɗa kweɀiʋi ɀako ɀose pamiganho yako yose.
14
Ndica ku endisa naʋaʋeŋgi ʋako kunyika yausiŋgaziʋi; nokuti mŋoto wakaɓatidzwa nokutsamŋa kwaŋgu, ucapfuta pamsoro penyu.
15
Haiwa Jehova, imi munoziʋa; ndiraŋgarirei, mundishanyire, munditsiʋire ʋatambudzi ʋaŋgu; musandibvisa pakuitira kwenyu ʋamŋe mŋoyo murefu; ziʋai kuti ndakatukwa nokuɗa kwenyu.
16
Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akaʋa mufaro waŋgu nokufadzwa kwomŋoyo waŋgu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehova, Mŋari wehondo.
17
Handina‐kugara pakati peʋuŋgano yaʋanoseka, kana kufara naʋo; ndakagara ndiri ndoga nokuɗa kworuʋoko rwenyu, nokuti makandizadza nokutsamŋa kwenyu.
18
Kurwadziwa kwaŋgu kunorambireiko kuri’po nokusiŋgaperi, ʋaŋga raŋgu rinorambirei kurapxa, risiŋgaɗi kupora? Mucaʋa kwandiri ɀirokwaɀo so rukoʋa runonyeŋgera, semvura inopxa here?
19
Saka ɀanzi naJehova: Kana ukadzoka, ndicakudzosa, kuti umire pamberi paŋgu; kana ukatsaura ɀakanaka uciɀibvisa paneɀakaipa, ucaʋa somuromo waŋgu; iʋo ʋacadzokera kwauri, asi iwe usadzokera kwaʋari.
20
Ndicakuita kunaʋanhu aʋa ruȿiŋgo rwendarira rwakasimbiswa; ʋacarwa newe asi haʋaŋgakukundi, nokuti ini ndinewe ndikuponese nokukurwira.
21
Ndicakurwira pamaʋoko aʋakaipa, nokukudzikinura pamaʋoko aʋanotyisa.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52