bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 32
Jeremiah 32
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 33 →
1
Shoko rakaʋuya kunaJeremia ricibva kunaJehova negore regumi raZedekia mambo waJuda, riri gore regumi namasere raNebukadrezari.
2
Ɀino neŋguʋa iyo mambo wehondo yeBabironi wakaŋga akakomberedza Jerusarema; asi muprofita Jeremia wakaŋga akapfigirwa muruʋazhe rwaʋarindi, rwakaŋga ruri mumba mamambo waJuda.
3
Nokuti Zedekia mambo waJuda wakaŋga amupfigira, aciti: Unoprofitereiko uciti: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaisa guta rino muruʋoko rwamambo weBabironi, iye ucarikunda;
4
Zedekia mambo waJuda haaŋgapukunyuki pamaʋoko aʋaKardea, asi ucaiswa ɀirokwaɀo muruʋoko rwamambo weBabironi, ʋacataurirana nemiromo yaʋo, nokuʋonana nameso aʋo;
5
iye ucandoisa Zedekia Babironi, agare’ko kuȿikira ndicimushanyira — ndiɀo ɀinotaura Jehova; kunyaŋge mukarwa naʋaKardea hamuŋgakundi?
6
Jeremia akati: Shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti:
7
Tarira, Hanameri mŋanakomana waSharumi, sekuru ʋako, ucaʋuya kwauri, aciti: Ɀiteŋgere munda waŋgu uri paAnatoti, nokuti ndiwe unesimba rokuudzikinura nokuuteŋga.
8
Naiɀoɀo Hanameri mŋanakomana wasekuru ʋaŋgu wakaʋuya kwandiri muruʋazhe rwaʋarindi, seɀakarebga neshoko raJehova, akati kwandiri: Ƌonditeŋgera hako munda waŋgu uri paAnatoti, riri munyika yaBenjamini, nokuti ndiwe unesimba rokugara nhaka, ndiwe unofanira kudzikinura; ciɀiteŋgera iwo. Ipapo ndakaziʋa kuti ishoko raJehova.
9
Ndikateŋga munda wakaŋga uri paAnatoti kunaHanameri mŋanakomana wasekuru ʋaŋgu, ndikamuyerera mari, mashekeri esirveri anegumi namanomŋe.
10
Ndikanyora rugwaro rwokuteŋga, ndikarunamatidza, ndikaɗana ɀapupu, ndikamuyerera mari paciyero.
11
Ipapo ndikatora rugwaro rwokuteŋga, irwo rwakaŋga rwakanamatidzwa, seɀakarebga nomurairo netsika, norumŋe rwakaŋga rwakashama,
12
ndikapa Baruki mŋanakomana waNeria, mŋanakomana waMaseia, rugwaro rwokuteŋga, Hanameri mŋanakomana wasekuru ʋaŋgu ari’po, neɀapupu ɀakaŋga ɀasimbisa rugwaro rwokuteŋga ɀiri’po, naʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋagere muruʋazhe rwaʋarindi ʋari’po.
13
Ndikaraira Baruki pamberi paʋo, ndiciti:
14
Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tora magwaro awa okuteŋga, rugwaro urwu rwokuteŋga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uɀiise mumudziyo wevu, ɀigare’mo mazuʋa mazhinji.
15
Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Dzimba neminda neminda yemizambiriŋga ɀicazoteŋgwa ɀe munyika ino.
16
Ɀino ndakati ndapa Baruki mŋanakomana waNeria rugwaro rwokuteŋga, ndikanyeŋgetera kunaJehova, ndiciti:
17
Haiwa, Ishe Jehova! Tarirai, imi makaita ɗeŋga rose napasi nesimba renyu guru noruʋoko rwenyu rwakatambanudzwa, hakunecinhu ciŋgakukonai imi;
18
imi, munonzwira tsitsi ʋaneɀuru ɀamazana, nokutsiʋa ɀakaipa ɀamadziɓaɓa mucifuʋa caʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera, iye mukuru, Mŋari unesimba, Jehova wehondo, ndiro zita rake;
19
wakakura panjere, unesimba pakuɓata, meso ake anoȿinurira nzira dzose dzaʋana ʋaʋanhu, kuti ape mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata, neɀakafanira ɀiɓereko ɀamaɓasa ake;
20
iye, wakaisa ɀiratidzo neɀishamiso panyika yeEgipita kuȿikira pazuʋa ranhasi, pakati paIsraeri napakati paʋamŋe ʋanhu; mukaɀiitira mbiri seɀaɀakaita nezuʋa ranhasi;
21
mukaɓuɗisa ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri panyika yeEgipita, neɀiratidzo neɀishamiso necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, ʋuye nokutyisa kukuru;
22
mukaʋapa nyika ino, yamakapikira madziɓaɓa aʋo kuti mucaʋapa, iri nyika inoyerera mukaka noʋuci;
23
ʋakapinda, ʋakaiita yaʋo; asi haʋana‐kuterera inzwi renyu, kana kufamba nemirairo yenyu; haʋana‐kutoŋgoita cinhu cimŋe ceɀose ɀamakaʋaraira kuti ʋaɀiite; naiɀoɀo makaʋuyisa iɀi ɀose pamsoro paʋo.
24
Tarirai, mirwi yokurwa yaȿika paguta kuti ʋarikunde; guta raiswa mumaʋoko aʋaKardea ʋanorwa naro, nokuɗa kwomunondo nenzara nehosha yakaipa; ɀamakataura ɀaitika, tarirai, munoɀiʋona.
25
Ɀino imi Ishe Jehova, makati kwandiri: Ciɀiteŋgera munda nemari, uɗane ɀapupu, kunyaŋge ɀakaɗaro guta raiswa mumaʋoko aʋaKardea.
26
Ipapo shoko raJehova rakaȿika kunaJeremia, riciti:
27
Tarira, ndini Jehova, Mŋari wenyama yose, kunecinhu ciŋgandikona here?
28
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarira, ndicaisa guta rino mumaʋoko aʋaKardea, nomumaʋoko aNebukadrezari mambo weBabironi, iye ucarikunda;
29
ƲaKardea, ʋanorwa neguta rino, ʋacaʋuya ʋacituŋgidza guta rino, ʋaciripisira, pamŋe cete nedzimba dzaʋakaɓayira pamateŋga adzo ɀinonhuwira kunaBaari, nokuɗururira ʋamŋe ʋamŋari ɀipiriso ɀinoɗururwa, kuti ʋanditsamŋise.
30
Nokuti ʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaJuda ʋaiŋgoita ɀakaipa ɀoga pamberi paŋgu kubva paʋuɗuku bgaʋo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋgonditsamŋisa ɓedzi namaɓasa amaʋoko aʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
31
Nokuti guta rino rakamutsa kutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu kubva pazuʋa raʋakariʋaka kuȿikira zuʋa ranhasi, kuti ndiribvise pamberi paŋgu,
32
nokuɗa kweɀakaipa ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaJuda, ɀaʋakaita ʋacinditsamŋisa, iʋo namadzimambo aʋo, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋaprofita ʋaʋo, naʋanhu ʋaJuda, naʋagere Jerusarema.
33
Ʋakandifuratira, haʋana‐kunditarira neɀiso ɀaʋo; kunyaŋge ndaiʋadzidzisa, ndicimuka maŋgwanani ndiciʋadzidzisa, asi haʋana‐kuterera nokutenda kuraŋgwa.
34
Asi ʋakaisa ɀinonyaŋgadza ɀaʋo muimba yakatumidzwa zita raŋgu, kuti ʋaiȿiɓise.
35
Ʋakaʋaka mitunhu yaBaari, iri mumupata womŋanakomana waHinomi, kuti ʋapinzire Moreki ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo mumŋoto, cinhu candisina‐kuʋaraira, kana candisina‐kufuŋga mumŋoyo maŋgu, kuti ʋaite cinhu ici cinonyaŋgadza, ʋacitadzisa Juda.
36
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri pamsoro peguta rino, ramunoti rakaiswa muruʋoko rwamambo weBabironi nomunondo, nenzara ʋuye nehosha yakaipa:
37
Tarirai, ndicaʋaʋuŋganidza kunyika dzose kwandakaŋga ndaʋadziŋgira nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ʋuye neshuŋgu dzaŋgu huru, ndicaʋadzosera ɀe kunɀimbo ino, nokuʋagarisa ʋakaceŋgetwa.
38
Iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo.
39
Ndicaʋapa mŋoyo mumŋe nenzira imŋe, kuti ʋanditye nokusiŋgaperi, ʋaitirwe ɀakanaka iʋo, naʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera.
40
Ndicaita naʋo suŋgano isiŋgaperi, handiŋgadzoki pakuʋateʋera kuti ndiʋaitire ɀakanaka; ndicaisa kutya mumŋoyo yaʋo kuti ʋanditye, kuti ʋarege kuzotsauka kwandiri.
41
Ɀirokwaɀo, ndicaʋafarira kuti ndiʋaitire ɀakanaka, ndicaʋasima ɀirokwaɀo munyika ino nomŋoyo waŋgu wose ʋuye nomŋeya waŋgu wose.
42
Nokuti ɀanzi naJehova: Seɀandakaʋuyisa ɀakaipa iɀi ɀikuru ɀose pamsoro paʋanhu aʋa, saiɀoɀo ʋo ndicaʋuyisa pamsoro paʋo ɀakanaka ɀose ɀandakaʋapikira.
43
Minda icateŋgwa munyika ino yamunoti iɗoŋgo, hainaʋanhu kana ɀipfuwo, yaiswa mumaʋoko aʋaKardea.
44
Ʋanhu ʋacateŋga minda nemari, nokunyora magwaro okuteŋga, nokuanamatidza, nokuɗana ɀapupu, panyika yaBenjamini, napanɀimbo dzakapoteredza Jerusarema, nomumaguta aJuda, nomumaguta enyika yamakomo, nomumaguta amapani, nomumaguta orutiʋi rwezasi; nokuti ndicadzosa kutapxa kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52