bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 48
Jeremiah 48
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 49 →
1
Pamsoro paMoabi. Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Nebo rinenhamo, nokuti raparadzwa; Kiriataimi ranyadziswa, rakundwa; Mishgabi ranyadziswa, ravunduswa.
2
Mbiri yaMoabi haici’po; paHeshboni ʋakaraŋgana ɀakaipa pamsoro paʋo, ʋaciti: Ʋuyai, tiʋaparadze, ʋarege kuzoʋa rudzi. Newe ʋo Madmeni, ucanyaradzwa, munondo ucakuteʋerera.
3
Inzwai inzwi rokucema rinobva Horonaimi, kuparadzwa nokukoromorwa kukuru!
4
Moabi ʋaparadzwa; ʋanana ʋaʋo ʋakanzwika ʋacicema.
5
Nokuti ʋacakwira nomukwidzwa weRuhiti ʋaciŋgocema; nokuti pamatenusirwa eHoronaimi ʋakanzwa njodzi yokucema kwokuparadzwa.
6
Tizai, muponese mŋeya yenyu, mufanane negwenzi murenje.
7
Nokuti ɀamakaʋimba namaɓasa enyu nefuma yenyu, mucakundwa ʋo; Kemoshi ʋacaenda kwaʋanotapxa, ʋaprista ʋaʋo namacinda aʋo pamŋe cete.
8
Muparadzi ucawira guta rimŋe nerimŋe, hakuneguta ricapukunyuka; mupata ucaparara ʋo, neɓani ricaparadzwa, seɀakataura Jehova.
9
Ipai Moabi mapapiro, ʋabururuke, ʋaende; maguta aʋo acaʋa matoŋgo, anoshaiwa unogara’mo.
10
Ŋgaatukwe unoɓate‐ɓasa raJehova asinehanya naro; ŋgaatukwe unodzora munondo wake paropa.
11
Moabi ʋakaŋga ʋanezororo kubva paʋuɗuku bgaʋo, ʋakagara pamasese aʋo, haʋana‐kuɗururwa ʋacibviswa mumudziyo mumŋe ʋaciiswa munomumŋe mudziyo, ʋuye haʋana‐kutapxa; naiɀoɀo kuzipa kwaʋo kwakarambira mukati maʋo, nokunhuwira kwaʋo hakuna‐kushanduka.
12
Naiɀoɀo tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andicatuma kwaʋari ʋanomimina; iʋo ʋacaʋamimina, ʋacaɗurura midziyo yaʋo cose, nokuputsanya hari dzaʋo.
13
Moabi ʋacanyara pamsoro peKemoshi, seɀakanyadziswa imba yaIsraeri pamsoro peBeti‐eri, raʋaiʋimba naro.
14
Munotaura seiko, muciti: Tiri mhare, ʋanhu ʋakatsuŋga pakurwa?
15
Moabi ʋaparadzwa, ʋakwira mumaguta aʋo, majaya aʋo akasanaŋgurwa akaɓuruka kundoʋurawa — ndiɀo ɀinotaura Mambo, unezita rinonzi Jehova wehondo.
16
Njodzi yaMoabi yaʋa pedyo yoɗo‐kuʋuya, nhamo yaʋo yokurumidza kuʋuya.
17
Ʋacemei, imi mose makaʋapoteredza, imi mose munoziʋa zita raʋo; muti: Haiwa, tȿimbo yakasimba, iwo muɗonɀo wakanaka, ɀavunika sei!
18
Iwe mukunda unogara Diboni, ɓuruka pakukudzwa kwako, ugare panenyota, nokuti muparadzi waMoabi waʋuya kuzorwa newe, waparadza nhare dzako.
19
Iwe unogara Aroeri, mira panzira utarire; bvunza unotiza nounopukunyuka, uti: Cinyiko caitwa?
20
Moabi ʋakanyadziswa, nokuti ʋakakoromorwa. Wuŋgudzai muceme, muɀiparidzire paArnoni kuti Moabi ʋaparadzwa.
21
Ɀirokwaɀo, kutoŋgwa kwaȿika panyika yamapani, paHoroni, napaJaza, napaMefaati,
22
napaDiboni, napaNebo, napaBeti‐dibrataimi,
23
napaKiriataimi, napaBeti‐gamuri, napaBeti‐meoni,
24
napaKerioti, napaBozra, napamaguta ose enyika yaʋaMoabi, kure kana pedyo.
25
Runyaŋga rwaMoabi rwagurwa, ruʋoko rwaʋo rwavuniwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
26
Muʋapei ɗoro ʋaɓatwe, nokuti ʋakaita manyawi pamberi paJehova; Moabi ʋacaʋumburuka mumarutsi aʋo, ʋacasekwa ʋo.
27
Nokuti Israeri haʋana‐kusekwa nemi here? Ʋakawanikwa pakati pamakororo here? Nokuti ŋguʋa dzose kana mucimureʋa iye munodzuŋgudza misoro yenyu.
28
Imi mugere panyika yaMoabi, ibvai mumaguta, mugare muɗombo, muʋe senjiʋa inoʋaka ɗendere rayo pamatiʋi amawere.
29
Takanzwa kuɀikudza kwaMoabi, kuti ʋanoɀikudza kwaɀo; manyawi aʋo, nokuɀikudza kwaʋo, nokuɀirumbidza kwaʋo, namanyawi omŋoyo waʋo.
30
Ndinoziʋa hasha dzaʋo, kuti hadzinamaturo — ndiɀo ɀinotaura Jehova; kuɀirumbidza kwaʋo haɀina‐kuita cinhu.
31
Naiɀoɀo ndicawuŋgudza pamsoro paMoabi, ɀirokwaɀo ndicaɗanidzira pamsoro paʋaMoabi ʋose; ʋacacema ʋanhu ʋeKiri‐heresi.
32
Ndicakucemera, iwe muzambiriŋga weSibma, nokucema kunopfuʋura kucema kwaJazeri; mataʋi ako akaɗarika guŋgwa, akandoȿika paguŋgwa raJazeri; muparadzi wawira ɀiɓereko ɀako ɀezhezha namazambiriŋga ako.
33
Mufaro nokufara ɀabviswa pamunda wakaŋga uciɓereka ɀakanaka napanyika yaMoabi; ndakagumisa waini paɀiȿiniro, hakuna‐ʋacatsika ʋacipururudza, kupururudza hakuŋgaʋi kupururudza.
34
Kubva pakucema kweHeshboni kuȿikira Ereare, nokuȿikira Jahazi, ʋakanzwisa inzwi raʋo, kubva Zoari kuȿikira Horonaimi neEgrati‐sherishiya; nokuti nemvura zhinji yeNimrimi icaparadzwa.
35
Ndicagumisa ʋo pakati paMoabi aninani unoɓayira panɀimbo dzakakwirira, naiye unopisira ʋamŋari ʋake ɀinonhuwira — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
36
Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu unorira pamsoro paMoabi senyere, nomŋoyo waŋgu unorira senyere pamsoro paʋanhu ʋeKiri‐heresi; naiɀoɀo ɀakawanda ɀaakaɀiwanira ɀapera.
37
Nokuti misoro yose yaʋa nemhazha, nendebvu dzose dzaʋeʋurwa; maʋoko ose atemŋa, neɀiʋuno ɀose ɀinamasaga.
38
Pamateŋga edzimba dzaMoabi, napanzira dzomumisha yaʋo kuwuŋgudza kuri’po pose; nokuti ndaputsa Moabi somudziyo usiŋgafadzi munhu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
39
Ʋakoromorwa sei! Ʋanowuŋgudza sei! Moabi ʋakafuratira sei nokunyadziswa! Saiɀoɀo Moabi ʋacaʋa cinhu cinosekwa necinotyisa pakati paʋose ʋanoʋapoteredza.
40
Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ucabururuka segondo, ucatambanudzira mapapiro ake kuzorwa naMoabi.
41
Maguta akundwa, nhare dzakundwa, nezuʋa iro mŋoyo yemhare dzaMoabi icaita somŋoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.
42
Moabi ʋacaparadzwa, ʋarege kuʋa rudzi rwaʋanhu, nokuti ʋakaɀikudza pamberi paJehova.
43
Kutya nehuzha nomusuŋgo ɀaȿika kwauri, iwe ugere panyika yaMoabi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
44
Unotiza cinotyisa ucawira muhuzha; unokwira aciɓuɗa muhuzha ucaɓatwa nomusuŋgo, nokuti ndicaʋuyisa pamsoro paʋo, ipo pamsoro paMoabi, gore rokurobga kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
45
Ʋakatiza ʋamire pamumvuri weHeshboni ʋasinesimba, nokuti mŋoto waɓuɗa paHeshboni, nomuraɀo pakati paSihoni, waparadza matiʋi aMoabi nemisoro yaʋanoɗa kurwa.
46
Munenhamo, imi Moabi! Ʋanhu ʋeKemoshi ʋapera; nokuti ʋanakomana ʋenyu ʋatapxa, naʋakunda ʋenyu ʋaiswa kukutapxa.
47
Asi namazuʋa okupedzisira ndicadzosa kutapxa kwaMoabi — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ndi’po panoȿika kutoŋgwa kwaMoabi.
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 49 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52