bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 49
Jeremiah 49
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 50 →
1
Pamsoro paʋana ʋaAmoni. Ɀanzi naJehova: Ko Israeri haʋanaʋanakomana here? Haʋanaʋagari ʋenhaka here? Ko Markami wagarireiko nhaka yaGadi, ʋanhu ʋake ʋanogarirei mumaguta ake?
2
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, mazuʋa anoȿika, andicanzwisa ʋanhu mhere yokurwa neRaba raʋana ʋaAmoni; ricaitwa murwi wamatoŋgo, naʋakunda ʋaro ʋacapiswa nomŋoto; ipapo ʋaIsraeri ʋacadya nhaka yaʋakambodya nhaka yaʋo.
3
Wuŋgudza iwe Heshboni, nokuti Ai raparadzwa; cemai imi ʋakunda ʋeRaba, ɀisuŋgei ɀiʋuno namasaga, wuŋgudzai, mumhanye kwose kwose pakati pezhowa, nokuti Markami ucatapxa, iye naʋaprista namacinda ake pamŋe cete.
4
Unoɀirumbidzireiko pamsoro pemipata, pamsoro pomupata wako unoyerera, iwe mukunda wokudzokera shure, iwe wokuʋimba nefuma yako, uciti: Ndianiko uŋgarwa neni?
5
Tarira, ndicaʋuyisa pamsoro pako kutya ʋose ʋanokupoteredza — ndiɀo ɀinotaura Ishe, Jehova wehondo; mucadziŋgwa mumŋe nomumŋe ipo paakatarira, hakuna‐uŋgazoʋuŋganidza ʋanodzuŋgaira.
6
Asi pashure ndicadzosa kutapxa kwaʋana ʋaAmoni — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
7
Pamsoro paEdomi. Ɀanzi naJehova wehondo: Ko paTemani hapacinoʋucenjeri here? Mano aroʋa kunaʋakaŋgwara here? Ʋucenjeri bgaʋo bganyaŋgarika here?
8
Tizai, mudzoke, garai makadzika, imi mugere paDedani; nokuti ndicaʋuyisa njodzi yaEsau pamsoro pake neŋguʋa yandicamuroʋa nayo.
9
Kana ʋakohwi ʋamizambiriŋga ʋakaȿika kwauri, haʋaŋgasiyi mamŋe mazambiriŋga aŋgazokohiwa here? Kana mbava dzikaȿika ʋusiku haʋaŋgaparadzi kuȿikira ʋariŋganwa here?
10
Ndakafukura Esau, ndazarura nɀimbo dzake dzakaʋanda, haaŋgagoni kuʋanda; ʋana ʋake ʋaparadzwa, nehama dzake noʋokwake; iye haaci’po.
11
Siya nherera dzako, ini ndicadziraramisa, cirikadzi dzako ŋgadziʋimbe neni.
12
Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ʋakaŋga ʋasina‐kufanira kunwa pamukombe, ʋacanwa ɀirokwaɀo; ko ɀino iwe ndiwe ucaregwa cose usiŋgarobgi here? Hauŋgaregwi usiŋgarobgi, asi ucanwa ɀirokwaɀo.
13
Nokuti ndakapika neni ndimene — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kuti Bozra ricaitwa cishamiso necinoshoʋorwa, neɗoŋgo necinotukwa; maguta aro ose acaʋa matoŋgo nokusiŋgaperi.
14
Ndakanzwa mashoko anobva kunaJehova, nhume yakatumŋa pakati pamarudzi, iciti: Ʋuŋganai, muʋuye kuzorwa naro, musimukire kurwa.
15
Nokuti tarirai, ndakakuita muɗuku pakati pamarudzi, nounoɀidzwa pakati paʋanhu.
16
Kana kuri kutyisa kwako, kuɀikudza kwomŋoyo wako kwakakunyeŋgera, iwe ugere mumikaha yeɗombo, unoɀisimbisa pakakwirira paɀikomo; kunyaŋge ukaʋaka ɗendere rako pakakwirira segondo, ndicakubvisa’po — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
17
Edomi ʋacaitwa cishamiso, mumŋe nomumŋe unopfuʋura napo ucashamiswa, ucaridza muridzo pamsoro pamaɗambudziko aʋo ose.
18
Sapakutsindikirwa kweSodoma neGomora namamŋe maguta akaŋga ari pedyo nawo, saiɀoɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — hakunomunhu ucagara’mo, hakunomŋanakomana womunhu ucaʋa’mo ari mutorwa.
19
Tarirai, ucaʋuya seshumba acibva mumatenhere aJoridani kuzorwa noʋugaro bgakasimba; nokuti ndicaʋatizisa’po pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandicagadza’po; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani ucanditarira ŋguʋa? Mufudzi uŋgamira pamberi paŋgu ndiani?
20
Naiɀoɀo cinzwai cireʋo caJehova caakatema pamsoro paEdomi, nemifuŋgo yake yaakafuŋga pamsoro paʋagere paTemani: Ɀirokwaɀo ʋacaʋakwekweredza, iʋo ʋaɗuku ʋamapoka aʋo; ɀirokwaɀo mafuro aʋo acashamiswa pamsoro paʋo.
21
Nyika inoɗeɗera nokuɗa kwomubvumo wokuwira kwaʋo pasi; kucema kuri’po kunonzwika kuȿikira kuGuŋgwa Dɀuku.
22
Tarirai, ucakwira acibururuka segondo, ucatambanudzira mapapiro ake kuzorwa neBozra, nezuʋa iro mŋoyo yemhare dzaEdomi icaita somŋoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.
23
Pamsoro peDamasko. Hamati ranyadziswa, neArpadi, nokuti akanzwa mashoko akaipa, akanyauka; kutambudzika kuri’po paguŋgwa, harigoni kuzorora.
24
Damasko rapera simba, rakatendeʋukira kutiza, rakaɓatwa nokuɗeɗera; rakaɓatwa nokurwadziwa nokucema somukadzi unosurumuka.
25
Haiwa, guta rairumbidzwa rakasiyiwa sei, iro guta romufaro waŋgu?
26
Naiɀoɀo majaya aro acawira pasi munzira dzaro, ʋarwi ʋose ʋacanyarara nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
27
Ndicaɓatidza mŋoto muruȿiŋgo rweDamasko, ucaparadza dzimba dzoʋushe dzaBeni‐hadadi.
28
Pamsoro paKedari napamsoro poʋushe bgeHazori bgakakundwa naNebukadrezari mambo weBabironi. Ɀanzi naJehova: Simukai, muende kunaKedari, mundoparadza ʋanhu ʋokumabvazuʋa.
29
Ʋacatora matente aʋo namapoka aʋo amakwai, ʋacaɀitorera miceka yaʋo inoremberedzwa, nemidziyo yaʋo yose, namakamera aʋo ʋacienda naɀo; ʋacaɗanidzira kwaʋari, ʋaciti: Ɀinotyisa ɀiri’po kumatiʋi ose!
30
Tizai, endai kure, garai makadzika, imi ʋagere Hazori — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti Nebukadrezari mambo weBabironi wakaraŋgana pamsoro penyu, wakakufuŋgirai mano akaipa.
31
Simukai, muende kundorwa norudzi rwakazorora, runogara rusinehanya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — rusinamasuʋo kana ɀipfigiso, runogara rwoga.
32
Makamera aʋo acatapxa neɀipfuwo ɀaʋo ɀizhinji ɀicapambga; ndicaʋaparadzira kumatiʋi ose kunobva mhepo, iʋo ʋakaʋeʋurwa matiʋi evudzi raʋo, ndicaʋaʋuyisira njodzi yaʋo icibva kumatiʋi ose — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
33
Hazori ʋucaʋa ʋugaro bgamakaʋa, neɗoŋgo nokusiŋgaperi; hakunomunhu uŋgagara’mo, hakunomŋanakomana womunhu ucaʋa’mo ari mutorwa.
34
Shoko raJehova, rakaȿika kumuprofita Jeremia pamsoro paErami, pakutaŋga kwokuɓata ʋushe kwaZedekia mambo waJuda, riciti:
35
Ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ndicavuna ʋuta bgaErami, ico cinhu cikuru cesimba raʋo.
36
Ndicaʋuyisira pamsoro paErami mhepo inna dzicibva kumatiʋi manna okuɗeŋga, ndicaʋaparadzira kumatiʋi iwo manna kunobva mhepo; hakuŋgaʋi norudzi rumŋe kusiŋgaȿiki iʋo ʋakadziŋgwa ʋaErami.
37
Ndicavundusa Erami pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo napamberi paʋanotȿaka kuʋaʋuraya; ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro paʋo, iko kutsamŋa kwaŋgu kukuru — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicatuma munondo uʋateʋerere kuȿikira ndaʋapedza.
38
Ndicaisa cigaro caŋgu coʋushe maErami, ndiparadze mambo namacinda ʋabve’po — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
39
Asi namazuʋa okupedzisira ndicadzosa ɀe kutapxa kwaErami — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 50 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52