bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 5
Jeremiah 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 6 →
1
Mhanyai kwose‐kwose panzira dzomuguta reJerusarema, muʋone ɀino, muziʋe, mutȿake pamigwagwa mikuru yaro, kana muŋgawana munhu, kana ari’po, unoita ɀakarurama, unotȿaka ɀokwaɗi; ipapo ndicarikaŋganwira.
2
Kunyaŋge ʋaciti haʋo: NaJehova mupenyu, ɀirokwaɀo ʋanopika nhema.
3
Haiwa Jehova, meso enyu haazinotȿaka ɀokwaɗi here? Makaʋaroʋa, asi haʋana‐kunzwa kurwadziwa; makaʋapedza, asi ʋakaramba kurairwa; ʋakawomesa ɀiso ɀaʋo kupfuʋura ɗombo, ʋakaramba kudzoka.
4
Ipapo ndikati: Ɀirokwaɀo, aʋa ʋarombo, mapenzi, nokuti haʋaziʋi nzira yaJehova, kana murairo waMŋari waʋo.
5
Ndicaenda kuʋakuru, ndicataura naʋo; nokuti iʋo ʋanoziʋa nzira yaJehova, nomurairo waMŋari waʋo. Asi aʋa ʋose pamŋe cete ʋakaputsa joko, ʋakaɗambura ɀisuŋgo.
6
Saka shumba inobva kuɗondo, icaʋaʋuraya, ɓere rokumarenje ricaʋaparadza, iŋgwe icaʋandira maguta aʋo, mumŋe nomumŋe, unoɓuɗa’mo, ucabvamburwa; nokuti kuɗarika kwaʋo kuzhinji, nokudzokera kwaʋo kwawedzerwa.
7
Ndiŋgakukaŋganwira seiko? Ʋana ʋako ʋakandirasha, ʋakapika naʋasati ʋari ʋamŋari. Ŋguʋa yandakaʋagutsa kwaɀo, ʋakapombora, ʋakaʋuŋganira padzimba dzeɀifeʋe ʋaciita mapoka.
8
Ʋakaŋga ʋakaita samabiza akagutswa, anoŋgoɀifambira; mumŋe nomumŋe wakaɗana mukadzi wowokwake.
9
Ko handiŋgaroʋi pamsoro peɀinhu iɀi here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; Ko mŋeya waŋgu hauŋgaɀitsiʋiri parudzi rwakaɗai here?
10
Kwirai pamaȿiŋgo aro, muparadze; asi musapedza cose; bvisai mataʋi aro, nokuti haazi aJehova.
11
Nokuti imba yaIsraeri neimba yaJuda ʋakaita nokunyeŋgera kukuru kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
12
Ʋakaramba Jehova, ʋakati: Haazi iye; hakunecakaipa ciŋgatiwira, hatiŋgaʋoni munondo kana nzara;
13
ʋaprofita ʋacashanduka mhepo, shoko raJehova harizi maʋari; ŋgaʋaitirwe saiɀoɀo.
14
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova, Mŋari wehondo: Ɀamunotaura shoko iri, tarirai, ndicaita mashoko aŋgu aʋe mŋoto mumiromo yenyu, naʋanhu aʋa ʋaʋe huni, ʋapedzwe nawo.
15
Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋuyisa pamsoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsraeri; rudzi runesimba, rudzi rwakare‐kare, rudzi rwamusiŋgaziʋi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa ɀaʋanotaura.
16
Goɓa raʋo bgiro bgakashama, ʋose ʋanhu ʋanesimba.
17
Ʋacadya ɀamakakohwa neɀokudya ɀenyu ɀaifanira kudyiwa naʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu; ʋacadya makwai enyu neŋombe dzenyu; ʋacadya mizambiriŋga yenyu nemiʋonde yenyu; ʋacaputsira pasi neminondo maguta enyu akakomberedzwa, amaiʋimba nawo.
18
Asi ɀanzi naJehova: Kunyaŋge napamazuʋa iwayo handiŋgakupedziyi cose.
19
Ɀino kana muciŋge moti: Ko Jehova Mŋari weɗu wakatiitirei iɀeɀi ɀose? Ipapo uti kwaʋari: Seɀamakandirasha ini, mukashumira ʋamŋe ʋamŋari panyika yenyu, saiɀoɀo mucashumira ʋatorwa panyika isati iri yenyu.
20
Taurai iɀoɀi paimba yaJakobo, muɀiparidzire paJuda, muciti:
21
Ɀino cinzwai iɀoɀi, imi ʋanhu mapenzi, musinenjere; munameso, asi hamuʋoni, munenzeʋe, asi hamunzwi:
22
Ɀanzi naJehova: Hamundityi here? Hamuɗeɗeri pamberi paŋgu here, ini ndakaisa jeca riʋe muganho weguŋgwa, ndikatema cireʋo cisiŋgaperi kuti rirege kuudarika? Ɀino kunyaŋge mafuŋgu aro acipeŋga, haaŋgakundi, kunyaŋge akaʋirima, haaŋgaɗariki.
23
Asi ʋanhu aʋa ʋanomŋoyo wakasindimara unoramba kunzwa; ʋakatsauka, ndokuenda.
24
Haʋati mumŋoyo yaʋo: Ɀino ŋgatitye Jehova Mŋari weɗu, unotipa paŋguʋa yaɀo mvura yokutaŋga neyokupedzisira, iye unoticeŋgetera maviki akatarwa okukohwa.
25
Ɀakaipa ɀenyu ɀakatsausa iɀoɀi, kutadza kwenyu kwakadziʋisa kuti ɀinhu ɀakanaka ɀirege kuʋuya kwamuri.
26
Nokuti ʋanhu ʋakaipa ʋari’po pakati paʋanhu ʋaŋgu; ʋanorindira, saʋanogarira shiri; ʋanoteya misuŋgo, ʋanoɓata ʋanhu.
27
Seɗendere, rizere neshiri, saiɀoɀo dzimba dzaʋo dzizere nokunyeŋgera; nemhaka iyo ʋakura, ʋafuma.
28
Ʋakora, ʋanobginya; ɀirokwaɀo ʋanokurira ʋamŋe namaɓasa akaipa; haʋatambi mhaka, iyo mhaka yenherera, kuti ʋagare ɀakanaka; haʋaruramisiri ʋanoshaiwa.
29
Ko handiŋgaroʋi pamsoro peɀinhu iɀi here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ko mŋeya waŋgu hauŋgaɀitsiʋiri parudzi rwakaɗai here?
30
Cinhu cinoshamisa cinosemesa cakaitwa panyika ino;
31
ʋaprofita ʋanoprofita nhema, naʋaprista ʋanoɓata ʋushe ʋacirairwa naʋo; asi ʋanhu ʋaŋgu ʋanofarira iɀoɀo; ɀino pakupedzisira kwaɀo mucaiteiko?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52