bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 31
Jeremiah 31
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 32 →
1
Neŋguʋa iyo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋa Mŋari wamarudzi ose aIsraeri, naiʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu.
2
Ɀanzi naJehova: Ʋanhu ʋakapukunyuka pamunondo, iʋo ʋaIsraeri, ʋakawana nyasha murenje, paŋguʋa yandakandoʋazorodza.
3
Jehova wakaɀiratidza kwandiri ari kure, akati: Ɀirokwaɀo, ndakakuɗa noruɗo rusiŋgaperi, naiɀoɀo ndakakukweʋa noʋunyoro.
4
Ndicakuʋaka ɀe, ipapo ucaʋa wakaʋakwa, iwe mhandara yaIsraeri; ucashoŋgedzwa ɀe ŋgoma dzako, ucaɓuɗa kundotamba naʋanofara.
5
Ucasima ɀe minda yemizambiriŋga pamakomo eSamaria; ʋasimi ʋacasima nokudya ɀiɓereko ɀayo.
6
Nokuti zuʋa ricaȿika, naro nharirire dzicaɗana pamakomo aEfraimi, dziciti: Simukai imi, tikwire Zioni kunaJehova Mŋari weɗu.
7
Nokuti ɀanzi naJehova: Imbirai Jakobo nomufaro, pururudzirai mukuru wamarudzi; paridzirai, rumbidzai, muti: Jehova, ponesai ʋanhu ʋenyu, iʋo ʋakasara ʋaIsraeri.
8
Tarirai, ndicaʋaʋuyisa ʋacibva kunyika yokumsoro, ndicaʋaʋuŋganidza kumigumo yenyika, pamŋe cete namapofu, naʋanokamhina, naʋakadzi ʋaʋa nomuʋiri pamŋe cete naʋanosurumuka; ʋacadzokera ʋuno riri ɓoka guru.
9
Ʋacaʋuya ʋacicema, ndicaʋaperekedza ʋacinyeŋgetera; ndicaʋafambisa panzizi dzemvura zhinji, nenzira yakarurama, paʋasiŋgazogumburwi; nokuti ndiri ɓaɓa kunaIsraeri, Efraimi iɗaŋgwe raŋgu.
10
Inzwai shoko raJehova, imi marudzi, muriparidzire paɀiwi ɀiri kure, muti: Wakaparadzira Israeri, ndiye ucaʋaʋuŋganidza, nokuʋaceŋgeta, seɀinoita mufudzi ɓoka rake.
11
Nokuti Jehova wakadzikinura Jakobo, akamurwira muruʋoko rwounopfuʋura nesimba.
12
Ʋacaʋuya ʋaciimba panɀimbo yakakwirira yeZioni, ʋacayerera semvura kuneɀakanaka ɀaJehova, kuɀiyo, nokuwaini itȿa, nokumafuta, nokuɀiɓereko ɀamakwai neŋombe; mŋeya waʋo ucaʋa somunda wakaɗiridzwa, haʋaŋgatoŋgoʋi nokusuwa ɀe.
13
Ipapo mhandara icafara nokutamba, namajaya naʋatana pamŋe cete; nokuti ndicashandura kucema kwaʋo uʋe mufaro, ndicaʋanyaradza, nokuʋafadza pakusuwa kwaʋo.
14
Ndicagutisa mŋeya yaʋaprista namafuta, ʋuye ʋanhu ʋaŋgu ʋacaguta neɀakanaka ɀaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
15
Ɀanzi naJehova: Inzwi rinonzwika muRama, rokuwuŋgudza nokucema kukuru, Rakeri unocema ʋana ʋake; unoramba kunyaradzwa pamsoro paʋana ʋake, nokuti haʋaci’po.
16
Ɀanzi naJehova: Dzora inzwi rako pakucema, nameso ako pamisodzi, nokuti ɓasa rako ricaripirwa muɓairo — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ʋacadzoka ɀe ʋacibva kunyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo.
17
Mugumo wako unetariro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ʋana ʋako ʋacadzokera ɀe kumiganho yaʋo.
18
Ɀirokwaɀo ndakanzwa Efraimi aciɀicema, aciti: Imi makandiroʋa, ndikarobga semhuru isina‐kupiŋgudzwa; ndidzoserei imi, ipapo ndicadzoka, nokuti imi muri Jehova Mŋari waŋgu.
19
Ɀirokwaɀo, ndakati ndadzoka, ndikatendeʋuka, ndakati ndarairirwa, ndikaɀiroʋa pahudyu; ndakanyadziswa, ɀirokwaɀo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoʋorwa kwoʋuɗuku bgaŋgu.
20
Ko Efraimi ndiye mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa here? Ndiye mŋana unondifadza here? Nokuti ŋguʋa dzose kana ndicimutuka, ndinoramba ndicimuraŋgarira kwaɀo; naiɀoɀo mŋoyo waŋgu unomucemera; ɀirokwaɀo, ndicamunzwira nyasha — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
21
Ɀimisirei shoŋgwe dzenzira, ɀiitirei ɀani; rerekerai mŋoyo yenyu kunzira huru, iyo nzira yamakafamba nayo; dzoka ɀe, mhandara yaIsraeri, dzokera ɀe kumaguta ako awa.
22
Ucaramba ucifambiro’mo kuȿikira riniko, iwe mukunda wokudzokera shure? Nokuti Jehova wakasika cinhu citȿa panyika, cokuti mukadzi ucambundikira murume.
23
Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ʋacataura ɀe shoko iri munyika yaJuda nomumaguta ayo, kana ndicidzosa ɀe kutapxa kwaʋo, ʋaciti: Jehova ŋgaakuropafadze, iwe ʋugaro bgokururama, iwe gomo roʋutȿene.
24
Juda namaguta aʋo ose ʋacagara’mo pamŋe cete, ʋarimi naʋanofamba namapoka aʋo.
25
Nokuti ndakagutsa mŋeya wakaneta, nomŋeya mumŋe nomumŋe, unokusuwa, ndakausimbisa.
26
Ipapo ndakamuka, ndikaʋona; hope dzaŋgu dzikandizipira.
27
Ɀanzi naJehova: Tarirai, mazuʋa anoʋuya, andicadɀara paimba yaIsraeri napaimba yaJuda mbeu dzaʋanhu nembeu dzeɀipfuwo.
28
Ɀino seɀandakaʋarindira, ndicidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saiɀoɀo ndicaʋarindira ndiʋake nokusima — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
29
Namazuʋa awo haʋaŋgazoti: Madziɓaɓa akadya mazambiriŋga anoʋaʋa, meno aʋana ndokubgadzira.
30
Asi mumŋe nomumŋe ucafira ɀakaipa ɀake; mumŋe nomumŋe, unodya mazambiriŋga anoʋaʋa, meno ake acabgadzira.
31
Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andicaita suŋgano itȿa neimba yaIsraeri, ʋuye neimba yaJuda.
32
Haiŋgafanani nesuŋgano yandakaita namadziɓaɓa aʋo namazuʋa andakaʋaɓata ruʋoko ndikaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakaputsa suŋgano yaŋgu iyo, kunyaŋge ndakaŋga ndiri murume kwaʋari — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
33
Asi heyi suŋgano yandicaita neimba yaIsraeri shure kwamazuʋa iwayo — ndiɀo ɀinotaura Jehova: Ndicaisa murairo waŋgu mukati maʋo, ndicaunyora pamŋoyo yaʋo; ini ndicaʋa Mŋari waʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu.
34
Haʋaŋgazodzidzisani, mumŋe nomumŋe nowokwake, mumŋe nomumŋe nehama yake, aciti: Ziʋa Jehova; nokuti ʋacandiziʋa ʋose, kubva kuʋaɗuku pakati paʋo kuȿikira kuʋakuru pakati paʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndicakaŋganwira kuipa kwaʋo, neɀiʋi ɀaʋo handiŋgazoɀiraŋgariri.
35
Ɀanzi naJehova, iye unopa zuʋa riʋe ciedza masikati, nemirairo yomŋedzi neyenyeredzi ɀiʋe ciedza ʋusiku, iye unomutsa guŋgwa, kuti mafuŋgu aro atinhire, Jehova wehondo ndiro zita rake:
36
Kana mirairo iyi ikabva pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋo ʋaŋgaguma ʋo kuʋa rudzi pamberi paŋgu nokusiŋgaperi.
37
Ɀanzi naJehova: Kana ɗeŋga kumsoro ricibvira kuyerwa, nenheyo dzenyika pasi dzicibvira kunɀerwa, ipapo neni ʋo ndicarasha ʋana ʋose ʋaIsraeri nokuɗa kweɀose ɀaʋakaita — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
38
Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — acaʋakirwa Jehova guta kubva pashoŋgwe yaHananeri kuȿikira kusuʋo rekona.
39
Ʋuye rwonzi rwokuyera narwo rucapfuʋura ruciruramira kucikomo ceGarebi, ndokudzoka kuȿikira paGoa.
40
Mupata wose weɀitunha nowamaɗota, neminda yose kuȿikira kurukoʋa Kidroni, kuȿikira kukona resuʋo ramabiza kurutiʋi rwamabvazuʋa, ɀicaʋa ɀitȿene kunaJehova; haɀiŋgazodzurwi, kana kuparadzwa nokusiŋgaperi.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52