bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 9
Jeremiah 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 10 →
1
Haiwa, ɗai musoro waŋgu waiʋa ne mvura zhinji, nameso aŋgu riri tsime remisodzi, ndiŋgaɗai ndaicema masikati noʋusiku nokuɗa kwaʋakaʋurawa ʋomukunda waʋanhu ʋaŋgu!
2
Haiwa, ɗai ndaiʋa neɗumba rinosigarwa naʋafambi murenje, ndiŋgaɗai ndaisiya ʋanhu ʋaŋgu, ndikabva kwaʋari! Nokuti ʋose imhombge, iʋuŋgano yaʋanhu ʋanonyeŋgera.
3
Ʋanokuŋga marimi aʋo, seɀa ʋanoita ʋuta bgaʋo, kuzoreʋa nhema; ʋasimba panyika, asi haʋaiti neɀokwaɗi; nokuti ʋanoramba ʋaciŋgoita ɀakaipa, haʋandiziʋi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
4
Mumŋe nomumŋe ŋgaacenjerere wokwake, murege kutenda hama ipi neipi; nokuti hama imŋe neimŋe icanyeŋgera, nowokwake mumŋe nomumŋe ucapota‐pota anamakuhwa.
5
Mumŋe nomumŋe ucanyeŋgera wokwake, haaŋgareʋi ɀokwaɗi; ʋakadzidzisa marimi aʋo kureʋa nhema, ʋanoɀinetsa nokuita ɀakaipa.
6
Ʋugaro bgenyu ʋuri pakati pokunyeŋgera; ʋanoramba kundiziʋa nokunyeŋgera kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
7
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ndicaʋanyausa nokuʋaidza; nokuti ndiŋgaita seiko pamsoro pomukunda waʋanhu ʋaŋgu?
8
Marimi aʋo miseʋe inoʋuraya, anoreʋa ɀinonyeŋgera; munhu unoreʋa ɀorugare kunowokwake nomuromo wake, asi mumŋoyo make unomuʋandira.
9
Ko handiŋgaʋaroʋi pamsoro peɀinhu iɀi here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ko mŋeya waŋgu hauŋgatsibgi parudzi rwakaɗai here?
10
Ndicacema nokuwuŋgudza pamsoro pamakomo, ndicacema pamsoro pamafuro amarenje, nokuti ɀatȿa, hakuna‐unopfuʋura napo; ʋanhu haʋagoni kunzwa inzwi reɀipfuwo; shiri dzokuɗeŋga nemhuka dzose ɀatiza, ɀaenda haɀo.
11
Ndicaita Jerusarema mirwi yamabge, panogara makaʋa; namaguta aJuda ndicaaita matoŋgo, asina‐unogara’mo.
12
Munhu wakacenjera, unonzwisisa iɀoɀi, ndianiko? Muromo waJehova wakataura naniko, kuti aparidze iɀoɀi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina‐unopfuʋura napo?
13
Jehova wakati: Ɀaʋakarasha murairo waŋgu wandakaisa pamberi paʋo, ʋakasaterera inzwi raŋgu, nokufamba naɀo,
14
asi ʋakateʋera ʋukukutu bgemŋoyo yaʋo naʋaBaari, iɀo ɀaʋakadzidziswa namadziɓaɓa aʋo;
15
naiɀoɀo ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicadyisa ʋanhu aʋa gaʋakaʋa, nokuʋanwisa mvura yenduru.
16
Ndicaʋaparadzira ʋo pakati pamarudzi, aʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi iʋo kunyaŋge namadziɓaɓa aʋo; ndicatuma munondo uʋateʋere, kuȿikira ndaʋapedza.
17
Ɀanzi naJehova wehondo: Raŋgarirai imi, muɗane ʋakadzi ʋaŋgacema, ʋaʋuye; tumai muɗane ʋakadzi mhizha, ʋaʋuye;
18
ŋgaʋakurumidze ʋaceme pamsoro peɗu, kuti meso eɗu ayerere misodzi, namafuŋgiro eɗu aɗurure mvura.
19
Nokuti inzwi rokucema rinonzwika ricibva Zioni, riciti: Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwaɀo, nokuti tabva panyika yeɗu, nokuti ʋakakoromora dzimba dzeɗu dzataigara.
20
Asi inzwai shoko raJehova, imi ʋakadzi, nzeʋe dzenyu ŋgadzinzwe shoko romuromo wake; dzidzisai ʋakunda ʋenyu kucema, nomumŋe nomumŋe adzidzise wokwake kuwuŋgudza.
21
Nokuti rufu rwakakwira pamawindi eɗu, rwakapinda mudzimba dzamadzimambo eɗu, kuti rupedze ʋana ʋari kunze, namajaya ari panzira dzomuguta.
22
Taura, uti: Ɀanzi naJehova: Ɀitunha ɀaʋanhu ɀicawira pasi somupfudze kuɓundo, setsama yehura dzinosiyiwa nomuceki, dzisina‐unodziʋuŋganidza.
23
Ɀanzi naJehova: Munhu wakacenjera ŋgaarege kuɀirumbidza pamsoro poʋucenjeri bgake, nomunhu wesimba ŋgaarege kuɀirumbidza pamsoro pesimba rake, nomunhu wakafuma ŋgaarege kuɀirumbidza pamsoro pefuma yake;
24
asi unoɀirumbidza, ŋgaaɀirumbidze pamsoro pecinhu ici, kuti uno ndi nzwisisa nokundiziʋa ini, kuti ndini Jehova, unoita ʋunyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira ɀinhu iɀi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
25
Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — mazuʋa anoʋuya, andicaroʋa ʋose ʋakadziŋgiswa pakati pokusadziŋgiswa kwaʋo;
26
ʋanoti; Egipita, naJuda, naEdomi, naʋana ʋaAmoni, naMoabi, naʋose ʋakaʋeʋurwa vudzi raʋo kumatiʋi, ʋanogara kurenje; nokuti marudzi ose haana‐kudziŋgiswa, ʋuye ʋose ʋeimba yaIsraeri haʋana‐kudziŋgiswa pamŋoyo yaʋo.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52