bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 23
Jeremiah 23
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 24 →
1
Ʋanenhamo ʋafudzi ʋanoparadza nokuparadzira makwai amafuro aŋgu! ndiɀo ɀinotaura Jehova.
2
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri, pamsoro paʋafudzi ʋanofudza ʋanhu ʋaŋgu: Makaparadzira makwai aŋgu, mukaadziŋga, mukasaatarira; tarirai, ndicakuroʋai nokuɗa kweɀakaipa ɀamaɓasa enyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
3
Ndicaʋuŋganidza ʋakasara ʋamakwai aŋgu kunyika dzose kwandakaŋga ndaadziŋgira, ndicaadzosera kumafuro awo; acaɓerekana nokuwanda.
4
Ndicaagadzira ʋafudzi ʋanoafudza; haaŋgazotyi kana kuvunduswa, hakuna‐nerimŋe riŋgashaikwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
5
Tarirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova — mazuʋa acaʋuya, andicamutsira Davidi Ƃukira rakarurama, iye ucaɓata ʋushe ari mambo, ucaita noʋucenjeri acitoŋga nokururama aciita ɀakarurama panyika.
6
Pamazuʋa ake Juda ʋacaponeswa, naIsraeri ʋacagara ʋakaceŋgetwa; zita rake raacatumidzwa ndireri: Jehova ndiye kururama kweɗu.
7
Naiɀoɀo, tarirai, ndiɀo ɀinotaura Jehova — mazuʋa anoʋuya, aʋasiŋgazoti: NaJehova mupenyu, wakaɓuɗisa ʋana ʋaIsraeri munyika yeEgipita;
8
asi: NaJehova mupenyu, wakaɓuɗisa rudzi rweimba yaIsraeri munyika yokumsoro, aciʋaperekedza, nomunyika dzose kwandakaŋga ndaʋadziŋgira. Iʋo ʋacagara munyika yaʋo.
9
Kana ʋari ʋaprofita, mŋoyo waŋgu wakaputsika mukati maŋgu; mafupa aŋgu ose anozunuŋguka, ndakaita somunhu wakaɓatwa, somunhu wakundwa newaini, nokuɗa kwaJehova, ʋuye nokuɗa kwamashoko ake matȿene.
10
Nokuti nyika izere nemhombge; nokuti nyika inocema nemhaka yokutuka; mafuro erenje akawoma; ɀaʋanoʋaʋarira ɀakaipa, simba raʋo harizakarurama.
11
Nokuti ʋaprofita naʋaprista ʋose ʋanomhura Jehova; ɀirokwaɀo, mumba maŋgu ndakawana ɀakaipa ɀaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
12
Naiɀoɀo nzira yaʋo icaʋa kwaʋari senɀimbo dzinotedza murima; ʋacatinhwa, ndokuwira’mo; nokuti ndicaʋaʋuyisira ɀakaipa pagore rokurobga kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
13
Ndakaʋona ʋupenzi kuʋaprofita ʋeSamaria; ʋakaprofita naBaari, ʋakarashisa ʋanhu ʋaŋgu Israeri.
14
Kuʋaprofita ʋeJerusarema ndakaʋona ʋo cinhu cinonyaŋgadza: Ʋanoita ʋupombge, nokufamba nenhema; ʋanosimbisa maʋoko aʋanoita ɀakaipa, naiɀoɀo hakuna‐nomumŋe unodzoka paɀakaipa ɀake; ʋose ʋaʋa kwandiri seSodoma, naʋagere’po seGomora.
15
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova wehondo pamsoro paʋaprofita: Tarirai, ndicaʋadyisa gaʋakaʋa, ndicaʋanwisa mvura yenduru; nokuti kumhura Jehova kwakaɓuɗa kuʋaprofita ʋeJerusarema kukaenda kunyika yose.
16
Ɀanzi naJehova wehondo: Regai kuterera mashoko aʋaprofita ʋanokuprofiterai; ʋanokudzidzisai ɀisinamaturo, ʋanotaura ɀaʋakaʋona pamŋoyo yaʋo, ɀisati ɀiri iɀo ɀinoɓuɗa mumuromo waJehova
17
Ʋanoramba ʋaciti kunaʋanondiɀidza: Jehova wakati: Mucaʋa norugare; ʋuye kunomumŋe nomumŋe unofamba noʋukukutu bgomŋoyo wake, ʋanoti: Hakunecakaipa ciŋgakuwira.
18
Nokuti ndiani wakamira paraŋgano yaJehova, akaʋona nokunzwa shoko rake? Ndiani wakaterera akanzwa shoko rake?
19
Tarirai, ɗutu remhepo raJehova, iko kutsamŋa kwake, raɓuɗa, ɀirokwaɀo ɗutu recampupuri; ricamonereka pamisoro yaʋakaipa.
20
Kutsamŋa kwaJehova hakuŋgadzoki, kuȿikira aɀiita, apedza ndaŋgariro dzomŋoyo wake; pamazuʋa okupedzisira mucaɀinzwisisa kwaɀo.
21
Ini handina‐kutuma ʋaprofita aʋa, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakamhanya; ini handina‐kutaura naʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaprofita.
22
Asi ɗai ʋakaŋga ʋamira paraŋgano yaŋgu, ʋaŋgaɗai ʋakanzwisa ʋanhu ʋaŋgu mashoko aŋgu, ʋakaʋadzora panzira yaʋo yakaipa, napaɀakaipa ɀamaɓasa aʋo.
23
Ko ini ndiri Mŋari uri pedyo, ndisati ndiri Mŋari uri kure here? ndiɀo ɀinotaura Jehova.
24
Ko munhu uri’po uŋgaʋanda panɀimbo dzisiŋgazikanwi, ini ndikasamuʋona here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ko ini handizadzi ɗeŋga nenyika here? ndiɀo ɀinotaura Jehova.
25
Ndakanzwa ɀakarebga naʋaprofita, ʋanoprofita nhema muzita raŋgu, ʋaciti: Ndarota hope, ndarota hope.
26
Ko iɀi ɀicaʋa’po pamŋoyo yaʋaprofita ʋanoprofita nhema kuȿikira rini, iʋo ʋaprofita ʋeɀinonyeŋgera ɀemŋoyo yaʋo?
27
Iʋo, ʋanofuŋga kukaŋganwisa ʋanhu ʋaŋgu zita raŋgu nokurota kwaʋo, kwaʋanoʋudza mumŋe nomumŋe hama yake, madziɓaɓa aʋo seɀaʋakakaŋganwa zita raŋgu no kunamata Baari.
28
Muprofita, wakarota, ŋgaaʋudze kurota kwake; uneshoko raŋgu, ŋgaataure shoko raŋgu nokutendeka. Mashaŋga neɀiyo ɀakaenzana pai? ndiɀo ɀinotaura Jehova.
29
Shoko raŋgu harina‐kufanana nomŋoto here? ndiɀo ɀinotaura Jehova; ʋuye senyundo inoputsanya ɗombo here?
30
Naiɀoɀo, tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handinoʋukama naʋaprofita, ʋanoɓa mashoko aŋgu mumŋe nomumŋe kunowokwake.
31
Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handinoʋukama naʋaprofita, ʋanoreʋa namarimi aʋo, ʋaciti: Ndiye unoɗaro.
32
Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handinoʋukama naʋanoprofita kurota kwaʋo kwenhema, ʋaciʋudza ʋamŋe, ʋacirashisa ʋanhu ʋaŋgu nenhema dzaʋo ʋuye nokuɀirumbidza kwaʋo kusinamaturo; kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kuʋatuma, kana kuʋaraira; ʋuye haʋatoŋgoɓatsiri ʋanhu aʋa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
33
Ɀino kana ʋanhu aʋa, kana muprofita kana muprista, ʋakakubvunza, ʋaciti: Cireʋo caJehova ndecipiko? Ipapo uti kwaʋari: Cireʋo cei! Ini ndicakurashai — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
34
Kana ari muprofita, kana muprista, kana ʋanhu, kana ʋaciti: Cireʋo caJehova; ndicaroʋa munhu uyo neimba yake.
35
Ndiɀo ɀamunofanira kuti, mumŋe nomumŋe kunowokwake, nomumŋe nomumŋe kuhama yake: Jehova wakapindurei? Jehova wakataurei?
36
Musazoti cireʋo caJehova; nokuti shoko romunhu mumŋe nomumŋe ndico cireʋo cake; nokuti makakaŋganisa mashoko aMŋari mupenyu, aJehova wehondo, Mŋari weɗu.
37
Uti kumuprofita: Jehova wakakupindurei? Jehova wakataurei?
38
Asi kana mukati: Cireʋo caJehova; ɀanzi naJehova: Ɀamunoreʋa shoko iri, muciti, cireʋo caJehova, ini ɀandakatuma shoko kwamuri ndiciti: Musati: Cireʋo caJehova;
39
naiɀoɀo tarirai, ndicakukaŋganwai cose, ndicakurashai kure neni, imi, neguta randakakupai imi namadziɓaɓa enyu;
40
ndicaʋuyisa pamsoro penyu kushoʋorwa kusiŋgaperi, nokunyadziswa kusiŋgaperi, ɀisiŋgazokaŋganikwi.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52