bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 4
Jeremiah 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 5 →
1
Ɀanzi naJehova: Kana muciɗa kudzoka, imi Israeri, kana muciɗa kudzokera kwandiri, kana muciɗa kubvisa ɀinonyaŋgadza ɀenyu pamberi paŋgu, hamuŋgafaniri henyu kudzuŋgaira.
2
Ipapo mucapika, muciti: NaJehova mupenyu, neɀokwaɗi, neɀakarurama, nokururama; ipapo marudzi acaɀiropafadza maari, nokuɀirumbidza maari.
3
Nokuti ɀanzi naJehova kuʋanhu ʋaJuda naʋeJerusarema: Ɀiʋundirei gombo idɀa, musadɀara pakati peminzwa.
4
Ɀidziŋgisirei Jehova, mubvise ɀikanda ɀapamberi ɀomŋoyo, imi ʋanhu ʋaJuda naʋagere Jerusarema; kuti kutsamŋa kwaŋgu kukuru kurege kuɓuɗa somŋoto, upise kusinomunhu unogona kuudzimura, nokuɗa kweɀakaipa ɀamakaita.
5
Taurai pakati paJuda, muparidze muJerusarema, muti: Ridzai hwamanda panyika, ɗanidzirai, muti: Ʋuŋganai, tindopinda mumaguta akakomberedzwa.
6
Simudzirai mureza kurutiʋi rweZioni, tizai, musamira; nokuti ndicaʋuyisa ɀakaipa ɀinobva kurutiʋi rwokumsoro, nokuparadza kukuru.
7
Shumba yaɓuɗa icibva muɗenhere rayo, muparadzi wamarudzi waʋa munzira, waɓuɗa panɀimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matoŋgo, kusina‐ʋanogara’mo.
8
Naiɀoɀo ɀisuŋgei ɀiʋuno ɀenyu namakudza, muceme nokuwuŋgudza; nokuti kutsamŋa kukuru kwaJehova hakuna‐kudzorwa kwatiri.
9
Ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova — nezuʋa iro mŋoyo wamambo ucaʋora, nemŋoyo yamacinda ʋo; ʋaprista ʋacashamiswa naʋaprofita ʋacakanuka.
10
Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Jehova, ɀirokwaɀo makanyeŋgera kwaɀo ʋanhu aʋa naʋeJerusarema, ɀamakati: Mucaʋa norugare, nyamba munondo unoɓaya kuȿikira pamŋeya.
11
Neŋguʋa iyo ʋanhu aʋa naʋeJerusarema ʋacaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai mhepo inopisa, inobva kuɀikomo ɀisinemiti murenje, inoʋuya kumukunda waʋanhu ʋaŋgu, isiŋgaʋiŋgi kurudza kana kunatsa;
12
mhepo inesimba, inobva ikoko, icandiʋuyira; ɀino ndicareʋa ʋo ɀandakatoŋga pamsoro paʋo.
13
Tarirai, ucaʋuya samakore, ŋgoro dzake dzicaita secampupuri; mabiza ake anokurumidza kukunda makondo. Tinenhamo, nokuti taparadzwa.
14
Haiwa, Jerusarema, suka ɀakaipa ɀiri pamŋoyo wako, kuti uponeswe. Ndaŋgariro dzako dzakaipa dzicagara mukati mako kuȿikira riniko?
15
Nokuti inzwi rinotaura ricibva Dani, rinoparidza njodzi ricibva paɀikomo ɀeEfraimi.
16
Ʋudzai marudzi iɀoɀo; tarirai, paridzirai Jerusarema, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJuda ɀakaipa.
17
Dzinoʋakomberedza saʋarindi ʋanokomberedza munda, nokuti ʋakandimukira — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
18
Mufambire wako neɀawakaita ndiɀo ɀakakuʋuyisira ɀinhu iɀi; ndiko kutadza kwako; nokuti ɀinoʋaʋa, nokuti ɀinoȿikira kumŋoyo waŋgu.
19
Maiwe! ʋura bgaŋgu, ʋura bgaŋgu! Ndinorwadziwa mumŋoyo maŋgu mumene; mŋoyo waŋgu unoɗeɗera mukati maŋgu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mŋeya waŋgu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere‐mhere yokurwa.
20
Kunonzi: Kuparadzwa kunoteʋera kuparadzwa; nokuti nyika yose yaitwa ɗoŋgo; matente aŋgu aparadzwa kamŋe‐kamŋe, namaseiri amatente aŋgu pakarepo.
21
Ndicaʋona mureza kuȿikira riniko, nokunzwa kurira kwehwamanda?
22
Nokuti ʋanhu ʋaŋgu mapenzi, haʋandiziʋi; ʋakaita ʋana ʋamapenzi, ʋasinenjere, ʋakacenjera pakuita ɀakaipa, asi haʋaneziʋo pakuita ɀakanaka.
23
Ndakatarira nyika, ndikaiʋona yaparadzwa, isinecinhu; ndikatarira ɗeŋga rose, asi rakaŋga risineciedza.
24
Ndakatarira makomo, ndikaʋona aciɗeɗera, neɀikomo ɀose ɀicizunuŋguka.
25
Ndakatarira, ndikasaʋona munhu, neshiri dzose dzokuɗeŋga dzakaŋga dzatiza.
26
Ndakatarira, ndikaʋona nyika yakaŋga iciɓereka ɀakanaka yashanduka renje, namaguta ayo ose akaŋga akoromoka pamberi paJehova, napamberi pokutsamŋa kwake kukuru.
27
Nokuti ɀanzi naJehova: Nyika yose icasiyiwa yaparadzwa, asi handiŋgaipedzi cose.
28
Nemhaka iyi nyika icacema, neɗeŋga rose kumsoro ricaȿiɓa; nokuti ndakaɀitaura, ndakafuŋga kuɀiita, handina‐kuɀiɗemba, handiŋgadzoki pacinhu ici.
29
Maguta ose anotiza nokuɗa kwomubvumo waʋataȿi ʋamabiza naʋafuri ʋoʋuta; ʋanopinda mumatenhere, ʋanokwira pamatombo; maguta ose akasiyiwa, hakunomunhu unogara’mo.
30
Ɀino iwe, kana waparadzwa, ucaiteiko? Kunyaŋge ukafuka muceka mutȿuku, kunyaŋge ukashoŋga ɀishoŋgo ɀendarama, kunyaŋge ukazodza meso ako nomuti mutema, uŋgaɀinatsa pasina; ʋaɗikanwa ʋako ʋanokuɀidza, ʋanotȿaka kukuʋuraya.
31
Nokuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona ɗaŋgwe rake, inzwi romukunda weZioni, unofemedzeka, unotambanudza maʋoko ake, aciti: Ndinenhamo ɀino! nokuti mŋeya waŋgu waziya pamberi paʋaʋurayi ʋaŋgu!
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52