bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 30
Jeremiah 30
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 31 →
1
Shoko, rakaʋuya kunaJeremia ricibva kunaJehova, riciti:
2
Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Nyora mashoko ose andakakuʋudza mubuku.
3
Nokuti, tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andicadzosa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri naJuda pakutapxa kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicaʋadzosera kunyika yandakapa madziɓaɓa aʋo, iʋe yaʋo.
4
Awa ndiwo mashoko akataura Jehova pamsoro paIsraeri napamsoro paJuda.
5
Nokuti ɀanzi naJehova: Takanzwa inzwi rinoɗeɗeresa, rinotyisa, risati riri rorugare.
6
Bvunzai ɀino muʋone kana murume uŋgagona kusurumuka; ndinoʋonereiko murume mumŋe nomumŋe akaisa maʋoko ake paciʋuno cake somukadzi unosurumuka, neɀiso ɀose ɀakaceneruka?
7
Maiwe! Nokuti zuʋa iro iguru, hakuna‐rakafanana naro; iŋguʋa yokutambudzika kwaJakobo; asi ucasunuŋgurwa paɀiri.
8
Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicavuna joko rake pamutsipa wako, ndicaɗambura ɀisuŋgu ɀako; ʋatorwa haʋaŋgazomuiti muranda waʋo;
9
asi ʋacashumira Jehova Mŋari waʋo, naDavidi mambo waʋo, wandicaʋamutsira.
10
Naiɀoɀo usatya hako, iwe Jakobo muranda waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; usavunduka hako, iwe Israeri, nokuti tarira, ndicakuponesa uri kure, naʋana ʋako kunyika kwaʋakatapirwa; Jakobo ucadzoka, ucagara akagadzikana anorugare, hakuna‐uŋgamutyisa.
11
Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndicagumisa cose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handiŋgakugumisi cose; asi ndicakuraŋga nokururama, handiŋgatoŋgokuregi usinokurobga.
12
Nokuti ɀanzi naJehova: Kukuʋadzwa kwako hakubviri kuporeswa, ʋaŋga rako rakaipa kwaɀo.
13
Hakuna‐unoreʋerera mhaka yako, kuti urapxe; haunemishoŋga inoporesa.
14
Ʋose ʋaikuɗa ʋakukaŋganwa, haʋakuʋiŋgi, nokuti ndakakukuʋadza neʋaŋga romuʋeŋgi, ʋuye nokuroʋa kwounehasha, nokuɗa kwoʋukuru bgeɀakaipa ɀako, nokuti ɀiʋi ɀako ɀakaŋga ɀawanda.
15
Unocemeiko pamsoro pokukuʋadzwa kwako? Kurwadziwa kwako hakubviri kuporeswa. Ndakakuitira ɀinhu iɀi, nokuɗa kwoʋukuru bgeɀakaipa ɀako, nokuti ɀiʋi ɀako ɀakaŋga ɀawanda.
16
Naiɀoɀo ʋose ʋanokudya ʋacadyiwa ʋo; ʋadziʋisi ʋako ʋose, mumŋe nomumŋe waʋo, ʋacatapxa; ʋanokupamba ʋacapambga, ʋose ʋanokuparadza, ndicaʋaisa kukuparadzwa.
17
Nokuti ndicakudzosera mufaro pamuʋiri, ndicakuporesa maʋaŋga ako — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ɀaʋakakutumidza zita rinonzi Murashwa, ʋaciti: NdiZioni ɀaro, hakunomunhu unehanya naro.
18
Ɀanzi naJehova: Ndicadzosa ɀe kutapxa kwamatente aJakobo, nokunzwira ʋugaro bgake tsitsi; guta ricaʋakwa pamsoro pegomo raro, imba yamambo icagarwa seɀakafanira.
19
Kuʋoŋga nenzwi raʋanofara ricaɓuɗa’po; ndicaʋawanza, haʋaŋgaʋi ʋashoma, ndicaʋakudza ʋarege kuʋa ʋaɗuku.
20
Ʋana ʋaʋo ʋacaʋa sakare, neʋuŋgano yaʋo icamiswa pamberi paŋgu, ndicaroʋa ʋose ʋanoʋamanikidza.
21
Mucinda waʋo ucaʋa mumŋe waʋo, muɓati waʋo ucaɓuɗa pakati paʋo; ndicamusweɗedza, asweɗere kwandiri; nokuti ndianiko wakatsuŋga kusweɗera kwandiri? — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
22
Imi mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari wenyu.
23
Tarirai, ɗutu guru remhepo yaJehova, idzo hasha dzake, raɓuɗa, riri ɗutu guru rinesimba; ricaputsikira pamisoro yaʋakaipa.
24
Kutsamŋa kukuru kwaJehova hakuŋgadzoki, kuȿikira apedza, kuȿikira aita ɀose ɀaakafuŋga mumŋoyo make; mucaɀinzwisisa pamazuʋa okupedzisira.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52