bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Jeremiah 52
Jeremiah 52
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 51
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
1
Zedekia wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri nerimŋe, akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi nerimŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Hamutari mukunda waJeremia weRibna.
2
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova netsika dzose dzaJehoiakimi.
3
Nokuti iɀoɀo ɀakaitirwa Jerusarema naJuda nokuɗa kwokutsamŋa kwaJehova, kuȿikira aʋarashira kure kwaari; Zedekia akamukira mambo weBabironi.
4
Ɀino negore repfumbamŋe rokuɓata kwake ʋushe, nomŋedzi wegumi, nezuʋa regumi romŋedzi, Nebukadrezari mambo weBabironi akaȿika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusarema, ʋakadzika matente aʋo’po, ʋakarikomba nenhare.
5
Naiɀoɀo guta rakakombga kuȿikira pagore regumi nerimŋe ramambo Zedekia.
6
Ɀino nomŋedzi wecinna, nezuʋa repfumbamŋe romŋedzi, nzara ikanyanya kwaɀo paguta, ʋanhu ʋenyika ʋakashaiwa ɀokudya.
7
Ʋakaputsa ruȿiŋgo rweguta, ʋanhu ʋose ʋehondo ʋakatiza, ʋakaɓuɗa muguta ʋusiku nenzira yesuʋo, pakati pamadziro maʋiri aiʋa pamunda wamambo; (ɀino ʋaKardea ʋakaŋga ʋakakomba guta); ʋakaenda nenzira yokurenje.
8
Asi hondo yaʋaKardea yakateʋera mambo, ʋakaɓata Zedekia pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.
9
Ɀino ʋakaɓata mambo, ʋakaenda naye kunamambo weBabironi paRibra munyika yeHamati, iye akamutoŋgera’ po.
10
Mambo weBabironi akaʋuraya ʋanakomana ʋaZedekia iye aciɀiʋona, akaʋuraya ʋo macinda ose aJuda paRibra.
11
Akatumbura meso aZedekia, mambo weBabironi akamusuŋga namatare, akamuisa Babironi, akamusuŋga mutoroŋgo kuȿikira pazuʋa rokufa kwake.
12
Ɀino nomŋedzi wecishanu, nezuʋa regumi romŋedzi, negore regumi namapfumbamŋe ramambo Nebukadrezari mambo weBabironi, Nebuzaradani mukuru waʋarindi, waimira pamberi pamambo weBabironi, wakaȿika Jerusarema.
13
Akapisa imba yaJehova, neimba yamambo; akapisa ʋo dzimba dzose dzeJerusarema, dzimba dzose huru, nomŋoto.
14
Hondo yose yaʋaKardea, yakaŋga inomukuru waʋarindi, ikaputsa maȿiŋgo ose eJerusarema kunhiʋi dzose.
15
Ipapo Nebuzaradani mukuru waʋarindi akatapa ʋamŋe ʋarombo caiʋo ʋaʋanhu, naʋamŋe ʋanhu ʋakaŋga ʋasara muguta, naʋakaŋga ʋanyeŋgera ʋakaenda kunamambo weBabironi, naʋakaŋga ʋasara kuʋazhinji.
16
Asi Nebuzaradani mukuru waʋarindi akasiya ʋamŋe ʋarombo caiʋo ʋenyika, kuti ʋaʋe ʋarimi ʋeminda yemizambiriŋga nemimŋe minda.
17
ƲaKardea ʋakaputsanya mbiru dzendarira dzakaŋga dziri mumba maJehova, neɀiŋgoro, nedziʋa rendarira, ɀakaŋga ɀiri mumba maJehova, ʋakaenda nendarira yaɀo yose Babironi.
18
Ʋakatora ʋo hari nefoshoro nembato dzemŋenje, nembiya, neɀiroŋgo, nenhumbi dzose dzendarira dzaʋaiɓata nadzo.
19
Nemikombe, neɀaeŋga ɀomŋoto, nembiya, nehari, neɀitimiko ɀemŋenje, neɀiroŋgo, nemidziyo, ɀose ɀakaŋga ɀiri ɀendarama neɀose ɀakaŋga ɀiri ɀesirveri, mukuru waʋarindi akaɀitora.
20
Mbiru mbiri, nedziʋa rimŋe, nehando gumi nembiri dzendarira dzaiʋa pasi peɀiŋgoro, ɀakaŋga ɀaitirwa imba yaJehova naSoromoni, kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakaŋga kusiŋgagoni kuyerwa.
21
Ɀino kana dziri mbiru, kureɓa kwembiru imŋe kwakaȿika makubiti anegumi namasere; pakuyera rwonzi rwakaȿika makubiti anegumi namaʋiri rwakarupoteredza; pakukora yakaȿika minwe minna; mukati makaŋga munemhaŋgo.
22
Yakaŋga inomusoro wendarira pamsoro payo, kureɓa kwomusoro mumŋe kwakaȿika makubiti mashanu, ʋuye kwakaŋga kuneɀakarukwa namatamba ɀaipoteredza musoro, ɀose ɀiri ɀendarira; nembiru yecipiri yakaŋga yakafanana neyiyi, namatamba ʋo.
23
Pamatiʋi pakaŋga panamatamba makumi mapfumbamŋe namatanhatu; matamba ose akaȿika zana paneɀakarukwa pamatiʋi ose.
24
Mukuru waʋarindi akatora Seraia muprista mukuru, naZefania muprista wecipiri, naʋarindi ʋatatu ʋomukoʋa;
25
napaguta akatora mukuru waitarira ʋarume ʋehondo, naʋarume ʋanomŋe ʋaisiʋonana namambo, ʋaakawana muguta, nomunyori womukuru wehondo, waiʋuŋganidza ʋanhu ʋenyika, naʋarume ʋanamakumi matanhatu ʋaʋanhu ʋenyika, ʋaakawana mukati meguta.
26
Nebuzaradani mukuru waʋarindi akaʋatora, akaʋaisa kunamambo weBabironi paRibra.
27
Mambo weBabironi akaʋaɓaya, akaʋaʋuraya paRibra, panyika yeHamati. Naiɀoɀo ʋaJuda ʋakatapxa panyika yaʋo.
28
Ndiʋo ʋanhu ʋakatapxa naNebukadrezari; negore recinomŋe ʋaJuda ʋaneɀuru ɀitatu namakumi maʋiri naʋatatu;
29
negore regumi namasere raNebukadrezari wakatapa paJerusarema ʋanhu ʋanamazana masere namakumi matatu naʋaʋiri, akaenda naʋo;
30
negore ramakumi maʋiri namatatu raNebukadrezari, Nebuzaradani mukuru waʋarindi wakatapa kuʋaJuda ʋanhu ʋanamazana manomŋe namakumi manna naʋashanu; ʋanhu ʋose ʋaiʋa ɀuru ɀinna namazana matatu.
31
Ɀino negore ramakumi matatu namanomŋe rokutapxa kwaJehoiakini mambo waJuda, nomŋedzi wegumi nemiʋiri, nezuʋa ramakumi maʋiri namashanu romŋedzi, Eviri‐merodaki mambo weBabironi negore rokutaŋga rokuɓata kwake ʋushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo waʋaJuda, akamubvisa mutoroŋgo;
32
akataura naye nomŋoyo munyoro, akakudza cigaro cake coʋushe kukunda ɀigaro ɀoʋushe ɀamadzimambo akaŋga anaye paBabironi,
33
akashandura ŋguʋo dzake dzokusuŋgwa. Jehoiakini akaramba acidya ɀokudya pamberi pake mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
34
Kana ɀiri ɀokurarama naɀo, waisipiwa ɀokurarama naɀo namambo weBabironi ŋguʋa dzose, zuʋa rimŋe nerimŋe mugoʋe waro, kuȿikira zuʋa rokufa kwake, mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
← Chapter 51
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52