bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 11
1 Chronicles 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 12 →
1
VokwaIsiraeri vose vakauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni vakati, “Zvamunoona izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi.
2
Kare kaya, kunyange Sauro paakanga achiri mambo, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamiririra Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi, Mwari wenyu akakutii, ‘Imi ndimi muchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri, muchava ishe weIsiraeri.’ ”
3
Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni, ikoko pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri sokutaura kwakaita Tenzi nomuromo waSamueri.
4
Dhavhidhi neIsiraeri yose vakaenda kuJerusaremu ndiro guta rimwechetero rinonzi Jebhusi, kwaiva navaJebhusi vagari vomunyika iyoyo.
5
Vagari vomuJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi.” Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira guta retsvingo reZioni ndorakarero rinonzi Guta raDhavhidhi.
6
Dhavhidhi akati, “Anenge angoita wokutanga kurwisa vaJebhusi ndiye achava changamire nomutungamiriri wehondo.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akabva ava wokutanga kukwirako nokudaro akabva ava changamire.
7
Dhavhidhi akagara munzvimbo yokuhwanda hondo, ndokusaka rakatumidzwa zita rokuti Guta raDhavhidhi.
8
Akavaka guta iri kuritenderedza kubvira pachimudhuri chemavhu kutenderera rose. Joabhu akagadzira kumwe kwose kweguta iri kwakanga kwasara.
9
Ukuru hwaDhavhidhi hwakaramba hwongoenderera mberi nokuti Tenzi, wehondo nehondo aiva naye.
10
Zvino vano ava ndivo vakuru vakuru vemagamba aDhavhidhi okurwa hondo vaimutsigira kwazvo muumambo hwake pamwechete neIsiraeri yose kuti ave mambo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nezveIsiraeri.
11
Iyi ndiyo nhoroondo yemagamba aDhavhidhi okurwa hondo: kunoti Jashobheamu wokuHakimoni. Pautatu hwavo ndiye aiva mukuru. Akarwisa mazana matatu avarume akavauraya nepfumo rake muhondo imwechete.
12
Aitevedzerwa naEreazari mwanakomana waDhodho wokuAhohi.
13
Ndiye akanga aina Dhavhidhi kuPasidhamimu kwakanga kwaunganwa nevaFirisitia kuzorwa hondo. Pakanga paine munda waiva nekoroni. Varwi ndopavakadzvamuka kutiza vaFirisitia.
14
Ivo vakamira nomunda iwoyo vachiudzivirira vakauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuvanunura.
15
Pavakuru — vakuru makumi matatu vamwe vavo vatatu vakasvika kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuromu. Izvozvo matendhe evaFirisitia akanga akadzikwa mubani revaRefaimu.
16
Izvozvo Dhavhidhi akanga achiri munhare yakavakirirwa. Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chiri kuBetirehemu.
17
Dhavhidhi akanzwa nenyota akati dai waro pangowana mumwe anonditekera mvura yokunwa kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuwo guru raro.
18
Magamba okurwa aye ari matatu akatyoredzera nomumatendhe evaFirisitia imomo akandoteka mvura kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuo guru racho. Vakaichera vakauya nayo kuna Dhavhidhi asi Dhavhidhi akaramba kuinwa akaiteurira pasi kuna Tenzi
19
achiti, “NaMwari wangu chaiye, handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai. Iropaka iri upenyuka uhu hwavanhu vaendako, nokuti vatopinzaka ava upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa namagamba matatu aya.
20
Abhishai munun'una waJoabhu ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira zita pamwechete navatatu vaya.
21
Ndiye aiva nomukurumbira kwazvo pamakumi matatu avo ndokubva ava mukuru-mukuru wavo, asi pavatatu vaya haana kupasvika.
22
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzieri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando.
23
Akaurayawo mumwe muIjipiti, murume chaiye akasvika. MuIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko asi Bhenaya akamuvinga netsvimbo. Akatorera muIjipiti pfumo, ndokubva amuuraya nepfumo rake iroro.
24
Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa naBhenaya mwana waJehoyadha akazviwanira zita pamwechete namagamba matatu aya.
25
Iyeyu uyu aivawo nomukurumbira pamwechete navaya makumi matatu. Asi pavatatu vaya haana kupasvika. Dhavhidhi akamuita mukuru-mukuru wevokuchengetedza iye mambo.
26
Magamba okurwa muzvikwata zvavo zvehondo ndeaya anoti: Asheri munun'una waJoabhu naErihanani mwanakomana waDhodho wokuBetirehemu
27
naShamoti wokuHarodhi naHerezi wokuPeroni
28
naIra mwanakomana waIkeshi wokuTekowa naAbhiezeru wokuAnatoti
29
naSibhekai muHushati naIrai muAhohi
30
naMaharai wokuNetofa naHeredhi mwanakomana waBhaana wokuNetofa
31
naItai mwanakomana waRibhai wokuGibheya kwaBhenjamini naBhenaya wokuPiratoni
32
naHurai wokumakoronga wokuGaashi naAbhieri muAribhati
33
naAzimavheti wokuBhaharumu naEriyabha wokuShaoribhoni
34
navanakomana vaHashemu wokuGizoni naJonatani mwanakomana waShage wokuHarari
35
naAhiyamu mwanakomana waSakari wokuHarari naErifari mwanakomana waUru
36
naHeferu muMumekeri naAhiya muPeroni
37
naHeziro wokuKarimeri naNaarai mwanakomana waEzibhai
38
naJoeri mukoma nomunun'una naNatani naMibhari mwanakomana waHagiri
39
naZereki muAmoni naNaharai wokuBheroti mutakuri wezvombo zvehondo zvaJoabhu mwanakomana waZeruya
40
naIra wokuItira naGarebhu wokuItira
41
naUriya muHiti naRabhadhi mwanakomana waAhirai
42
naAdhina mwanakomana waShiza wokuRubheni aiva mutungamiriri wokwaRubheni, chikwata chake chiri makumi matatu avanhu
43
naHanani mwanakomana waMaaka naJoshafati muMitini
44
naUziya wokuAshiteroti Shama naJeieri vanakomana vaHotamu wokuAroero
45
naJedhiyaeri mwanakomana waShimiri nomunun'una wake Jaha muTizi
46
naErieri wokuMahavhi naJeribhai naJoshavhiya vanakomana vaErinaamu naItima wokuMoabhu
47
naErieri naObhedhi naJaasieri wokuMezobha.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29