bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 5
1 Chronicles 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 6 →
1
Zvino ndopouyawo vanakomana vaRubheni dangwe raIsiraeri nokuti iye ndiye dangwe asi pari pamusana pokuti akan'oresa pairara baba vake udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefi mwanakomana waIsiraeri. Nokudaro zita rake harisi kudomwa panzvimbo paro pakuberekwa kwake sedangwe.
2
Kunyange zvazvo Judha ariye akazova nesimba chaizvo pakati pavakoma navanun'una vake maari mukatova ndimo makabuda mambo. Zvakadaro zvazvo udangwe ndohwaJosefi.
3
Vanakomana vaRubheni mwana waIsiraeri ndiHanoki naParu naHezironi naKarumi.
4
Vana vakomana vokwaJoeri: ndiShemaya waShemaya ndiGogu waGogu ndiShimei
5
mwanakomana waShimei ndiMika waMika ndiReaya waReaya ndiBhaari
6
waBhaari ndiBheera. Iyeyu ndiye nyakutapwa naTigiratipiriesari mambo weAsiria akaenda naye kuutapwa. Akanga ari mumwe wamadzishe okwaRubheni.
7
Hama dzake dzokune dzimwe dzimba pazvizvarwa zvavo dzakanga dzakamira dzakadai izvi: kunoti ishe Jeieri naZakariya
8
naBhera aberekwa naAzazi mwanakomana waShema aberekwa naJoeri, vagari vokuAroeri kusvikira kuNebho nokuBhaarimeoni.
9
Vaigarawo kumabvazuva uku tava kusvika kurenje mhiri ino yaYufuratesi pamusana pokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda munyika yeGireadhi.
10
Mumazuva aSauro vakarwiswa nehondo, vechiHagiri ndokuvarakatisa kuuraya ndokubva vaita misha mumisha yavo mudunhu rose rokumabvazuva kweGireadhi.
11
Vanakomana vokwaGadhi vaigara pakatarisana navo munyika yeBhashani kusvikira kuSareka:
12
Joeri ndiye aiva changamire achitevedzerwa naShafamu kwouya Janai naShafati muBhashani.
13
Hama dzavo imba nemba ndevava ava: kunoti Mikaeri naMeshuramu naShebha naJorai naJakana naZiya naEbheri, vari vanomwe kudaro.
14
Ivava ndivo vanakomana vokwaAbhihairi: mwana waHuru aberekwa naJaroya mwanakomana waGireadhi ari mwanakomana waMikaeri mwanakomana Jeshishai aberekwa naJadho mwanakomana waBhuzi.
15
Ahi mwanakomana waBhidhieri mwana waGuni akanga ari mutungamiri wedzimhuri dzemba yokwake.
16
Vaigara kuGireadhi nokuBhashani nemaguta awo nomumafuro ose eSharoni kusvika kwaanoperera.
17
Vose ivava vakanyorwa nokuberekwa kwavo panguva yaJotamu mambo wokwaJudha napanguva yaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri.
18
VokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevokwaManase vaiva namagamba chaiwo avarume venhoo namapakatwa nevaigona kukanda miseve nyanzvi dzokurwa hondo vaiva vari zviuru zvina zvine mazana manomwe namakumi matanhatu.
19
Vakandorwisa vokwaHagiri novokwaJeturi nevokwaNapishi nevokwaNodhabhu.
20
Pavakabatsirwa kuvarwisa vakabvawo vakurira vaHagiri navose vavakanga vanavo nokuti mukurwa kwavo ikoku vakanga vachema kuna Mwari nokuti vaivimba naye.
21
Vakavatorera zvipfuwo zvavo zvaiti zviuru makumi mashanu zvengamera dzavo kwouya hwai mazana maviri ezviuru ane zviuru makumi mashanu, kwouyawo zviuru zviviri zvamadhongi, kwozoti zana rechiuru chavanhu vavakatapa vari vapenyu
22
sezvo ruzhinji rwavo rwakanga rwarakatiswa kufa nokuti hondo yacho yakanga iri hondo yaMwari. Vakagara munyika yaivavo kusvikira pakatapwa vanhu.
23
Chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase vaigara munyika umu kubvira kuBhashani kusvikira kuBhaariherimoni nokuSeniri nokuGomo reHerimoni, vakanga vakawanda kwazvo.
24
Vatungamiriri vomudzimhuri dzemba yokwavo ndevava ava:
25
Kunoti Eferu naIshi naErieri naAzirieri naJeremiya naHodhavhiya naJadhieri. Ivava vaiva magamba chaiwo okurwa vari vanhu vane mukurumbira vari vatungamiriri vomudzimhuri dzemba yokwavo.
26
Asi vakatadzira Mwari wamadzibaba avo vachiita unzenza hwokuteveredza kunamata vamwari vechirudzi venyika iyi vaye vavakaparadzirwa naMwari. Naizvozvo Mwari weIsiraeri akapinza mweya muna Puru mambo weAsiria nomuna Tigiratipiriesari mambo weAsiria wokuti atape vokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevokwaManase akavaendesa kuHara nokuHabhori nokuHara nokurwizi rweGozani kusvikira pari nhasi.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29