bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 15
1 Chronicles 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 16 →
1
Dhavhidhi akazvivakira muzinda muGuta raDhavhidhi ndokugadzira nzvimbo yeBhokisi raMwari rechitenderano akaridzikira tendhe.
2
Dhavhidhi ndokuti, “Hapana anofanira kutakura bhokisi raMwari rechitenderano kusiya chete vaRevhi nokuti Tenzi akavasarudza kutakura bhokisi raTenzi rechitenderano nokumushandira narini wose.”
3
Dhavhidhi akakokorodza Isiraeri yose kuJerusaremu kuti vandounza bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo yaro yaakanga arigadzirira.
4
Dhavhidhi akaunganidza pamwechete vanakomana vokwaAroni nevokwaRevhi vaiti:
5
vokwaKohati mutungamiriri wavo ari Urieri nehama dzake zana namakumi maviri;
6
kwouya vokwaMerari, mutungamiriri wavo ari Asaya nehama dzake mazana maviri namakumi maviri;
7
kwoti vokwaGerishomu, mutungamiriri wavo aiva Joeri nehama dzake zana namakumi maviri;
8
kuchiti vokwaErizafani, mutungamiriri ari Shemaya nehama dzake mazana maviri;
9
kukati vokwaHebhuroni, mutungamiririwo ari Erieri nehama dzake makumi masere;
10
ndokuzotiwo vokwaUzieri, mutungamiriri wacho ari Aminadhabhu nehama dzake zana rine gumi navaviri.
11
Dhavhidhi akazounganidza vapristi vaiti Zadhoki naAbhiyatari kwozouya vaRevhi vaiti Urieri naAsaya naJoeri naShemaya naErieri naAminadhabhu,
12
akati kwavari, “Imika ndimi vatungamiriri vedzimba dzedzinza rokwaRevhi chizvichenurai imimi nehama dzenyu kuitira kuti mundotakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari weIsiraeri muuye naro panzvimbo yandakarigadzirira
13
pamusana pokuti pakutanga paye hamuna kuritakura imi, Tenzi, Mwari wedu akatipinza mudambudziko nokuti hatina kunge taribata nomutoo waro wakatemwa kuti uitwe.”
14
Saizvozvo vapristi nevaRevhi vakazvichenura kuitira kuti vandounza bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari weIsiraeri.
15
VaRevhi vakatanhika bhokisi raMwari rechitenderano pamapfudzi namapango aro aye sezvakanzi naMosesi zviitwe sokutaurawo kwakanga kwaita Tenzi.
16
Dhavhidhi akaudzawo vatungamiriri vevaRevhi kuti vasarudze dzimwe hama dzavo dzive vaimbi vanofanira kuridza chaizvo zvokuimba nazvo zvinoti madimbwa nezvipendhani nemakwakwakwa outare paite mutinhimira wokufara.
17
VaRevhi vakabva vasarudza Hemani mwanakomana waJoeri, kuhama dzake uku vakasarudza Asafu mwanakomana waBherekiya, kwoti kuvanakomana vokwaMerari hama dzavo, Etami mwanakomana waKushaya
18
pamwechete nehama dzavo dzaivatevedzera vanaZekariya naJaazieri naShemiramoti naJehieri naUni naEriyabhu naBhenaya naMaaseya naMatitiya naEriferehu naMikineya naObhedhiedhomu naJeieri vachengetedzi vepamisuo mikuru.
19
Vaimbi vaiti: Hemani naAsafu naEtani ndivo vaiva vokuridza makwakwakwa endarira.
20
Vaiva vokuridza madimbwa eAramoti okushaura ndiZekariya naAzieri naShemiramoti naJehieri naUni naEriyabhu naMaaseya naBhenaya.
21
Asi Matitiya naEriferehu naMikineya naObhedhiedhomu naJeieri naAzaziya ndovaiva vatungamiriri vokushaura nezvipendani zveSheminiti zvezwi rapasipasi.
22
Kenaniya aiva mutungamiriri wevaRevhi mune zvokuimba achidzidzisa kuimba nokuti aizviziva.
23
Bherekiya naErikana vaiva vokuchengetedza kusuo remaiva nebhokisi rechitenderano.
24
Shebhaniya naJoshafati naNetaneri naAmasai naZekariya naBhenaya, vapristi, vaiva vokuridza mabhosvo pamberi pebhokisi raMwari rechitenderano. Obhedhiedhomu naJehiya vaivawo vachengetedzi vokusuo remaiva nebhokisi rechitenderano.
25
Saizvozvo Dhavhidhi navakuru vakuru veIsiraeri navatungamiriri vezviuru vaye vakandotora bhokisi raMwari rechitenderano kumba kwaObhedhiedhomu vachipembera kufara.
26
Pamusana pokuti Mwari akabatsira vaRevhi kutakura bhokisi raTenzi rechitenderano, vakapira zvibayiro zvehandira nomwe nehondohwe nomwe.
27
Izvozvo Dhavhidhi aiva akapfeka hanzu yejira rerineni rakanakisisa ndizvozvowo zvakanga zvakaita vaRevhi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano navaimbi naKenaya mutungamiriri wezvokuimba. Dhavhidhi akanga akapfeka hanzu yeefodhi yerineni.
28
Saizvozvo Isiraeri yose yakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano iri: mipururu nemhere zvichidairana nokurira kwehwamanda namabhosvo namakwakwakwa outare, vachiridzisa kwazvo madimbwa nezvipendani.
29
Pakasvika bhokisi raTenzi rechitenderano kuguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarisa napawhindo akaona mambo Dhavhidhi achitamba nokufara achacharika, Mikari akabva amushora nechomumwoyo.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29