bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 4
1 Chronicles 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 5 →
1
Vanakomana vaJudha: ndiPerezi naHezironi naKarumi naHuru naShobhabhu.
2
Reaya mwanakomana waShobharu: akabereka Jahati baba waAhumai naRahadhi. Ivava ndidzo mhuri dzokwaZora.
3
Vana vakomana vaEtamu: ndaava vanoti; Jezirieri naIshima naIdhibhashi. Zita rehanzvadzi yavo ndiHazireriponi.
4
Penueri ndiye baba waGedhori, Ezeru ariye baba waHusha. Ivava ava ndizvo zvizvarwa zvokwaHuru dangwe raEfurata baba waBheterehemu.
5
Ashuru baba waTekoa: vaiva nebarika ravakadzi vaviri, mumwe ainzi Hera mumwe achinzi Naara.
6
Naara akamuberekera: Ahuzamu naHefa naTemeni naHaahashitari. Ivava ndivo vaiva vana vaNaara.
7
Vanakomana vaHera: ndiZereti naIzihari naEtinanai.
8
Kozi ndiye baba vaAnubhu naZobhebha nemhuri dzokwaAhariheri mwanakomana waHarumu.
9
Jabhezi uyu aiva munhu anoremekedzwa kwazvo navakoma navanun'una vake. Amai vake vakamutumidza zita rokuti Jabhezi vachiti pakumubereka ndakaona nhamo.
10
Jabhezi akanamata Mwari weIsiraeri achiti: “Dai mandikomborerawo zvenyu nyika yangu muikudze-kudzewo ruoko rwenyu rurambe ruchindisesedza, mundidzivirirewo kune zvakaipa kuti zvirege kundikuvadza.” Mwari akamuitira zvaakakumbira.
11
Kerubhu mukoma nomunun'una naShuha ndiye akabereka Mehiri baba waEshitoni.
12
Eshitoni ndiye baba waBhetirafa naPasea naTehina uya baba waIrinahashi. Ivava ava ndivo vanhu vokuReka.
13
Vanakomana vaKenazi: ndiOtinieri naSeraya. Vana vaOtinieri vakomana ndiHatati
14
kwouya Meonotai baba waOfura. Seraya ndiye abereka Joabhu baba wevokwaGeharashimu vainzarwo nokuti vaiva mhizha.
15
Vanakomana vaKerebhu mwanakomana waJefune: ndiIru naEra naNaamu. Vanawo vaEra vakomana ndiKenazi.
16
Vana vakomana vaJeharerieri: ndiZifu naZifa naTiria naAsareri.
17
Vanakomana vaEzira: ndiJeteru naMeredhi naEferu naJaroni. Ivava ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao akaroorwa naMeredhi. Akavawo napamuviri akabereka Miriamu naShamai naIshibha baba waEshitemoa.
18
Mudzimai wake wechiJudha, akamuberekera Jeredhi baba waGedhori kwouya Hebheru baba waSoko kwouyawo Jekutieri baba waZanoa.
19
Vanakomana vaHodhiya nomudzimai wake uya hanzvadzi yaNahamu ndivo madzibaba aKeira wokuGarima naEshitemoa wokwaMaaka.
20
Vana vakomana vaShimoni ndiAmunoni naRina naBhenihanani naTironi. Vanawo vaIshi vakomana ndiZoheti naBhenizoheti.
21
Vanakomana vaShera, mwanakomana waJudha: ndevava ava kunoti Eru baba waReka, kwouya Raadha baba waMaresha, kwouyawo mhuri dziya dzemba yevagadziri vemicheka yerineni vokuBhetiashibhea
22
kwozouya Jokimu navanhu vokwaKozebha naJoashi naSarafu akandoita mukuwasha wevaMoabhu akazodzokera kuRakemu (Nyaya dzachowo idzi ndedzakarekare kwazvo).
23
Ivava ava ndivo vaumbi vehari nevagari vokuNetaimu neGedhera. Vaigarako pamwechete namambo vari vokumushandira.
24
Vanakomana vaSimeoni: ndiNemueri naJamini naJaribhu naZera naShauru.
25
Mwanakomana waShauru ndiSharumu, waSharumu ndiMibhishamu, waMibhishamu ndiMishima.
26
Vanakomana vaMishima ndiHamueri, waHamueri ndiZakuri, waZakuri ndiShimei.
27
Shimei akanga ana vanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu. Asi vakoma navanun'una vake vakanga vasina vana vakawanda kunyangova mhuri yake yose haina kuwanda sevana vokwaJudha.
28
Vaigara kuBheerishebha nokuMoradha nokuHazarishuaru
29
nokuBhiriha nokuEzemu nokuTorati
30
nokuBhetieri nokuHoruma nokuZikiragi
31
nokuBhetimarikabhoti nokuHazarisuzimu nokuBhetibhiri nokuShaaraimu. Iwayo ndiwo aiva maguta avo kusvikira kutonga kwaDhavhidhi.
32
Misha yavo yaiva iyi inoti Etamu neAini neRimoni neTokeni neAshani ari maguta, mashanu kudaro
33
nemisha yakanga yakapoteredza maguta iwayo kusvikira kuBhaari, imomo ndomavaigara. Mamiriro akaita mhuri dzavo ndeaya aya:
34
kuna Meshobha naJamureki naJosha mwanakomana waAmaziya
35
kwouya Joeri naJehu. Mwanakomana waJehu ndiJoshibhiya, waJoshibhiya ndiSeraya waSerayawo ndiAsieri
36
kwozouya Erioenai naJoakobha naJeshohaya naAsaya naAdhieri naJesimeri naBhenaya
37
kwoti Ziza aberekwa naShifi mwanakomana waAroni aberekwa naJedhaya mwanakomana waShimiri aberekwa naShemaya.
38
Ivava ava vadai kudomwa namazita vaiva madzishe mudzimhuri dzavo mudzimba dzamadzibaba avo mukawandwawo chaizvo.
39
Vakatamira kwokunge tava kuda kundosvika kuGedhori kumabvazuva kwebani kundotsvaka mafuro ezvipfuwo zvavo.
40
Ikoko vakawana mafuro chaiwo akanaka kwazvo, nyika iri huru ichisvika zvayo uko nokokoko kwakati zi-i kuine runyararo pamusana pokuti ndokwainge kugere vokwaHamu.
41
Ivava vakadai kunyorwa namazita, vakasvikako mumazuva aHezekiya mambo wokwaJudha vakaparadza misha yavo pamwechete nevaMenuimu vainge varikowo. Vakavatsakatisa sezvazviri pari nhasi, panzvimbo pavo ivo vakabva vaita misha yavo nokuti kwaiva namafuro ezvipfuwo zvavo.
42
Mazana mashanu evamwe varume vokwaSimeoni vakaenda kuGomo reSeiri vachitungamirirwa naPeratiya naNeariya naRefaya naUzieri vanakomana vaIshi.
43
Vakaparadza marimbirimbi evokwaAmareki vakanga vapunyuka. Zvino vagere ikoko nanhasi uno.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29