bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 9
1 Chronicles 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 10 →
1
Saizvozvo Isiraeri yose yakanyorwa chizvarwa nechizvarwa izvozvo zvakanyorwa muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo eIsiraeri. VokwaJudha vakatapwa vakaendwa navo kuBhabhironi pamusana pokusatendeka kwavo.
2
Vakazotanga kugarazve mavo nomumaguta avo vakanga vari vaIsiraeri vaiva vapristi navaRevhi novokushanda muTemberi.
3
Vamwe vaiva vokwaJudha nevokwaBhenjamini nevokwaEfuremu nevokwaManase vakagara muJerusaremu.
4
Ndi Utai mwanakomana waAmihudhi mwana waOmuri aberekwa naImuri mwana waBhani mwanakomana wokwaFeresi mwanakomana waJudha.
5
VokuShiro: kwaiva naAsaya dangwe racho navana vake vakomana.
6
Vanakomana vokwaZera: paiva naJeueri nehama dzavo vari mazana matanhatu ana makumi mapfumbamwe.
7
VokwaBhenjamini: kunoti Sharu mwanakomana waMeshuramu mwana waHodhavhiya mwanakomana waHasenua
8
kwouya Ibhuneya mwanakomana waJerohamu uyewo Era mwanakomana waUzi mwana waMikiri kwoti Meshuramu mwanakomana waShefatiya mwana waRueri mwanakomana waIbhuniya.
9
Pamwechete nehama dzavo chizvarwa nechizvarwa vaiva mazana mapfumbamwe ana makumi mashanu navatanhatu. Vose ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo imba nemba.
10
Pavapristi: paiti Jedhaya naJehoyaribhu naJakini
11
kwouya Azariya mwanakomana waHirikiya mwana waMeshuramu mwanakomana waZadhoki mwana mukomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhu mukuru mukuru wapamba paMwari
12
kwouyawo Adhaya mwanakomana waJerohamu mwana mukomana waPashihuri mwanakomana waMarikiya kwoti Maasai mwanakomana waAdhieri mwanakomana waJahizera aberekwa naMeshuramu mwana waMeshiremiti mwanakomana waImeru.
13
Hama dzavo vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo vaiva chiuru chimwechete namazana manomwe ana makumi matanhatu vari vanhu vainyatsoziva kwazvo basa romumba yaMwari.
14
Kuna vaRevhi: kwaiti Shemaya mwanakomana waHashubhu mwanakomana waAzirikamu aberekwa naHashabhiya wechizvarwa chokwaMerari
15
kwouya Bhakibhakari naHereshi naGararu naMataniya mwanakomana waMika mwanakomana waZikiri mwanakomana waAsafu
16
kwoti Obhadhiya mwanakomana waShemaya mwanakomana waGararu mwana waJedhutuni kwouyawo Bherekiya mwanakomana waAsa mwana mukomana waErikana aigara mumisha yokwaNetofa.
17
Vachengetedzi vepamisuo mikuru: ndiSharumu naAhubhu naTarimoni naAhimani nehama dzavo, Sharumu ariye changamire wacho.
18
Vaimbenge vari vokugaririra pasuo guru raMambo kumabvazuva. Ivava ndivo vaiva vachengetedzi vokumusuo kwepaigara vaRevhi.
19
Sharumu mwanakomana waKore mwana waEbhiasafu mwanakomana waKora nehama dzake dzemba yababa vake yokwaKora ndivo vaiona nezvebasa repo nerokuchengetedza pokupinda napo mutendhe rinoera sezvaiitwa namadzibaba vakanga vaine basa rokuona nezvetendhe raTenzi.
20
Finehasi mwanakomana waEreazari ndiye akanga ariye mutungamiriri wavo kareko, Tenzi ainaye.
21
Zekariya mwanakomana waMesheremiya akanga ari muchengetedzi wokusuo guru rokunopinda napo mutendhe rokusanganira.
22
Vose ivava vakasarudzwa kuti vave vachengetedzi vokumusuo kwaipindwa nako vaiva mazana maviri ane gumi navaviri. Vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa mumisha yavo. Dhavhidhi nomuoni Samueri ndivo vakavagadza pabasa ravo irori.
23
Naizvozvo ivo navanakomana vavo ndivo vaiona nezvepamisuo mikuru yemba yaTenzi zvichireva kuti imba iya, tendhe rinoera vari vagaririri.
24
Vachengetedzi vokumusuo vaiva vari kumativi mana acho anoti kumabvazuva nokumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba.
25
Hama dzavo dzokumusha kwavo dzaipota dzichiravana kuuya nguva nenguva kwamazuva manomwe kuzombova navo pabasa.
26
Chaivapo ndechokuti vachengetedzi vana vokumusuo vakanga vari vakuru vakuru vokwaRevhi vaiona nezvedzimba dzepo noupfumi hwepamba yaMwari.
27
Vairara pamba yaTenzi nokuti ndivo vaiva nebasa rokuichengeta. Ndivo vaivawo nebasa rokuizarura mangwanani oga oga.
28
Vamwe vavo ndivo vaichengeta midziyo yaishandiswamo nokuti vainzi vaiverenge payaitorwa nepayaidzoswa.
29
Vamwewo vavo vakaiswa pakuona nezvemimwe midziyo yemo nemidziyo yose inoera uyewo nezvoupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa newaini namafuta eorivhi norusenzi netwokubikisa tunonhuwirira.
30
Vamwewo vemba yavapristi vaiva nebasa rokusanganisa twokubikisa tunonhuwirira twacho.
31
Matatiya dangwe raSharumu wokwaKora ndiye aiva wokuona nezvokubikwa kwechingwa chakati fatata,
32
kwouyawo dzimwe hama dzavo dzokwaKohati ndidzo dzaiona nezvechingwa chokuisa pana Mwari nokubika chingwa cheSabata yoga yoga.
33
Zvino paitiwo vaimbi ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzokwaRevhi vachigara mudzimba dzepaTemberi vasina rimwe basa ravaiita nokuti basa ravo vairiita siku nesikati.
34
Ivava vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzevaRevhi chizvarwa nechizvarwa vari vatungamiriri vaigara muJerusaremu.
35
MuGibheoni maigara Jeieri baba waGibheoni. Zita romukadzi wake rainzi Maaka
36
mwana wavo mukomana dangwe ndiAbhudhoni kwouya Zuru naKishi naBhaari naNeru naNadhabhu
37
kwozouya Gedhori naAhio naZekariya naMikirodhi.
38
Mikirodhi ndiye baba waShimeamu. Ivava vose vaigara pakatarisana nehama dzavo muJerusaremu pamwechete nehama dzacho.
39
Neru ndiye baba waKishi, Kishi ariwo baba waSauro, Sauro ariye baba waJonatani naMarikishua naAbhinadhabhu naEshibhaari.
40
Mwanakomana waJonatani: ndiMeribhaari, Meribhaari ari baba waMika.
41
Vanakomana vaMika: ndiPitoni naMereki naTahirea naAhazi.
42
Ahazi ndibaba waJara, Jara ari baba waEremeti naAzimavheti naZimuri. Zimuri ndiye baba waMoza.
43
Moza ndiyewo baba waBhinea. Mwanakomana waBhinea ndiRefaya waRefaya ndiEreasa waEreasa ndiAzeru.
44
Azeru aiva navanakomana vatanhatu: mazita avo ndeaya aya: kunoti Azirakamu naBhokeru naIshimaeri naSheariya naObhadhiya naHanani. Ivava ava ndivo vana vaAzeri.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29