bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 3
1 Chronicles 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 4 →
1
Vanakomana vaDhavhidhi: vakaberekerwa kuHebhuroni ndeava. Wokutanga wacho ndiAmunoni waakabereka nomukadzi wake vaAhinoamu vokuJezirieri wechipiri ari Dhanieri waakabereka naAbhigairi vokuKarimeri
2
wechitatuwo ari Abhusharomu, amai vake uyu ainzi Maaka mukunda waTarimai mambo weGeshuri. Wechina ndiAdhoniya amai vake ari Hagiti.
3
Wechishanu ndiShefatiya waakabereka naAbhitari wechitanhatu ari Itireamu waakabereka nomukadzi wake Egira.
4
Vatanhatu ava akavaberekera kuHebhuroni kwaakatonga ari kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu. Akazotonga kwamakore makumi matatu namatatu ari muJerusaremu.
5
Vanakomana vaakazoberekerwa muJerusaremu ndevava: kunoti Shemea naShobhabhu naNatani naSoromoni vari vana kudai vaakaberekerwa naBhatishua mwanasikana waAmieri,
6
kwoti Ibhari naErishama naErifereti,
7
kwouya Noga naNefegi naJafiya
8
kwouyawo Erishama naEridha naErifereti pamwechete vapfumbamwe.
9
Vose ivava ndivo vana vaDhavhidhi vakomana tisingaverenge vanakomana vevarongo. Tamari ndiye hanzvadzi yavo.
10
Mwanakomana waSoromoni ndiRehobhoamu waRehobhoamu ndiAbhiya waAbhiya ndiAsa waAsa ndiJehoshafati.
11
Mwanakomana waJehoshafati ndiJoramu waJoramu ndiAhaziya waAhaziya ndiJoashi.
12
Mwanakomanawo waJoashi ndiAmaziya waAmaziya ndiAzariya waAzariya ndiJotamu.
13
Mwanakomana waJotamu ndiAhazi waAhazi ndiHezekiya waHezekiya ndiManase.
14
Mwanakomana waManase ndiAmoni waAmoni ndiJosiya.
15
Vanakomana vokwaJosiya ndavava: dangwe rake ndiJohanani wechipiri ndiJehoyakimu wechitatu ndiZedhekiya wechina ndiSharumu.
16
Vanakomana vokwaJehoyakimu ndovava ava: mwana wake Jekoniya waJekoniya ndiZedhekiya.
17
Vanakomana vokwaJekoniya nyakutapwa uya ndavava: paiti, mwana wake Shearitieri
18
kwouya Marikiramu naPedhaya naShenazari naJekaniya naHoshama naNedhabhiya.
19
Vanakomana vokwaPedhaya: ndiZerubhabheru naShimei. Vanakomana vokwaZerubhabheru ndiMeshuramu naHananiya, Sheromuti ndiyo hanzvadzi yavo
20
kwouyawo Hashubha naOheri naBherikiya naHasadhiya naJushabhihesedhi vari vashanu kudaro.
21
Vanakomana vaVaHananiya: ndiPeratiya, waPeratiya ndiJeshaya waJeshaya ndiRefaya waRefaya ndiArinani waArinani ndiObhadhiya waObhadhiya ndiShekaniya.
22
Vanakomana vokwaShekaniya: ndiShemiya. Vana vaShemiya vakomana ndiHatushi naIgari naBhariya naNeariya naShafati vari vatanhatu.
23
Vanakomana vokwaNeariya: ndiErioenai naHizikiya naAzirikamu pautatu hwavo.
24
Vanawo vakomana vokwaErioenai: ndiHodhavhiya naEriyashibhu naPeraya naAkubhu naJohanani naDheraya naAnani vari vanomwe kudaro.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29