bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 27
1 Chronicles 27
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 28 →
1
Aya ndiwo mazita avanhu veIsiraeri, vakuru vakuru vedzimhuri dzamadzibaba navatungamiriri vezviuru navamazana namakurukota aishandira mambo mune zvose achitsivana pabasa mwedzi woga woga. Chikwata choga choga chaiva nezviuru makumi maviri nezvina.
2
Chikwata chokutanga, chaiva chomwedzi wokutanga chaitungamirirwa naJashobheamu mwanakomana waZabhudhieri. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
3
Aiva wechizvarwa chokwaFeresi, ari mukuru wavatungamiriri vehondo vose vemwedzi wokutanga wacho.
4
Chikwata chechipiri, chaiva chomwedzi wechipiri chaitungamiririrwa naDhodhai muAhohi. Mikiroti ndiye aiva mukuru wechikwata chake. Chikwata ichi chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
5
Chikwata chechitatu, chaiva chomwedzi wechitatu chaitungamirirwa naBhenaya mwanakomana womupristi Jehoyadha ariye changamire. Chikwata chake chaivawo navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
6
Iyeyu ndiye Bhenaya uya aiva rimwe gamba rokurwa hondo mukati memakumi matatu aye ari mutungamiriri wamakumi matatu acho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aiva mukuru wechikwata chake.
7
Chikwata chechina, chaiva chomwedzi wechina chaitungamirirwa naAsaheri munun'una waJoabhu achitevedzerwa nomwanakomana wake Zebhadhiya. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
8
Chikwata chechishanu, chaiva chemwedzi wechishanu chaitungamirirwa naShamuhuti wokwaIzhari. Chikwata chakewo chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
9
Chikwata chechitanhatu, chaiva chomwedzi wechitanhatuwo; chaitungamirirwa naIra mwanakomana waIkeshi wokuTekoa. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
10
Chikwata chechinomwe, chaiva chomwedzi wechinomwe; chaitungamirirwa naHerezi wokuPeroni wokwaEfuremu. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
11
Chikwata chechisere, chaiva chomwedzi wechisere; chaitungamirirwa naSibhekai wokuHusha wokuZera. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
12
Chikwata chechipfumbamwe, chaiva chomwedzi wechipfumbamwe, chaitungamirirwa naAbhiezeru wokuAnatoti wokwaBhenjamini. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri.
13
Chikwata chegumi, chaiva chomwedzi wegumi; chaitungamirirwa naMaharai wokuNetofati wokwaZera. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
14
Chikwata chegumi nechiposhi, chaiva chomwedzi wegumi nechiposhi, chaitungamirirwa naBhenaya wokuPiratoni. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
15
Chikwata chegumi nechipiri, chaiva chomwedzi wegumi nechipiri, chaitungamirirwa naHeridhai wokuNetofa wokwaOtinieri. Chikwata chake chaiva navanhu zviuru makumi maviri ane zvina.
16
Vatungamiriri vemadzinza avaIsiraeri ndevava ava: wokwaRubheni ndiEriezeru mwanakomana waZikiri ari mukuru wevatungamiriri wokwaSimeoni ndiShafatiya mwanakomana waMaaka
17
wokwaRevhi ndiHashabhiya mwanakomana waKemueri wokwaAroni, ndiZadhoki
18
wokwaJudha ndiErihu mukoma waDhavhidhi wokwaIsakari ndiOmuri mwanakomana waMikaeri
19
wokwaZebhuruni ndiIshimaya mwanakomana waObhadiya wokwaNafutari ndiJeremoti mwanakomana waAzirieri
20
wokwaEfuremu ndiHoshea mwanakomana waAzaziya wechimwe chikamu chokwaManase ndiJoeri mwanakomana waPedhaya
21
wechimwewo chikamu chokwaManase kuGireadhi ndiIdho mwanakomana waZekariya wokwaBhenjamini ndiJaasieri mwanakomana waJerohamu.
22
Ivava ndivo vakanga vari vatungamiriri vamadzinza evaIsiraeri.
23
Pakuverenga vanhu, Dhavhidhi haana kuverenga vaiva vasingasvitse makumi maviri amakore pazera nokuti Tenzi akanga atsidzira Isiraeri kuti achavawanza senyenyedzi dzedenga.
24
Joabhu mwanakomana wavaZeruya akatangisa kuverenga vanhu, asi haana kupedza. Kunyange zvakadaro Mwari akavirukira Isiraeri nehasha pamusana paizvozvi nezvo uwandi hwavo hauna kuzonyorwa muNhoroondo dzaMambo Dhavhidhi.
25
Aiva wokuona nezvemaichengeterwa upfumi hwokwamambo ndiAzimavheti mwanakomana waAdhieri. Jonatani mwanakomana waUziya ndiye aiva wokuona nezvemaichengeterwa upfumi hwomumaruwa nomumaguta nomumisha nomunhare dzakavakirirwa.
26
Aiona nezvavanhu vaiita basa romuminda rokurima ndiEziri mwanakomana waKerubhu.
27
Aiona nezveminda yamagirepisi ndiShimei wokuRama. Aiona nezvezvinhu zvaikohwewa muminda yemagirepisi, zvamaichengeterwa magirepisi ewaini ndiZabhadhi wokwaShifumu.
28
Aiva wokuonawo nezvemiti yemiorivhi neyemikuyu mumanhika kuShefera akanga ari Bhaarihanani wokuGedheru. Aiona nezvemaichengeterwa mafuta eorivhi ndiJoashi.
29
Aiva wokuona nezvamatanga emombe aifudzirwa kuSharoni ndiShitirai wokuSharoni ikoko. Wokumatanga emombe dzaiva kumakan'a ndiShafati mwanakomana waAdhirai.
30
Aionawo nezvenghamera ndiObhiri wokwaIshimaeri. Aiva wokuona nezvamadhongi ndiJehidheya wokuMeronoti. Wokuonawo nezvehwai nembudzi ndiJazizi wokuHagiri.
31
Vose ivava ndivo vaiva vakachengeteswa upfumi hwokwamambo Dhavhidhi.
32
Babamudiki vaDhavhidhi, Jonatani, vaiva jinda rake vakanga vari munhu anonzwisisa vari munyori. Ivo naJehieri mwanakomana waHakimoni aidzidzisa vanakomana vamambo.
33
Ahitoferi aivawo jinda ramambo, uye Hushai wokuAriki akanga ari shamwari yamambo.
34
Ahitoferi akazotsiviwa panzvimbo yake naJehoyadha mwanakomana waBhenaya uyewo naAbhiyatari. Joabhu ndiye aiva mutungamiriri mukuru wehondo yamambo.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29