bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 2
1 Chronicles 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 3 →
1
Vana vakomana vaIsiraeri ndiRubheni naSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naZebhuruni,
2
kwouya Dhani naJosefi naBhenjamini naNafutari naGadhi naAsheri.
3
Vanakomana vaJudha ndiEru naOnani naShera. Ivava vatatu kudaro ndovavakaberekerwa naBhatishua mukadzi wechiKanani. Asi pana Tenzi, Eru aiva munhu akanga akaipa mwoyo nezvo Tenzi akamuuraya.
4
Judha akaberekawo nomuroora wake vana vanoti Feresi naZera. Vana vaJudha ava vakomana, vose pamwechete vashanu.
5
Vana vakomana vaPeresi: ndiHezironi naHamuri.
6
Vanakomana vaZera: ndiZimuri naEtamu naHemani naKarikoru naDhara, vose pamwechete vashanu.
7
Vana vakomana vaKarumi: ndiAkari wokuparira Isiraeri nhamo uya nyakuita chitadzo panyaya yezvinhu zvakanga zvaturirwa kuparadzirwa Mwari sechipo.
8
Vanakomana vaEtani: ndiAzariya.
9
Vanakomana vakaberekwa naHezironi ndiJerahimieri naRamu naKerubhai.
10
Ramu ndiye baba: waAminadhabhu. Aminadhabhu ndiye baba waNahishoni jinda rezvizvarwa zvokwaJudha.
11
Nahishoni ndiye baba waSarima, Sarima ariye baba waBhoazi. Bhoazi akabereka Obhedhi,
12
Obhedhi akabereka Jese.
13
Jese akabereka dangwe rake Eriyabhu wechipiri ari Abhinadhabhu wechitatu ari Shimea,
14
Natanieri ndiye wechina Radhai ari wechishanu,
15
Ozemu ariwo wechitanhatu Dhavhidhi ari iye wechinomwe.
16
Hanzvadzi dzavo ndiZeruya naAbhigairi. Vanakomana vaZeruya ndiAbhishai naJoabhu naAsaheri vari vatatu kudaro.
17
Abhigairi akabereka Amasa. Baba vaAmasa uyu ndiJeteru wechiIshimaeri.
18
Karebhu mwanakomana waHezironi: akabereka vana vakomana nomukadzi wake ainzi Azubha nomumwe mukadzi wake ainzi Jerioti. Vana vacho ndiJesheru naShobhabhu naAridhoni.
19
Pakafa Azubha, Karebhu akaroora Efurati akamuberekera Huru.
20
Huru ndiye baba waUri. Uri ndiye baba waBhezarieri.
21
Mushure maizvozvi, Hezironi akapinda mumba nomwanasikana waMakiri waakaroora ava namakore makumi matanhatu. Iye akamuberekera Segubhu.
22
Segubhu aiva baba waJairi, uya aiva namaguta makumi maviri namatatu mudunhu reGireadhi.
23
Asi Geshuri naAramu vakavatorera Havhotijairi neKenati nemisha yaro maguta makumi matanhatu. Vose ivava zvaiva zvizvarwa zvokwaMakiri baba waGireadhi.
24
Mushure mokufa kwaHezironi, Karebhu akapinda mumba nomudzimai wababa vake akamuberekera Ashihuru baba waTekoa.
25
Vanakomana vaJerahimieri dangwe raHezironi ndavava: dangwe rake ndiBhuna kwouya Oreni naOzemu naAhiya.
26
Jerahimieri uyu aiva nomumwewo mukadzi ainzi Atara ndiye amai vaOnamu.
27
Vana vakomana vaRamu dangwe raJerahimieri ndiMaazi naJamini naEkeri.
28
Vana vaOnamu: vakomana ndiShamai naJadha. Vanakomana vaShamai ndiNadhabhu naAbhishuru.
29
Zita romudzimai waAbhishuru ndiAbhikairi, akamuberekera Ahibhani naMoridhi.
30
Vana vakomana vaNadhabhu: ndiSeredhi naApaimu. Seredhi akafa asina mwana.
31
Vanakomana vaApaimu: ndiIshi. Vanawo vakomana vaIhi ndiSheshani. Vanakomanawo vaSheshani ndiAhirayi.
32
Vanakomana vaJadha: mukoma nomunun'una naShama ndavava vana Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina mwana.
33
Vana vaJonatani: vakomana ndiPereti naZaza. Ivava ndivo zvizvarwa zvokwaJerahimueri.
34
Zvino Sheshani akanga asina vana vakomana asi vanasikana chete. Asi Sheshani uyu aiva nomuranda wake wechiIjipiti ainzi Jariha.
35
Sheshani akaroodza mumwe mwanasikana wake kuna Jariha muranda wake. Iye akamuberekera Atai.
36
Atai: ndiye abereka Natani baba waZabhadhi.
37
Zabhadhi uyu ndiye aberekawo Efurari baba waObhedhi,
38
Obhedhi ndiye azoberekawo Jehu baba waAzariya.
39
Azariya akazoberekawo Herezi, Herezi akaberekawo Eriyasa.
40
Eriyasa ndiye abereka Sisimai baba waSharumu.
41
Sharumu akaberekawo Jekaniya baba waErishama.
42
Vanakomana vaKarebhu mukoma nomunun'una naJerahimieri ndavava: dangwe rake ndiMesha baba waZifu. Vanakomana vaMesha ndibaba waHebhuroni.
43
Vanakomana vaHebhuroni: ndiKora naTapua naRekemu naShema.
44
Shema ndiye abereka Rahamu, baba waJorikeamu. Rekemu ndiye baba waShamai.
45
Vanakomana vaShamai ndiMaoni, baba waBhetizuru.
46
Uyewo Efa murongo waKarebhu: akabereka Harani naMoza naGazezi. Harani ndiye baba waGazezi.
47
Vanakomana vaJaidhai: ndavava ava vana Regemu naJotamu naGeshani naPereti naEfa naShaafu.
48
Maaka murongo waKarebhu: ndiye akabereka Shebheru naTirihana.
49
Akaberekawo Shaafu baba waMadhimana naShebha baba waMakibhena nababa waGibhea. Mwanasikana waKarebhu ndiAkisa.
50
Izvozvi izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaKarebhu. Vanakomana vaHuru: dangwe raEfurati ndiShobhari baba waKiriatijearimu
51
naSarima baba waBheterehemu: naHerefu baba waBhetijadheru.
52
Shobhari baba waKiriatijearimu vaiva navamwe vanakomana vokwaHaroe chikamu chevokwaMenuhoti.
53
Mhuri dzokwaKiriatijearimu ndedzidzi idzi, kunoti vokwaItira nevokwaPuti nevokwaShumati nevokwaMishira kwakabva vokwaZorati nevokwaEshitaori.
54
Vanakomana vaSarima: ndiBheterehemu nevokwaNetofati naAtirotibhetijoabhu nechikamu chevokwaManahati vechiZora.
55
Mhuriwo dzavanyori vaiva vagari vokuJabhezi ndedzidzi idzi, kunoti vokwaTirati nevokwaShimeati nevokwaSukati. Ivava ndivo vaKani vokwaHamati tateguru wemba yokwaRekabhu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29