bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 17
1 Chronicles 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 18 →
1
Dhavhidhi paakanga zvino anyatsogarawo mumuzinda wake akati kumuporofita Natani, “Tarisai muone, ini ndachidai zvangu kugara mumba yakashongedzwa nomusidhari, asi uku bhokisi raTenzi rechitenderano rakangoti njo mutendhe zvamo.”
2
Natani akati kuna Dhavhidhi, “Endai zvenyu muite zvose zviri mumwoyo menyu nokuti Mwari anemi.”
3
Asi usiku hwakarehwo shoko raTenzi rakasvika kuna Natani richiti,
4
“Enda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naTenzi, iwe hausiriwe unondivakira imba yokugara.
5
Ndinodaro nokuti handina kumbogaraka mumba ini kubvira pandakatungamirira vaIsiraeri kusvikira pari nhasi. Asi changu ini kwanga kuri kugara mutendhe pose painge pambogarwa.
6
Kwose kwandakafamba nevaIsiraeri vose ndakambobvunzawo here ini vatongi vavo vandaipa basa rokufudza vanhu vangu vaIsiraeri kuti, uri kuregerei kundivakira imba yakashongedzwa nomusidhari?’
7
“Zvino chienda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi wegurusvusvu rehondo, ‘Ndakakutora kumafuro kwawaifudza zvipfuwoka iwe kuti uve ishe wevanhu vangu vaIsiraeri.
8
Ndaiva ndinewe kwose kwawaifamba ndikafanoparadza vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira sezvakangoita mazita avakuru vakuru vepanyika.
9
Ndinotsvakira vanhu vangu vaIsiraeri pokugara ndovasimapo kuti vagarewo zvavo pavo, vasisambofuruswa vaipi vasisambovapfuvisa sezvavaiita kare
10
kubvira panguva yandaisarudzira vanhu vangu vaIsiraeri vatongi. Ndichaisa vavengi vako vose pasi pako. Uyewo Tenzi anoti kwauri iye Tenzi ndiye achatokuvakira imba.
11
Mazuva ako akanga azokwana, wavata woendawo kwakaenda vamwe kumadzitateguru ako, ndichamutsa mushure mako mumwe mwana wako pavana vako vakomana, mwana wako chaiye. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi.
12
Iyeyo ndiye anofanira kundivakira imba. Ndichaita kuti umambo hwake hurambe huripo narini wose.
13
Ini ndichange ndiri baba kwaari, iyewo ari mwana kwandiri. Handizobvisa mwoyo wangu paari sokubvisa kwandakauita pane mumwe akakutangira.
14
Asi kutoti ndichaita kuti ukuru hwake hudzike midzi ari mumba mangu narini wose, ari muumambo hwangu nokusingapere. Umambo hwake hauperi narini wose.’ ”
15
Natani akarondedzera Dhavhidhi mashoko iwaya ose achimutaurirawo chiratidzo ichochi chose.
16
Mambo Dhavhidhi akapinda akagara zvake pana Tenzi akanamata achiti: “Ndiri aniwo zvangu nhai Mwari, Tenzi. Kana iyowo mhuri yokwangu, chiiwo zvayo, kundisvitsawo pakadai?
17
Sokunge izvozvi zvisina kukwana kwamuri imi Mwari, masvika pokutotaura nezvichazoitika mangwana, namangwana ayo kumhuri yeni muranda wenyu. Ndiwo maitiro enyu here iwaya kuvanhu nhai Tenzi Mwari!
18
“Pakadai apa, ini Dhavhidhi, chii chimwewo chandingataure kwamuri nokuremekedza kwamaiteni muranda wenyu? Munondiziva wani ini muranda wenyu.
19
Muchiitireni muranda wenyu Tenzi, chiri chido chenyu zvenyu; makaita chinhu chikuru chakadai muchiita kuti zvinhu zvikuru zvose izvozvi zvizikanwe.
20
Hakuna angamboenzaniswa nemi Tenzi, uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu imi, maererano nezvose zvatakanzwa munzeve dzedu.
21
“Ndiani pasi pano akaita savanhu venyu vaIsiraeri rudzi runoti Mwari anoenda kundozvinunurira zvake kuti vave vanhu vake uye kuti mbiri yezita renyu idhume achivaitira mabasa makuru anotyisa nokudzingira kunze marudzi kuitira vanhu vake ivavo vaakanunura kuIjipiti.
22
Makaitawo kuti vaIsiraeri vave vanhu venyu nokusingapere, imiwo Tenzi mukava Mwari wavo.
23
“Zvino imi Tenzi chizadzikisai waro zvamakareva nezvangu ini muranda wenyu nemhuri yangu zvirambe zvakadaro, muite sokuvimbisa kwamakaita;
24
kuti zita renyu rizivikanwe riende mbiri nokusingaperi zvichinzi, ‘Tenzi wehondo nehondo, Mwari waIsiraeri ndiye Mwari weIsiraeri.’ Uye kwamuri imba yangu ini Dhavhidhi muranda wenyu imire.
25
Pamusana pokuti imi Mwari wangu mandidudzira pachena, ini muranda wenyu kuti muchandivakira imba ndokusakawo ini muranda wenyu ndaita simba rokuita munamato wakadai kwamuri.
26
“Zvino Tenzi, imi ndimi Mwari mavimbisa zvinhu izvi zvakanaka kudai kuneni muranda wenyu,
27
zvino chikomborerai waro mhuri yangu ini muranda wenyu kuti irambe yakangoti nemi kwati kwati nokuti imi Tenzi chamakomborera chakomborerwa nokusingapere.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29