bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 13
1 Chronicles 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 14 →
1
Dhavhidhi akabvunza mazano kuvatungamiriri vezviuru nevemazana navatungamiriri vose zvavo.
2
Dhavhidhi akati kugungano rose reIsiraeri, “Kana imi muchizviona kuti zvakanaka uye kuti kana chiricho chido chaTenzi, Mwari wedu, ngatitumirei shoko kuhama dzedu dzakasara munyika yeIsiraeri yose nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta ane mafuro awo kuti vauye tiungane pamwechete,
3
tidzosere bhokisi raMwari wedu rechitenderano kuno nokuti pamazuva aSauro takaita sokurishaira hanya.”
4
Gungano rose rakabvuma kuita saizvozvo nokuti zvakafadza vanhu vose.
5
Saizvozvo Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose kubvira kuShihori yokuIjipiti kusvikira tava kuda kusvika kuHamati kuti bhokisi raMwari rindotorwa kuKiriatijearimu.
6
Dhavhidhi neIsiraeri yose vakakwira kuBhaara, Bhaara ndiro Kiriatijearimu kwaJudha kundotora ikoko bhokisi raMwari rechitenderano rine zita raTenzi anogara pana makerubhu.
7
Vakatakura bhokisi raMwari rechitenderano racho pachikochikari chitsva kubva kumba yokwaAbhinadhabhu, vanaUza naAhio ndovaichayira chikochikari chitsva ichi.
8
Dhavhidhi neIsiraeri yose vaifara vachipemberera Mwari napose pavaigonera kuchiti uku runoimba, ukuwo runoridza zvipendhani, uku madimbwa ukuwo tambureni namakwakwakwa outare namabhosvo.
9
Kuzoti vasvika paburiro rokwaKidhoni, Uza akabata bhokisi rechitenderano kurigamha nokuti nzombe dzakanga dzati dzadzarikei.
10
Tenzi akavirukira Uza nehasha akabva amuuraya nokuti akabata bhokisi rechitenderano. Akabva afira ipapo pana Tenzi.
11
Kuurayiwa kwakaitwa Uza uku naTenzi kwakashungurudza Dhavhidhi. Nzvimbo iyi ichiri kungonzi Perezuza nanhasi uno.
12
Musi iwoyu, Dhavhidhi akatya Mwari akati, “Zvino bhokisi raMwari rechitenderano, kwangu uku, ringasvike sei pakadai?”
13
Nokudaro Dhavhidhi haana kuzoenda nebhokisi rechitenderano kumba kuguta raDhavhidhi, asi akatsaukira naro pamba paObhedhi muGiti.
14
Bhokisi raMwari rechitenderano rakagara mumba maObhedhiedhomu muGiti kwemwedzi mitatu. Tenzi akabvawo akomborera mhuri yaObhedhiedhomu nezvaaiva nazvo zvose.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29