bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 23
1 Chronicles 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 24 →
1
Dhavhidhi paakanga zvino akwegura mazuva ake aendadzanawo kwazvo, akagadza mwanakomana wake Soromoni umambo hweIsiraeri.
2
Dhavhidhi akaunganidza vatungamiriri vose veIsiraeri navapristi nevaRevhi.
3
Kwakaverengwa vokwaRevhi, kubvira pane vane makumi matatu amakore zvichikwira pakaita makumi matatu ezviuru zvavarume ane zviuru zvisere.
4
Dhavhidhi akati, “Makumi maviri ezviuru ane zviuru zvina zvaivava ava ngavave vokuona nezvebasa repamba yaTenzi, zviuru zvitanhatu vova vakuru vakuru navatongi,
5
zviuruwo zvina vave vachengetedzi vokumisuo mikuru, vamwe zviuru zvinawo vari vokurumbidza Tenzi nezvokuridzisa mumhanzi zvandakagadzirira kurumbidza.”
6
Dhavhidhi akavaronga mumapoka zvichifambirana navanakomana vokwaRevhi achiti vokwaGerishomu nevokwaKohati nevokwaMerari.
7
Vanakomana vokwaGerishomu paiti Radhani naShimei.
8
Vanakomana vaRadhani ndiJehieri mukuru wacho, naZetamu naJoeri, vatatu.
9
Vana vaShimei vakomana ndiSheromoti naHazieri naHarani pautatu hwavo kudaro. Ivava ndivo vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwaRadhani.
10
Vanakomana vaShimei ndiJahati naZina naJeushi naBheriya. Ivava vari vana kudai ndovanakomana vaShimei.
11
Johati ndiye mukuru wacho, wechipiri ari Ziza. Asi Jeushi naBheriya vaiva vasina vana vakomana vazhinji nokudaro vakazongozikanwa savanhu vemhuri imwechete.
12
Vanakomana vaKohati ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri vari vana kudaro.
13
Vanakomana vaAmuramu ndiAroni naMosesi. Aroni akatsaurwa kuti ave ndiye wokuteketera kuna Mwari zvinhu zvinoera kwazvo kuti iye navanakomana vokwake vave vokupisa rusenzi pana Tenzi narini wose uye kumushandira nokukomborera vanhu muzita rake nokusingaperi.
14
Asi vanakomana vaMosesi munhu waMwari mazita avo aitaurwa mukati mevedzinza rokwaRevhi.
15
Vana vaMosesi vakomana ndiGerishomu naEriezeru.
16
Vanakomana vaGerishomu ndiShebhueri mukuru wacho.
17
Vanawo vakomana vaEriezeru ndiRehabhiya mukuru wacho. Eriezeru uyu aiva asina vamwe vana vakomana, asi Rehabhiya aiva nezanzwe ravanakomana kuwanda.
18
Vanakomana vaIzhari ndiSheromiti mukuru wacho.
19
Vanakomanawo vaHebhuroni ndiJeriya mukuru wacho wechipiri ndiAmariya, wechitatu ari Jahazieri, Jekameamu ariye wechina wacho.
20
Vanakomana vaUzieri ndiMika mukuru wacho wechipiri ari Ishiya.
21
Vana vaMerari vakomana ndiMahiri naMushi. Vanakomana vaMahiri ndiEreazari naKishi.
22
Ereazari akafa asina vana vakomana aingova navana vasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi ndivo vakavaroora.
23
Vanakomana vaMushi ndiMahiri naEdheru naJerimoti pautatu hwavo kudaro.
24
Ivava ndivo vanakomana vokwaRevhi imba nemba vari vatungamiriri mudzimhuri dzokwavo. Ndouwandi hwavo sokunyorwa kwavo mazita munhu nomunhu vachiverengwa kubvira vane makumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura ipapa vokuzoita basa romumba yaTenzi
25
nokuti Dhavhidhi akareva paakati, “Tenzi, Mwari weIsiraeri aita kuti vanhu vake vave norunyararo uyewo iye aita Jerusaremu musha wake narini wose.
26
Chimwezve ndechokuti kuvaRevhi, basa rokutakura tendhe rinoera kana mumwe mudziyo zvawo wokushandisamo hapachisina.”
27
Pamusana pemazwi aya aDhavhidhi okupedzesera, vaRevhi vakaverengwa vaibvira pamakore makumi maviri zvichikwira.
28
Saka basa ravo rakanga rava kuzova rokubatsira vanakomana vokwaAroni kushanda pamba yaTenzi nokuchengetedza zvivanze zvacho, nedzimba dzepo nokuchenura zvose zvinoera nokuita basa rose rose zvaro repamba yaMwari;
29
nokubatsirawo pachingwa chokuisa pana Tenzi uye upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwomupiro wembesenwa nechingwa chakati fatata chisina mbiriso nomupiro wokubika nomupiro waikanyiwa namafuta eorivhi uyewo kupima uwandi nokuera mwero yemhando nemhando dzose dzezvinhu.
30
Ndivo zvino vakanga vava vokumira mangwanani oga oga vachitenda Tenzi vachimurumbidza, manheru voitawo zvimwechetezvo;
31
napose paipirwa kuna Tenzi mipiro yokupisa pamisi yeSabata neyokugara kwemwedzi namamwe mazuva makuru zvichifambiranawo nouwandi hwavo sezvavakanzi vagare vachiita pana Tenzi.
32
Uyewo ndobasa ravainge vofanira kuita rokuonawo nezvetendhe rokusanganira nenzvimbo inoera vachitumwa navanakomana vaAroni hama dzavo kuitira basa repamba yaTenzi.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29