bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 6
1 Chronicles 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 7 →
1
Vanakomana vaRevhi: ndiGerishoni naKohati naMerari.
2
Vana vakomana vaKohati: ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.
3
Vanawo vaAmuramu: ndiAroni naMosesi naMiriamu. Vanakomana vaAroni: ndavanaNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru.
4
Ereazari ndiye baba waFinehasi, Finehasi ndibaba waAbhishua,
5
Abhishua abereka Bhuki,
6
Bhuki azobereka Uzi, Uzi ndiye baba waZerahiya.
7
Zerahiya ndibaba waMeraioti, Meraioti vari baba waAmariya, Amariya abereka Ahitubhu.
8
Ahitubhu akaberekawo Zadhoki Zadhoki ari baba waAhimaazi,
9
Ahimaazi ari baba waAzariya.
10
Azariya ndibaba waJohanani, Johanani ndiye baba waAzariya. Iye Azariya uyu ndiye uya aiva mupristi muTemberi iya yakavakwa naSoromoni muJerusaremu.
11
Azariya ndiye baba waAmariya. Amariya akabereka Ahitabhu,
12
Ahitubhu akazobereka Zadhoki, Zadhoki akazobereka Sharumu,
13
Sharumu akabereka Hirikiya, Hirikiya akazobereka Azariya.
14
Azariya ndibaba waSeraya, Seraya ari baba waJehozadhaki.
15
Jehozadhaki uyu akatapwawo Mwari paakaendesa vokwaJudha neJerusaremu muutapwa ari mumaoko aNebhukadhinezari.
16
Vanakomana vaRevhi: ndiGerishomu naKohati naMerari.
17
Vanawo vaGerishomu vakomana: ndavanaRibhuni naShimei.
18
Vana vaKohati: vakomana ndiAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.
19
Vanakomana vaMerari: ndiMahiri naMushi. Ivava ava ndivo mhuri dzokwaRevhi imba nemba.
20
VokwaGerishomu: vakamira vakadai izvi: mwanakomana wake ndiRibhuni waRibhuni ndiJahati waJahati ndiZima waZima ndiJoa.
21
Mwanakomana waJoa ndiIdho waIdho ndiZera waZera ndiJeatierai.
22
VokwaKohati vakamirawo vakadai: mwanakomana wake ndiAminadhabhu waAminadhabhu ndiKora waKora ndiAsiri.
23
Mwanakomana waAsiri ndiErikana waErikana ndiEbhiasafu waEbhiasafu ndiAsiri waAsiri ndiTahati.
24
Mwanakomana waTahati: ndiUrieri waUrieri ndiUziya waUziya ndiShauru.
25
Vana vaErikana vakomana: ndiAmasai naAhimoti.
26
Mwanakomana waAhimoti ndiErikana waErikana ndiZofai waZofai ndiNahati
27
waNahati ndiEriyabhu waEriyabhu ndiJerohamu waJerohamu ndiErikana.
28
Vanakomana vaSamueri: ndiJoeri dangwe rake wechipiri ndiAbhiya.
29
Vanakomana vaMerari: ndiMahiri waMahiri ndiRibhuni waRibhuni ndiShimei
30
waShimei ndiUza waUza ndiShimea waShimea ndiHagiya waHagiya ndiAsaya.
31
Havanoi varume vakaiswa naDhavhidhi pabasa rokuona nezvokuimba mumba yaTenzi pakazenge zvino bhokisi rechitenderano razororamo.
32
Vaiva vokuimba nziyo pamberi petendhe rinoera mutendhe rokusanganira kusvikirawo Soromoni apedza kuvaka imba yaTenzi muJerusaremu. Basa ravo vairiita vachitevedza zvavakanga vakarongerwa.
33
Varume vacho vaiita basa iroro pamwechete navana vavo vakomana vakamira vakadai izvi, kuvanakomana vokwaKohati kunoti: Hemani aiva muimbi ari mwanakomana waJoeri uya mwanakomana waSamueri uye aberekwa naErikana
34
mwanakomana waJerohamu aberekwa naErieri mwanakomana waToa ari mwana waZufu
35
wokuberekwa naErikana akaberekwa naMahati, mwanakomana waAmasai aberekawo Erikana
36
mwana waJoeri iye ari mwana waAzariya aberekwa naZefaniya mwanakomana waTahati
37
azoberekwa naAsiri mwana waEbhiyasafu aberekwawo naKora, mwanakomana waIzhari
38
mwana waKohati waberekwa naRevhi, mwanakomana waIsiraeri
39
kwouya munun'una wake Asafu aimira kurudyi kwake: Asafu uyu mwanakomana waBherekiya akaberekwa naShimea mwana waMikaeri
40
uyu ari mwanakomana waBhaaseya akaberekwa naMarikiya mwana waEtini mwana waZera aberekwa naAdhaya
41
mwanakomana waEtani akaberekwa
42
naZima mwana waShimei
43
mwanakomana waJahati aberekwa naGerishomu mwanakomana waRevhi.
44
Kuruboshwe kwaiva nehama dzavo vanakomana vokwaMerari: vakanga vari vanaEtani mwanakomana waKishi mwana waAbhudhi aberekwa naMaruki okuberekwa
45
naHashabhiya mwana waAmaziya mwanakomana waHirikiya aberekwa naAmuzi ariwo mwana waBhani mwanakomana waShemeru
46
aberekwa naMahiri uyu ari mwana waMushi
47
mwanakomana waMerari aberekwa naRevhi.
48
Hama dzavo dzokwaRevhi dzakasarudzwa kuita basa romunzvimbo inoera mumba yaMwari.
49
Asi Aroni navanakomana vake ndivo vaiva vokupira mipiro paatari yomupiro wokupisa napaatari yorusenzi pamwechete nebasa rose romunzvimbo inoeresesa nokupfupirirawo vaIsiraeri zvitadzo maererano nezvose zvakanzi naMosesi zviitwe.
50
Vanakomana vaAroni: ndiEreazari waEreazari ndiFinehasi waFinehasi ndiAbhishua
51
mwanawo waAbhishua: ndiBhuki waBhuki ndiUzi waUzi ndiZerahiya
52
mwanakomana waZerahiya ndiMeraioti waMeraioti ndiAmariya waAmariya ndiAhitubhu
53
mwanawo waAhitubhu ndiZadhoki waZadhoki ndiAhimaazi.
54
Uku ndiko kugara kwavakanga vakaita zvichienderana nemamana avo mudunhu rokwavo. Vanakomana vaAroni vemhuri dzokwaKohati vakapiwa kwavo nechin'ange.
55
Vakagoverwa Hebhuroni munyika yokwaJudha namafuro aro akaripotoredza.
56
Asi minda yeguta racho nemisha yaro vakapa kuna Karebhu mwanakomana waJefune.
57
Maguta okundopotera akapiwa vanakomana vokwaAroni ndaaya aya: kunoti Hebhuroni neRibhuna namafuro aro neJatiri neEshitemoa namafuro awo
58
kwouya Hireni namafuro aro
59
uye Dhebhiri namafuro aro neAshani namafuro aro neBhetishemeshi namafuro aro.
60
Avakapiwa kwaBhenjamini ndeaya anoti: Gebha namafuro aro neAremeti namafuro aro uye Anatoti namafuro aro. Ose pamwechete maguta avo mudzimhuri dzokwavo aiva gumi namatatu.
61
Vamwe vose vokwaKohati vakagoverwawo maguta gumi nechin'ange mumhuri yedzinza racho uye nomuchikamu chimwe chevokwaManase.
62
VokwaGerishomi mhuri nemhuri vakagoverwa maguta gumi namatatu mune vedzinza rokwaIsakari nerokwaAsheri nerokwaNafutari nerokwaManase muBhashani.
63
VokwaMerari mhuri nemhuri vakagoverwawo maguta gumi namaviri mudzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nerokwaZebhuruni.
64
Saizvozvo vanhu veIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo.
65
Vakagoverwawo nechin'ange mune vedzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni nerokwaBhenjamini maguta iwaya ataurwa nemazita.
66
Vamwe vemhuri dzevanakomana vokwaKohati vaivawo namaguta omudunhu ravo mune vedzinza rokwaEfuremu.
67
Vakagoverwa maguta okundopotera aya anoti Shikemu namafuro aro munyika yokwaEfuremu yamakomo, kwouya Gezeru namafuro aro
68
kwoti Jokimeamu namafuro aro neBhetihoroni namafuro aro
69
kwozoti Aijaroni namafuro aro neGatirimoni namafuro aro
70
kwouyawo mune vechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase ndeaya: kunoti Aneru namafuro aro neBhireamu namafuro aro edzimwe mhuri dzose dzokwaKohati.
71
VokwaGerishomu: vakagoverwa mune chimwewo chikamu chevedzinza rokwaManase vakapiwa: Gorani muBhashani namafuro aro, neAshitaroti namafuro aro.
72
Mune vedzinza rokwaIsakari vakagoverwa: Kedheshi namafuro aro neDhabherati namafuro aro
73
kwouya Ramoti namafuro aro neAnemu namafuro aro.
74
Mune vedzinza rokwaAsheri vakapiwa: Mashari namafuro aro neAbhudhoni namafuro aro
75
kwouya Hukoki namafuro aro neRehobhu namafuro aro.
76
Mune vedzinza rokwaNafutari vakagoverwa: Kedheshi muGarirea namafuro aro neHamoni namafuro aro neKiriatiaimu namafuro aro.
77
Vamwe vose vokwaMerari: vakagoverwa mune vedzinza rokwaZebhuruni. Rimoni namafuro aro neTabhori namafuro aro.
78
Kumhiri kwaJorodhani: kuJeriko mune vedzinza rokwaRubheni vakapiwa Bhezeri riri pamutunhu namafuro aro neJahiza namafuro aro
79
kwouya Kedhemoti namafuro aro neMefaati namafuro aro.
80
Mune vedzinza rokwaGadhi vakagoverwa: Ramoti muGireadhi namafuro aro neMahanaimu namafuro aro
81
kwouya Heshibhoni namafuro aro kwozoti Jazeru namafuro aro.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29