bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 14
1 Chronicles 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 15 →
1
Hiramu mambo weTire akatumira Dhavhidhi nhume namapango omusidhari pamwechete navanhu vokuveza miti namatombo vakavakira Dhavhidhi muzinda.
2
Dhavhidhi akazviona kuti Tenzi akanga aita kuti umambo hwake hwokwaIsiraeri hudzike midzi, uye kuti akanga asimudzira zvikuru kwazvo umambo hwake pamusana pavanhu vake vaIsiraeri.
3
Dhavhidhi akaroorazve vamwe vakadzi muJerusaremu. Dhavhidhi akabereka vamwe vana vakomana navasikana.
4
Mazita avana vake vakaberekerwa kuJerusaremu ndeaya anoti: Shamua naShobhabhu naNatani naSoromoni;
5
kwouya Ibhari naErishua naErifereti
6
kwoti Noga naNefegi naJafia naErishama
7
kwozoti Erishama naBheeriyadha naErifereti.
8
VaFirisitia pavakanzwa kuti Dhavhidhi agadzwa umambo hwokuIsiraeri yose, vaFirisitia vose vakaenda kundovhima Dhavhidhi. Asi zvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akabva abuda kundovarwisa.
9
Izvozvo vaFirisitia vakanga vauya vakapamba zvinhu mubani rokuvaRefaimu.
10
Dhavhidhi akada kuziva kuti Mwari anotii nazvo akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia ava? Muchavaisa mumaoko angu here?” Tenzi akamuti, “Enda zvako nokuti ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.”
11
Dhavhidhi akakwidza kuenda kuBhaariperezimu, akavakurira ipapo. Dhavhidhi akati, “Sokupozhora nokuita mafashamo, Mwari apozhora vavengi vangu achindishandisa.” Naizvozvo pakatumidzwa zita rokuti Bhaariperazimu.
12
Vakasiya vamwari vavo ipapo, Dhavhidhi akati ngavapiswe vakabva vapiswa.
13
VaFirisitia vakapamba zvakare zvinhu mubani riya.
14
Dhavhidhi paakadazve kunzwa kuti Mwari anotii nazvo, Mwari akati kwaari, “Rega kubva waita zvokutandanisana navo; asi ita zvokuvanyangira uvafute nokumiti yemibharisamu.
15
Paunozongonzwa chete mutsindo wokufamba pamusoro pemiti yemibharisamu mobva mati navo koke koke kuvarwisa nokuti Tenzi anenge atotungamira mberi kwenyu kundorwisa hondo dzavaFirisitia.”
16
Dhavhidhi akaita zvaakaudzwa naTenzi akarakatisa kuuraya hondo yevaFirisitia kubvira kuGibheoni kusvikira kuGezeru.
17
Zita raDhavhidhi rakaenda mbiri nyika dzose, uyewo Tenzi akapinza mweya wokumutya mundudzi dzose.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29