bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 21
1 Chronicles 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 22 →
1
Satani akamirisana neIsiraeri akaisa muna Dhavhidhi mumwewo mweya wokuverenga vaIsiraeri.
2
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu mutungamiriri wehondo yake, “Enda uverenge vaIsiraeri kubvira kuBheerishebha kusvikira kwaDhani uzonditaurira ndigoziva kuti kune vanhu vangani.”
3
Asi Joabhu akati, “Hongu zvazvo, dai Tenzi awedzera vanhu kazana kakazanirana kupfuura zvavari kuri zvino! Asi nhai changamire mambo, ko inga vanhu vose ivava varanda venyu wani, changamire. Zvino madireiko kuita chinhu chakadai? Madirei kuparira Isiraeri mhosva yakadai?”
4
Zvakataurwa namambo ndizvo zvakatozobudirira pane zvaJoabhu. Ipapo Joabhu akabva paye akabvongodza Isiraeri yose akazodzokera kuJerusaremu.
5
Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandi hwavanhu hwakadai izvi: KwaIsiraeri kwose kwaiva nemiriyoni imwechete ine zana rezviuru zvavarume vokurwa namapakatwa, kwaJudha kuine mazana ezviuru ane zviuru makumi manomwe avarume vokurwa namapakatwa.
6
Asi haana kunge averenga vokwaRevhi nevokwaBhenjamini pamwechete navo nokuti chirevo chamambo chakaramba kunyatsopinda Joabhu mumwoyo.
7
Asi Mwari haana kufadzwa naizvozvi izvi akabva arova Isiraeri neshamhu yokuranga.
8
Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndakatadza zvikuru kwazvo nezvandakaita izvi. Zvino ndateterera, ndiregerereiwo chitadzo changu ini muranda wenyu nokuti zvandakaita izvi ndezvoupenzi chaizvo.”
9
Mwari akati kuna Gadhi muoni wokwaDhavhidhi,
10
“Enda uti kuna Dhavhidhi zvanzi naTenzi sarudza chaungaite pazvitatu izvi zvandiri kukupa.”
11
Nokudaro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akamuti, “Zvanzi naTenzi, sarudzai chamungade; mungade here kuti muno munyika yenyu muve namakore matatu enzara,
12
kana kuti mupedze mwedzi mitatu muchingotiza vavengi venyu vachikurondai, kana kuti mazuva matatu muine pfumvu yebakatwa raTenzi muno munyika yenyu murohwe nedenda, mutumwa waTenzi abvongodze nyika yose yeIsiraeri achiparadza. Zvino dai mukapafunga mundipewo mhinduro yokundopa andituma.”
13
Dhavhidhi ndokuti kuna Gadhi, “Inga ndazotambura zvino. Rega zvako ndirangwe zvangu naTenzi nokuti ngoni dzake dzakawanda kwazvo. Asi zvokuti munhu ave iye wokundiranga, aiwa.”
14
Saizvozvo Tenzi akarova Isiraeri nedenda, kukafa varume vokwaIsiraeri zviuru makumi manomwe.
15
Mwari akatuma mutumwa wacho kuJerusaremu kundoriparadza. Paakanga zvino oda kuti achiriparadza, Tenzi achizvionawo, akanyevenuka mwoyo akarega kuwana chakaipa chaakazovaita. Akati kumutumwa akanga achiita basa rokuparadza wacho, “Zvakwana chirega.” Izvozvo mutumwa iyeyo akanga amire pedyo neburiro raOrinani wechiJebhusi.
16
Dhavhidhi akatarisa akaona mutumwa waTenzi amire muchadenga, pakati pedenga napasi muruoko akabata bakatwa rakatoburitswa muhara akarinangisa paJerusaremu, ndokubva iye Dhavhidhi navakuru vakuru vapfeka hanzu dzamasaga ndiye nouso pasi zvambarara.
17
Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Inga wani ndini ndakati kuverengwe vanhu. Ndini ndakatadza ndakaita zvakaipa kwazvo. Ko hwai idzika dzakapareiwo? Ndapota zvangu nhai Tenzi, Mwari wangu. Dai mukachiranga ini nevemba yokwababa vangu, murege zvenyu kuonesa nhamo vanhu ava.”
18
Mutumwa waTenzi akatuma Gadhi kundotaurira Dhavhidhi kuti iye Dhavhidhi akwire andovakira Tenzi atari paburiro raOrinani wechiJebhusi.
19
Nokudaro Dhavhidhi akaendako sokutaura kwakanga kwaitwa naGadhi achizvitaura nezita raTenzi.
20
Izvozvo Orinani akanga achipura zvake koroni. Akati tarisei onei mutumwa, vana vavo vakomana vavaiva navo vakabva vandohwanda.
21
Dhavhidhi akasvika kuna Orinani. Orinani akati tarisei ndokuona Dhavhidhi akabva paburiro akandoti pana Dhavhidhi uso pasi kota kota kuri kuombera mambo.
22
Dhavhidhi akati kuna Orinani, “Ndipewo chidzengerere ichi choruware urwu kuti ndivakirepo Tenzi atari munditengesere zvenyu nemari yacho chaiyo yakakwana kuitira kuti denda rimiswe kuvanhu.”
23
Orinani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Torai zvenyu changamire mambo muite zvenyu zvamunoda. Chionaika ndinokupaiwo mombe dzomupiro wokupisa nehuni dzacho nezvirhei zvokupirisa izvi nekoroni yomupiro wembesanwa. Zvose izvozvo ndini ndichabvisa.”
24
Asi mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani, “Kwete, nokuti zvokutenga ndinofanira kutotenga nemari yakakwana. Handifanire kupira kuna Tenzi zvenyu zvandinenge ndakutorerai kana kupira mipiro yokupisa yepachena.”
25
Saizvozvo Dhavhidhi akapa Orinani mazana matanhatu emari yemashekeri yendarama yakaerwa yokutenga chidzengerere ichocho.
26
Dhavhidhi akavakira Tenzi atari ipapo akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamupindura nomoto wakabva kudenga akatungidza mupiro wokupisa paatari.
27
Tenzi akabva audza mutumwa uya, mutumwa akadzorera bakatwa rake muhara maro.
28
Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Tenzi amupindura paruware rwaOrinani muJebhusi akapirapo zvibayiro zvake.
29
Chaivapo ndechichi chokuti, tendhe rinoera raTenzi riya rokugadzirwa naMosesi murenje neatari yemipiro yokupisa zvakanga zvichiri kuGibheoni panzvimbo yakatunhumara yokuteurira panguva iyoyo.
30
Asi Dhavhidhi apa haana kukwanisa kuendako kundonzwa kuti Mwari anoti kudii nazvo pamusana pokuti aitya bakatwa romutumwa waTenzi.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29