bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 26
1 Chronicles 26
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 27 →
1
Zvikwata zvevachengetedzi vokumisuo mikuru zvakanga zvakamira zvakadai izvi: kune vokwaKora paiti Mesheremiya mwanakomana waKore wevana vokwaAsafu.
2
Mesheremiya aiva navana vake vakomana ava vanoti: Zekariya dangwe racho achitevedzerwa naJedhieri wechitatu ari Zebhadhiya wechina ndiJatinieri Eramu ari wechishanu
3
wechitanhatu ndiJehohanani wechinomwe ari Eriehoenai.
4
Obhedhiedhomu aiva navanakomanawo vaiti: dangwe racho Shemaya tevere Jehozabhadhi wechitatu ndiJoa wechina ari Sakari wechishanu ndiNetaneri
5
wechitanhatu ari Amieri Isakari ariye wechinomwe wechisere ndiPeuretai nokuti Mwari akavakomborera.
6
Uyewo mwanakomana wake Shemaya akaberekawo vana vakomana vakava vatungamiriri vomudzimhuri dzokwavo nokuti vaiva mvumba chaidzo dzamagamba.
7
Vanakomana vaShemaya ndiOtini naRefaeri naObhedhi naErizabhadhi vaiva nehama dzaiva noushasha pakuita zvinhu vana Erihu naSemakiya.
8
Vose ivava ava vaiva vanakomana vokwaObhedhiedhomu navana vavo vakomana nehama dzavo vari shasha chaidzo dzinogona kuita basa radzo. Vose pamwechete vokwaObhedhiedhomu vaiva makumi matanhatu navaviri.
9
Mesheremiya aiva navanakomana nehama dzake shasha chaidzo, vose vari gumi navasere.
10
Hosa mumwe wavanakomana vokwaMerari aivawo navana vakomana vaiti: Shimuri, mukuru wacho, kunyange zvazvo akanga asiriye dangwe baba vake ndivo vakamuita mukuru.
11
Aitevedzerwa naHirikiya wechitatu ndiTebheriya, wechina ari Zekariya. Vanakomana vaHosa nehama dzake vose vaiva gumi navatatu.
12
Zvikwata izvi zvavachengetedzi vepamisuo mikuru zvichifambiranawo navakuru vakuru vazvo vaivawo namabasa sezvaingoitawo hama dzavo rokushanda mumba yaTenzi.
13
Suo guru roga roga raipiwa vanhu varo vaigovaniswa nechin'ange zvimwechetezvo imba nemba mukuru nomudiki.
14
Rokumabvazuva kwacho chin'ange chakaenda kuna Sheremiya. Vakaitirawo mwanakomana wake Zekariya muchinda ane ungwaru chin'ange chikaratidza kuti ndowekuchamhembe.
15
Chin'ange chakaratidza kuti Obhedhiedhomu ndowekumaodzanyemba chikapa vanakomana vake basa rokudzimba dzaichengeterwa zvinhu.
16
Kuna Shupimu naHosa chakaratidza kuti ndowekumadokero pasuo guru reShareketi pamugwagwa unokwira uya, vaiita mazoro kupachengetedza.
17
Kumabvazuva kwainge kuna vaRevhi vatanhatu pazuva kuchamhembe, vana pazuva, kumaodzanyemba, vana pazuva vaviri vaviri padzimba dzokuchengetera zvinhu,
18
panzvimbo yemo yainzi Paribhari kumadokero vari vana pamugwagwa, kwouya vaviri paParibhari.
19
Izvozvi izvi ndizvo zvikwata zvavachengetedzi vokumisuo mikuru wokwaKora navanakomana vokwaMerari.
20
PavaRevhi, Ahiya aiva nebasa rokuona nezvedzimba dzaichengeterwa upfumi hwemba yaMwari nomaichengeterwa zvipo zvainge zvateketerwa kuna Mwari.
21
Kune vanakomana vokwaRadhani, vana vokwaGerishoni vakaberekwa naRadhani vaiva vatungamiriri vokumba yokwaRadhani wokwaGerishoni iyeyu ndewekwaJehieri.
22
Vanakomana vaJehieri ndiZetamu muJoeri munun'una wake, vaiva nebasa rokuona nezvedzimba dzaichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi.
23
Kune vokwaAmuramu vaiti vokwaIzhari nevokwaHebhuroni nevokwaUzieri:
24
Akasarudzwa kuva changamire mukuru wokuona nezvemaichengeterwa upfumi ndiShebhueri mwanakomana wokwaGerishomu mwana waMosesi.
25
Hama dzake vokwaEriezeru vakanga vakamira vakadai izvi: mwanakomana waEriezeru ndiJeshaya waJeshaya ndiJoramu waJoramu ari Zikiri waZikiri ariwo Sheromoti.
26
Sheromoti uyu nehama dzake vaiva vokuona nezvemaichengeterwa zvipo zvainge zvakateketererwa kuna Mwari. Zvakanga zvateketererwa kuna Mwari namambo Dhavhidhi navatungamiriri vedzimhuri dzokwavo navatungamiriri vezviuru nevemazana navatungamiriri vehondo.
27
Vakatora zvimwe zvinhu pane zvakanga zvapambwa kuhondo vakazvipa sechipo chokuchengetedza nacho imba yaTenzi.
28
Maivawo nezvakanga zvateketerwa kuna Mwari naSamueri muoni naSauro mwana waKishi naAbhuneru mwana waNeru, naJoabhu mwana wavaZeruya nezvose zvakanga zvateketerwa kuna Mwari zvaive mumaoko aSheromoti nehama dzake.
29
Kune vokwaIzhari Kenaniya nevana vake vakomana akapiwa basa rokunze savanyori navatongi.
30
Kune vokwaHebhuroni, Hashabhiya nehama dzake chiuru nemazana manomwe vari vanhu vanoushasha pakuita zvinhu ndivo vaiva vatariri veIsiraeri kumadokero kwaJorodhani mune zvose zvainangana nebasa raMwari nezvainangana nebasa ramambo.
31
Pane vokwaHebhuroni, Jeriya ndiye waiva changamire wavo pazvizvarwa zvavo zvose mumba yekwavo. Mugore rechimakumi mana rokutonga kwaDhavhidhi kwakatsvangwa kukaonekwa mvumba dzemagamba okurwa hondo kuvanhu vokuJazeru kuGireadhi.
32
Mambo Dhavhidhi akasarudza iyeyu nehama dzake vari zviuru zviviri zvine mazana manomwe zvavarume shasha chaidzo dzebasa vari vatungamiriri vokumhuri dzokwavo kuti vave vokutungamirira vekwaRubheni, nevekwaGadhi nevechimwe chikamu chedzinza rokwaManase mune zvose zvainangana nezvaMwari nezvainanganawo nenyaya dzokwaMambo.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29