bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 7
1 Chronicles 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 8 →
1
Vanakomana vaIsakari ndavava, kunoti: Tora naPua naJashubhu naShimuroni vari vana kudaro.
2
Vanakomanawo vaTora: ndiUzi naRefaya naJerieri naJahimai naJibhusamu naShemueri vari vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo dzokwaTora. Magamba okurwa hondo ezvizvarwa zvokwavo mumazuva aDhavhidhi vainge vari vanhu makumi maviri ezviuru ane zviuru zviviri namazana matanhatu.
3
Vanakomana vaUzi: ndiIzirahiya. Vanawo vaIzarahiya vakomana: ndiMikaeri naObhadhiya naJoeri naIshiya vari vashanuwo kudaro vose vari madzichangamire.
4
Pamwechete naivava ava chizvarwa nechizvarwa imba nemba paivawo nezvikwata zvavarwi vehondo zvina vanhu makumi matatu ezviuru ane zviuru zvitanhatu nokuti vaiva navakadzi navana vakomana vakawanda.
5
Hama dzavo dzomudzimhuri dzekwaIsakari dzose pamwechete vaiva makumi masere ezviuru ane zviuru zvinomwe zvavanhu variwo magamba okurwa hondo vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa.
6
Vanakomana vaBhenjamini: ndiBhera naBhekeri naJedhiaeri pautatu hwavo kudaro.
7
Vana vakomana vaBhera: ndiEzibhoni naUzi naUzieri naJerimoti naIri vashanu. Vaiva vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo vari magamba okurwa hondo, vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa vari vanhu makumi maviri ezviuru ane zviuru zviviri namakumi matatu ane vana.
8
Vana vaBhekeri: vakomana ndiZemira naJoashi naEriezeri naErioenai naOmuri naJerimoti naAbhiya naAnatoti naArameti. Vose ivava ava ndivo vanakomana vaBhekeri.
9
Kunyorwa kwavakaita sokuberekwa kwavo chizvarwa nechizvarwa vari vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo, magamba okurwa hondo aiva makumi maviri ezviuru ane mazana maviri.
10
Vanakomana vaJedhiaeri: ndiBhirihani. Vanawo vaBhirihani vakomana: ndiJeushi naBhenjamini naEhudhi naKenaana naZetani naTarishishi naAhishahari.
11
Vose ivava ndovanakomana vaJedhiaeri imba nemba, magamba okurwa hondo aiva vanhu gumi rezviuru rine zviuru zvinomwe namazana maviri vaigona kuenda kuhondo.
12
Vana Shupimu naHupimu: ndivo vanakomana vaIru, vokwaHushimu ndivo vanakomana vaAheri.
13
Vana vaNafutari vakomana: ndiJahizieri naGuni naJezeru naSharumu vomumba maBhiriha.
14
Vanakomana vaManase: ndiAsirieri waakabereka nomurongo wake wechiAramu, ndiye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi.
15
Makiri akaroorera Hupimu naShupimu vakadzi. Hanzvadzi yake ndiMaaka. Mumwe mwana wake ainzi Zerofehadhi, Zerofehadhi aingova navanasikana.
16
Maaka mudzimai waMakiri akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Pereshi, munun'una wake ainzi Shereshi. Vanakomana vaPereshi ndiUramu naRakemu.
17
Vanawo vaUramu vakomana: ndiBhedhani. Vose ivava ndivo vana vakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwana waManase.
18
Hanzvadzi yake Hamorehedhi akabereka Ishihodhi naAbhiezeru naMahira.
19
Vana vaShemidha vakomana: ndiAhiani naShikemu naRiki naAniamu.
20
Vanakomana vaEfuremu: ndiShutera mwanawo waShutera ndiBheredhi waBheredhi ndiTahati waTahati ndiEreadha waEreadha ndiTahati
21
mwana waTahati ndiZabhadhi waZabhadhi ndiShutera waShutera ndiEzeru naEreadhi vanyakuurayiwa navarume vokuGati vakaberekerwa munyika iyoyo, nokuti vakanga vauya kuzopamba zvipfuwo zvavo.
22
Baba vavo vakavachema kwamazuva akawanda vakoma navanun'una vake vakauya kuzonyaradzana naye.
23
Efuremu akapinda mumba nomudzimai wake akava napamuviri akabereka mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Bheriya nokuti imba yavo yakanga yawirwa nenhamo.
24
Mwanasikana wake ndiShera nyakuvaka Bhetihoroni rokumusoro neBhetihoroni rezasi ose ari maviri kudaro uyewo Uzenishera.
25
Mwanakomana waBheriya ndiRefa: waRefa ndiReshefu waReshefu ndiTera waTera ndiTahani
26
mwana waTahani ndiRadhani waRadhani ndiAmihudhi waAmihudhi ndiErishama
27
mwana waErishama ndiNunu waNunu ndiJoshuwa.
28
Kwavowo ivava namamana avo kwaiva kuBhetieri nemisha yoko tonanga kumabvazuva kuNaarani nokumadokero kuGezeru nemisha yoko kwouya Shikemu nemisha yaro neAya nemisha yaro.
29
Kumuganhu nokwaManase kwaivawo neBhetisheani neBhetisheani nemisha yaro neTaanaki nemisha yaro neMigidho nemisha yaro neDhoni nemishawo yaro. Imomu umu ndimo maigara vezvizvarwa zvaJosefi mwanakomana waIsiraeri.
30
Vanakomana vaAsheru: ndiImuna naIshivha naIshivhi naBheriya nehanzvadzi yavo Sera.
31
Vanakomanawo vaBheriya: ndiHebheru naMarikieri baba waBhirizaiti.
32
Hebheru: ndibaba waJafureti naShomeru naHotamu nehanzvadzi yavo Shua.
33
Vanakomana vaJafureti: ndiPasaki naBhimuhari naAshivhati. Ivava ava ndivo vanakomana vaJafureti.
34
Vanawo vakomana vaShameru: mukoma nomunun'una naye ndiRohiga naJehubhabhu naAramu.
35
Vanakomana vaHeremu mukoma nomunun'una naye: ndiZofa naImuna naShereshi naAmaru.
36
Vanawo vaZofa vakomana: ndiSua naHarineferu naShuari naBheeri naImura,
37
naBhezeru naHodhi naShama naShirisha naItirani naBheera.
38
Vanakomana vaJeteru: ndiJefune naPisipa naAra.
39
Vana vakomana vaUra: ndiArah naHanieri naRiziya.
40
Vose ivava vaiva vokwaAsheri vari vatungamiriri vedzimhuri dzokwavo vachizikanwa ari magamba okurwa hondo, madzichangamire emachinda. Vanhu vakaverengwa pazvizvarwa zvavo vari vanhu vaigona kuenda kundorwa hondo vaisvika zviuru makumi maviri nezvitanhatu.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29