bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 19
1 Chronicles 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 20 →
1
Mushure mezvizvi, Nahashi mambo wavaAmoni akafa, ndokubva mwanakomana wake amutsiva pakutonga.
2
Dhavhidhi akati, “Ndicharamba ndiine mwoyo wakanaka kuna Hanani mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakandiitirawo mwoyo wakanaka.” Saizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundomubata maoko pamusana pababa vake. Makurukota aDhavhidhi akasvika kuna Hanuni munyika yavaAmoni kuzomubata maoko.
3
Asi machinda avaAmoni akati kuna Hanuni, “Munofunga kuti izvozvi Dhavhidhi kukutumirai nhume kuzokubatai maoko kwaaita uku kuremekedza baba venyu nhai? Makurukota ake haana here kuuya kwamuri kuzoongorora nokukurira nokusora nyika ino?”
4
Saka Hanuni akabata makurukota aDhavhidhi akavaveura, akacheka napakati hanzu dzavo nechapahudyu akavati vaende, ivo ndokubva vaenda.
5
Zvavanhu ivavo, pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma vanhu kundovachingura nokuti vakanga vachinyara zvikuru kwazvo. Mambo akati, “Imborambai muri kuJeriko ikoko kudzamara ndebvu dzenyu dzamera mugozoti modzoka kuno.”
6
VaAmoni pavakaona kuti vatomutsa ruvengo naDhavhidhi Hanuni navaAmoni vakatumira mari yesirivha inorema makirogiramu zviuru makumi matatu ane zvina yokukwereta nayo ngoro dzehondo dzokumboshandisa pamwechete navachairi vadzo kuMesopotamia nokuAramaaka nokuZobha.
7
Vakakwereta ngoro dzehondo zviuru makumi matatu ane zviviri, vakati mambo wokuMaaka auyewo nehondo yake. Vakauya vakadzika matendhe avo pakatarisana neMedhebha. VaAmoni vakakokorodzwa mumaguta avo vakauya kuhondo.
8
Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vano chaivo.
9
VaAmoni vakauya vakaronganirana hondo pasuo guru reguta, madzimambo akanga auya vakanga vari pavo voga musango.
10
Pakaona Joabhu kuti hondo yavavinga yatoita zvokuvakomba mberi neshure, akasarudza vamwe varwi mukati mavakanga vasarudzwa muIsiraeri vaya, akavaronga kuti varwise vaSiria.
11
Vamwe varwi vake vose akavaisa mumaoko omunun'una wake Abhishai akavaronga kuti varwisane navaAmoni.
12
Akabva ati, “Kana ndichinge ndava kukurirwa navaSiria, iwe unouya kuzondibatsira, asi kana vaAmoni vava kukukurira, ini ndichazokubatsira.
13
Tsunga mwoyo tiite zvechirume tichiitira vanhu vedu namaguta aMwari wedu. Mwari ngaaite kuda kwake.”
14
Saizvozvo Joabhu navanhu vaaiva navo vakatanga kuvinga vaSiria kundovarwisa, ivo vakabva vati ware kumutiza.
15
VaAmoni pavakangoona kuti vaSiria vatiza, vakaitawo zvimwechetezvo ndiye ware kutiza Abhishai munun'una waJoabhu vakapinda muguta. Joabhu akazosvika kuJerusaremu.
16
Asi vaSiria pavakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakatumira nhume dzikauya navaSiria vokumhiri kwaYufuratesi vachitungamirirwa naShofaki mutungamiriri wehondo yaHadhadhiezeru.
17
Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akakokorodza Isiraeri yose pamwechete akayambuka Jorodhani akasvika kwavari, akaronga hondo yake kuti achivarwisa, Dhavhidhi paakanga aronga hondo yake kurwisa vaSiria, vakarwa naye.
18
VaSiria vakabva vaparamuka kutiza Isiraeri. Dhavhidhi akarakatisa kuuraya mazana manomwe avachairi vengoro nezviuru makumi mana avarwi vetsoka. Akaurayawo Shofaki mutungamiri wehondo yavo.
19
Makurukota aHadhadhiezeru paakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakaita chibvumirano neIsiraeri. Vakaita chibvumirano kuti pave nokuwirirana naDhavhidhi vakabva vava varanda vake. Naizvozvo vaSiria vakazenge vava kutya kubatsirazve vaAmoni.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29