bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 22
1 Chronicles 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 23 →
1
Dhavhidhi ndopaakati, “Pano apa ndopachava nemba yaTenzi Mwari, ipo pano ndopachava neatari yomupiro weIsiraeri wokupisa.”
2
Dhavhidhi akati kuunganidzwe pamwechete vatorwa vaiva munyika yeIsiraeri akabva aronga vokuveza mabwe kuti vaveze mabwe okuvakisa imba yaMwari.
3
Dhavhidhi akaunganidzawo mirwi nemirwi yesimbi dzokupfura zvipikiri zvamagonhi emisuo mikuru nesimbi dzokubatisapo pamwechete nendarira isingambozivana kuwanda
4
namapango omuti womusidhari asingaverengeki nokuti vokuSidhoni nevokuTire vakaigira Dhavhidhi musidhari wakawanda kwazvo
5
pamusana pokuti Dhavhidhi aiti, “Mwanangu Soromoni uyu achiri muduku haasati agara nebasa, zvino imba yacho iyi ichavakirwa Tenzi inofanira kuva imba chaiyo yamandiriri, idhume mbiri nomukurumbira nyika yose. Naizvozvo ndichafanoigadzirira.” Nokudaro Dhavhidhi akaunganidza mirwi nemirwi yezvinhu zvokuvakisa asati afa.
6
Akazodaidza mwanakomana wake Soromoni akamuti anofanira kuvakira Tenzi imba, yaTenzi, Mwari weIsiraeri.
7
Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanangu ndakanga ndine pfungwa mumwoyo mangu yokuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu.
8
Asi shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa rakawanda ukarwa hondo dzakakura saka iwe haufaniri kundivakira imba yokuisa zita rangu nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo mumeso mangu panyika.
9
Chinzwa, uchabereka mwana mukomana achava munhu worunyararo. Ndichaita kuti ave norugare navavengi vake nokuti zita rake richanzi Soromoni. Ndichapa rugare norunyararo kuIsiraeri mumazuva ake.
10
Ndiye achavaka imba yokuisa zita rangu. Achava mwana kwandiri ini ndiri baba kwaari. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi muIsiraeri narini wose.’
11
“Zvino Tenzi ngaave newe ugobudirira kuvaka imba yaTenzi, Mwari wako sokutaura kwaakaita nezvako.
12
Chete dai Tenzi akupa ungwaru nokunzwisisa kuitirawo kuti paanozokuti utonge Isiraeri uzochengeta mutemo waTenzi, Mwari wako.
13
Ndopauchabudirira ukange wachenjerera kuchengeta zvirevo nemirao yakatemerwa Mosesi naTenzi kuti ape vaIsiraeri. Shinga utsunge mwoyo usatye kana kurasa mwoyo.
14
Ndakatambudzika kwazvo ini kuunganidza zvinhu zvemba yaTenzi zvinoti: zviuru zvitatu zvematani endarama zvina matani mazana mana nesirivha inorema matani zviuru makumi matatu namana, kwouya ndarira nesimbi isingambozivana nokuti yakawanda kwazvo kwozouya mapango namatombo andakaunganidzawo. Iwe unofanira kuwedzerawo pana izvozvi.
15
Vanhu vokushanda unavo vakawanda vanoti vavezi vamatombo nevokuvaka namatombo navavezi nenyanzwi dzemabasa akasiyana-siyana dzisingaverengeki, mhizha
16
dzendarama nesirivha nendarira nesimbi. Wochiita izvozvo! Tenzi ngaave newe!”
17
Dhavhidhi akaudzawo vatungamiriri vose veIsiraeri kuti vanofanira kubatsira mwanakomana wake Soromoni achiti,
18
“Handiti Tenzi, Mwari wenyu anemi here? Haana kukupai here runyararo kumativi ose? Ndinodaro nokuti akaisa vomuno munyika ino mumaoko angu. Nyika iyoyi yava pasi paTenzi navanhu vake.
19
Zvino pfungwa dzenyu nomwoyo yenyu ngazvichiva pakutsvaka Tenzi, Mwari wenyu. Imi mochitomira muvake nzvimbo inoera yaTenzi Mwari kuitira kuti bhokisi rechitenderano raMwari nemidziyo inoera yaMwari iiswe mumba yakavakirwa kuisa zita raTenzi.”
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29