bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Chronicles 25
1 Chronicles 25
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 26 →
1
Dhavhidhi navakuru vakuru vebasa racho vakasarudzawo vokuita basa, vamwe vevanakomana vokwaAsafu nevokwaHemani nevokwaJedhutuni kuti vave vokuporofita kana kwaridzwa zvipendani namadimbwa namakwakwakwa outare. Mazita avanhu vakanyorwa vokuita basa iri namabasa avo akamira akadai izvi:
2
kuvanakomana vokwaAsafu paiti Zakuri naJosefi naNetaniya naAsharera. Vana vaAsafu vaitungamirirwa naiye Asafu vachizviita vari mumaoko amambo,
3
kune vokwaAjedhutuni, vana vaiye Jedhutuni paiti Gedhariya naZeri naJeshaya naShimei naHashabhiya naMatitiya vari vatanhatu kudaro. Vaingewo vachitungamirirwa nababa wavo Jedhutuni vaiporofitawo kwaridzwa zvipendani vachitenda nokurumbidza Tenzi;
4
kune vokwaHemani, vanakomana vaHemani paiva naBhukiya naMataniya naUzieri kwouya Shubhaeri naJerimoti naHananiya naHanani kwoti Eriyata naGidhariti naRomamitiezeru kwozouya Joshibhekasha naMaroti naHotiri naMahazioti.
5
Vose ivava vaiva vanakomana vaHemani muoni wokwamambo maereranowo nechitsidzo chaMwari chokuvakwidziridza nokuti Mwari aiva apa Hemani vana vakomana gumi navana navana vasikana vatatu.
6
Vose ivava vaitungamirirwa nababa wavo mune zvokuimba izvi mumba yaTenzi vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani pane zvainge zvichiitwa mumba yaMwari. Zvaiitwa naAsafu naJedhutuni naHemani vaizviita vari mumaoko amambo.
7
Uwandi hwavo pamwechete nehama dzavo hwevakanga vadzidziswa kuimbira Tenzi, vose zvavo vaiva noumhisha hwacho vakanga vari mazana maviri ane makumi masere ane vanhu vasere.
8
Vakavagovanisa mabasa avo nechin'ange zvimwechetezvo mukuru nomudiki, mudzidzisi nomudzidzi.
9
Kune vokwaAsafu, pakutanga chin'ange chakaenda kuna Josefi pechipiri kuna Gedhariya iye nehama dzake navanakomana vake, vari gumi navaviri;
10
pechitatu kuna Zakuri, iye navanakomana vake, nehama dzakewo, vari gumi navaviri;
11
pechina kuna Iziri navanakomana vake, nehama dzake, vari gumi navaviri;
12
pechishanu kuna Netaniya navanawo vake vakomana nehama dzakewo, vari gumi navaviri;
13
pechitanhatu kuna Bhukiya navanakomana vakewo nehama dzake, vari gumi navaviri;
14
pechinomwe kuna Jesharera navanakomana vake nehamawo dzake, vari gumi navaviri;
15
pechisere kuna Jeshaya navanakomanawo vake nehama dzake, vari gumiwo navaviri;
16
pechipfumbamwe kuna Mataniya navana vakewo vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri;
17
pechigumi kuna Shimei navana vakomana vake nehama dzake, vari gumi navaviri;
18
pegumi nechiposhi kuna Azareri navana vake vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri;
19
pegumi nechipiri kuna Hashabhiya navanakomana vakewo nehama dzake, vari gumi navaviri;
20
pegumi nechitatu kuna Shubhaeri navanawo vakomana vake nehama dzake, vari gumi navaviri;
21
pegumi nechina kuna Matitiya navanakomana vake nehama dzake, vari gumi navaviri;
22
pegumi nechishanu kuna Jeremoti navanakomanawo vake nehama dzake, vari gumi navaviri;
23
pegumi nechitanhatu kuna Hananiya navanakomana vakewo nehama dzake, vari gumi navaviri;
24
pegumi nechinomwe kuna Joshibhekasha navanakomana vake nehamawo dzake, vari gumi navaviri;
25
pegumi nechisere kuna Hanani navana vake vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri;
26
pegumi nechipfumbamwe kuna Maroti navanawo vake vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri;
27
pechimakumi maviri kuna Eriyata navanakomana vake nehamawo dzake, vari gumi navaviri;
28
pemakumi maviri nechiposhi kuna Hotiri navanawo vake vakomana nehama dzake, vari gumi navaviri;
29
pemakumi maviri nechipiri kuna Gidhariti navanakomana vakewo nehama dzake, vari gumi navaviri;
30
pemakumi maviri nechitatu kuna Mahazioti navana vake vakomana nehamawo dzake, vari gumi navaviri;
31
pemakumi maviri nechina kuna Romamutiezeru navanakomanawo vake nehama dzake, vari gumi navaviri.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29