bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 10
1 Chronicles 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 11 →
1
Ɀino ʋaFiristia ʋakarwa naʋaIsraeri; ʋarume ʋaIsraeri ʋakatiza pamberi paʋaFiristia, ʋakawira pasi ʋaʋurawa pagomo reGirboa.
2
ƲaFiristia ʋakateʋerera Sauro naʋanakomana ʋake kwaɀo, ʋaFiristia ʋakaʋuraya Jonatani, naAbinadabi, naMarkishua, ʋanakomana ʋaSauro.
3
Sauro akakurirwa kwaɀo pakurwa, ʋafuri ʋoʋuta ʋakamuɓata; akatambudzika kwaɀo nokuɗa kwaʋafuri ʋoʋuta.
4
Ipapo Sauro akati kumuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo: Vomora munondo wako, undiɓaye nawo, kuti aʋa ʋasina‐kudziŋgiswa ʋarege kuȿika ʋandiɗaɗire. Asi muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakaŋga acitya kwaɀo. Naiɀoɀo Sauro akatora munondo wake, akaɀiwisira pauri.
5
Ɀino muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati aciʋona kuti Sauro wafa, naiye akaɀiwisira ʋo pamunondo wake, akafa ʋo.
6
Naiɀoɀo Sauro akafa naʋanakomana ʋake ʋatatu; ʋeimba yake yose ʋakafa pamŋe cete.
7
Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋagere pamupata uyo, ʋakati ʋaciʋona kuti ʋatiza, ʋuye kuti Sauro naʋanakomana ʋake ʋafa, iʋo ʋakabva pamaguta aʋo, ʋakatiza; ʋaFiristia ʋakaȿika ʋakagara’mo.
8
Ɀino fume maŋgwana ʋaFiristia ʋakati ʋaciʋuya kuzokunuŋgura ʋakaŋga ʋaʋurawa, ʋakawana Sauro naʋanakomana ʋake ʋatatu ʋakafa pagomo reGirboa.
9
Ʋakamukunuŋgura, ʋakatora musoro wake nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, ʋakatuma nhume kumatiʋi ose enyika yaʋaFiristia, kundoziʋisa ɀifananidzo ɀaʋo naʋanhu ʋaʋo shoko iro.
10
Ʋakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yaʋamŋari ʋaʋo, ʋakasuŋgira musoro wake mumba maDagoni.
11
Ɀino ʋanhu ʋose ʋeJabeshi‐gireadi ʋakati ʋanzwa ɀose ɀakaŋga ɀaitirwa Sauro naʋaFiristia,
12
mhare dzose dzikasimuka, ʋakabvisa citunha caSauro neɀitunha ɀaʋanakomana ʋake ʋakaenda naɀo Jabeshi, ʋakaʋiga mafupa aʋo pasi pomuouki paJabeshi, ʋakaɀinyima ɀokudya mazuʋa manomŋe.
13
Naiɀoɀo Sauro akafa nokuɗa kwokuɗarika kwake kwaakaitira Jehova, ʋuye nokuɗa kweshoko raJehova raasina‐kuceŋgeta; ʋuye nokuti wakatȿaka mano kuȿikiro, kubvunza naro,
14
akasabvunza Jehova; naiɀoɀo wakamuʋuraya, akaisa ʋushe kunaDavidi mŋanakomana waJese.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29