bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 15
1 Chronicles 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 16 →
1
Davidi akaɀiʋakira dzimba muguta raDavidi; akagadzirira areka yaMŋari nɀimbo, akaidzikira tente.
2
Ɀino Davidi akati: Hakunomunhu unofanira kutakura areka yaMŋari asi ʋaRevi; nokuti ndiʋo ʋakatsaurwa naJehova kutakura areka yaMŋari, nokumushumira nokusiŋgaperi.
3
Davidi akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose paJerusarema kuti ʋaise areka yaJehova kunɀimbo yayo, yaakaŋga aigadzirira.
4
Davidi akaʋuŋganidza ʋanakomana ʋaAroni naʋaRevi;
5
pakati paʋanakomana ʋaKohati: Urieri mukuru, nehama dzake dzinezana namakumi maʋiri;
6
pakati paʋanakomana ʋaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzinamazana maʋiri namakumi maʋiri;
7
pakati paʋanakomana ʋaGershomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzinezana namakumi matatu.
8
pakati paʋanakomana ʋaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzinamazana maʋiri;
9
pakati paʋanakomana ʋaHebroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzinamakumi masere;
10
pakati paʋanakomana ʋaUzieri: Aminadabi mukuru, nehama dzake dzinezana negumi naʋaʋiri.
11
Davidi akaɗana Zadoki naAbiyatari ʋaprista, naʋaRevi ʋaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadabi.
12
Akati kwaʋari: Ndimi ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi; ciɀinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehova Mŋari waIsraeri, kunɀimbo yandakaigadzirira.
13
Nokuti nemhaka yokuti hamuna kuitakura pakutaŋga, Jehova Mŋari weɗu wakatiroʋa, nokuti hatina‐kumutȿaka seɀatakarairwa.
14
Naiɀoɀo ʋaprista naʋaRevi ʋakaɀinatsa, kuti ʋakwire neareka yaJehova Mŋari waIsraeri.
15
Ʋana ʋaRevi ʋakatakura areka yaMŋari pamafudzi aʋo namatanda akaŋga ari’po, seɀa ʋa karairwa naMosesi neshoko raJehova.
16
Davidi akataura naʋakuru ʋaʋaRevi kuti ʋagadze hama dzaʋo ʋaʋe ʋaimbi ʋaneɀokuridza naɀo, ɀaiti miteŋgeraŋwa, nembira, namakandira, ʋaɀiridze nesimba nokuimbisa nomufaro.
17
Ipapo ʋaRevi ʋakagadza Hemani mŋanakomana waJoeri; napakati pehama dzake, Asafi mŋanakomana waBerekia; napakati paʋanakomana ʋaMerari, hama dzaʋo, Etani mŋanakomana waKushaya;
18
ʋuye pamŋe cete naʋo hama dzaʋo dzeɓoka recipiri, Zekaria, naBeni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabi, naBenaya, naMaaseya, naMatitiya, naEriferehu, naMikneya, naObedi‐edomi, naJeieri, ʋatariri ʋemikoʋa.
19
Saiɀoɀo ʋo ʋaimbi ʋaiti Hemani, naAsafi, naEtani, ʋakagadzwa, ʋanamakandira endarira kuti ʋaaridze nesimba;
20
naZekaria, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabi, naMaaseya, naBenaya, ʋanemiteŋgeraŋwa inamanzwi matete;
21
naMatitiya, naEriferehu, naMikneya, naObedi‐edomi, naJeieri, naAzaziya, ʋanembira dzinamanzwi makobvu kutuŋgamirira ʋamŋe.
22
Kenaniya mukuru waʋaRevi, ndiye waiimbisa ʋanhu; ndiye waidzidzisa ʋanhu kuimba, nokuti wakaŋga aciziʋa iɀoɀo.
23
Berekia naErkana ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋemikoʋa yeareka.
24
Shebanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekaria, naBenaya, naEriezeri, ʋaprista, ndiʋo ʋairidza hwamanda pamberi peareka yaMŋari; Obedi‐edomi naJehiya ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋemikoʋa yeAreka.
25
Ɀino Davidi naʋakuru ʋaIsraeri, naʋakuru ʋecuru camazana, ʋakandobvisa areka yesuŋgano yaJehova mumba maObedi‐edomi nomufaro.
26
Ɀino Mŋari wakati aciɓatsira ʋaRevi ʋakaŋga ʋacitakura areka yesuŋgano yaJehova, ʋakaɓayira Mŋari nzombe nomŋe namakondobge manomŋe.
27
Davidi wakaŋga akafuka ŋguʋo yomuceka wakanaka, naʋaRevi ʋose ʋakaŋga ʋacitakura areka, naʋaimbi, naKenaniya, mudzidzisi wokuimba, pamŋe cete naʋaimbi; ʋuye Davidi wakaŋga akafuka efodi yomuceka.
28
Saiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakakwira neareka yesuŋgano yaJehova ʋacipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, ʋaciridza ɀikuru miteŋgeraŋwa nembira.
29
Ɀino areka yesuŋgano yaJehova yakati iciȿika muguta raDavidi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napawindi, akaʋona mambo Davidi acipembera nokutamba; akamushoʋora mumŋoyo make.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29