bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 17
1 Chronicles 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 18 →
1
Ɀino Davidi wakati agere mumba make, Davidi akati kumuprofita Natani: Tarira, ini ndigere muimba yomusidari, asi areka yesuŋgano yaJehova igere pasi pemiceka.
2
Natani akati kunaDavidi: Itai henyu ɀose ɀiri mumŋoyo menyu, nokuti Mŋari unemi.
3
Ɀino noʋusiku ubgo shoko raMŋari rakaȿika kunaNatani, riciti:
4
Enda undoʋudza Davidi muranda waŋgu, uti: Iwe hauŋgandiʋakiri imba mandiŋgagara;
5
nokuti handina‐kugara mumba kubva pazuʋa randakandotora ʋaIsraeri, kuȿikira zuʋa ranhasi; asi ndakabva patente rimŋe ndicienda kunerimŋe, napatabernakeri imŋe ndicienda kuneimŋe.
6
Pose pandakafamba naʋaIsraeri ʋose, ndakatoŋgotaura here shoko rimŋe kunomumŋe waʋatoŋgi ʋaIsraeri ʋose, ʋandakaraira kufudza ʋanhu ʋaŋgu, ndiciti: Makaregereiko kundiʋakira imba yomusidari?
7
Naiɀoɀo ɀino, unofanira kuti kumuranda waŋgu Davidi: Ɀanzi naJehova wehondo: Ndakakutora kumafuro, kwawakaŋga ucifudza makwai, kuti uʋe muɓati waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri;
8
ndikaʋa newe pose pawakafamba, ndikaparadza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose pamberi pako; ndicakuitira zita riŋgafanana namazita aʋakuru ʋari panyika.
9
Ndicagadzirira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri nɀimbo, ndicaʋasima, ʋagare panɀimbo yaʋo, ʋarege kubviswa ɀe; naʋakaipa haʋaŋgaʋaparadzi ɀe sapakutaŋga,
10
nokubva pazuʋa randakaraira ʋatoŋgi kuti ʋaɓate ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; ʋuye ndicakunda ʋaʋeŋgi ʋako ʋose. Ʋuye ndinokuʋudza kuti Jehova ucakumisira imba.
11
Ɀino kana ŋguʋa yako yaȿika, yaunofanira kuenda nayo kunamadziɓaɓa ako, ndicamutsa mumŋe worudzi rwako rucakuteʋera, ucaʋa mumŋe waʋanakomana ʋako; ndicasimbisa ʋushe bgake.
12
Iye ucandiʋakira imba, neni ndicasimbisa cigaro cake coʋushe nokusiŋgaperi.
13
Ini ndicaʋa ɓaɓa ʋake, naiye ucaʋa mŋanakomana waŋgu; handiŋgabvisi nyasha dzaŋgu kwaari, seɀandakadzibvisa kunaiye wakakutaŋgira;
14
asi ndicamugarisa mumba maŋgu nomuʋushe bgaŋgu nokusiŋgaperi; cigaro cake coʋushe cicasimbiswa nokusiŋgaperi.
15
Natani akaʋudza Davidi mashoko awa ose, neɀose ɀaakaratidzwa.
16
Ipapo mambo Davidi akapinda, akagara pamberi paJehova, akati: Jehova Mŋari, ndini aniko, neimba yaŋgu cinyiko, ɀamakandiȿitsa kuȿikira pano?
17
Asi cinhu ici cakaŋga ciri ciɗuku pamberi penyu, Mŋari, asi makataura pamsoro peimba yomuranda wenyu kuȿikira paŋguʋa huru inozoʋuya, mukandiitira seɀinoitirwa munhu unokudzwa kwaɀo, Jehova Mŋari.
18
Davidi uŋgareʋeiko ɀe kwamuri pamsoro pokukudzwa kwomuranda wenyu? Nokuti munoziʋa muranda wenyu.
19
Jehova, makaita iɀi ɀikuru ɀose nokuɗa kwomuranda wenyu, ʋuye nokuɗa kwomŋoyo wenyu, kuti muziʋise ɀinhu iɀi ɀose ɀikuru.
20
Jehova, hakunomumŋe wakafanana nemi, hakunomumŋe Mŋari asi imi moga, seɀatakanzwa ɀose nenzeʋe dzeɗu.
21
Rumŋe rudzi ruripiko panyika rwakafanana naʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋakandodzikinurwa naMŋari, ʋaʋe ʋanhu ʋake, kuti imi mukurumbire neɀinhu ɀikuru neɀinotyisa, ɀamakadziŋga ndudzi pamberi paʋanhu ʋenyu, ʋamakadzikinura paEgipita?
22
Nokuti ʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri makaʋaita ʋanhu ʋenyu paruzima nokusiŋgaperi; imi Jehova mukaʋa Mŋari waʋo.
23
Ɀino Jehova, shoko ramakataura pamsoro pomuranda wenyu napamsoro peimba yake ŋgarisimbiswe nokusiŋgaperi, muite seɀamakataura.
24
Ʋuye zita renyu ŋgarisimbiswe nokukudzwa nokusiŋgaperi, ɀicinzi: Jehova wehondo ndiye Mŋari waIsraeri, ndiye Mŋari kunaIsraeri; imba yaDavidi muranda wenyu icamiswa pamberi penyu.
25
Nokuti imi, Mŋari waŋgu, makaziʋisa muranda wenyu kuti mucamumisira imba; saka muranda wenyu wakatsuŋga kunyeŋgetera pamberi penyu.
26
Ɀino Jehova, ndimi Mŋari, makapikira muranda wenyu cinhu ici;
27
ɀino makafara naɀo kuropafadza imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri’po pamberi penyu nokusiŋgaperi; nokuti imi Jehova makairopafadza, ɀino icaropafadzwa nokusiŋgaperi.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29