bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 11
1 Chronicles 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 12 →
1
Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakaʋuŋgana kunaDavidi paHebroni, ʋakati: Tarirai, isu tiri mafupa enyu nenyama yenyu.
2
Kare, kunyaŋge Sauro akaŋga ari mambo, ndimi maiɓuɗa nokupinda naIsraeri; Jehova Mŋari wenyu akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waIsraeri.
3
Naiɀoɀo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaenda kunamambo paHebroni, Davidi akaita suŋgano paHebroni pamberi paJehova; iʋo ʋakazodza Davidi, kuti aʋe mambo waIsraeri, seɀakaŋga ɀarebga naJehova nomuromo waSamueri.
4
Davidi naʋaIsraeri ʋose ʋakakwira Jerusarema (ndiro Jebusi); ɀino ʋaJebusi, ʋanhu ʋenyika iyo, ʋakaŋga ʋari’po.
5
Ipapo ʋanhu ʋaigara paJebusi ʋakati kunaDavidi: Hauŋgapindi pano. Asi Davidi wakakunda nhare yeZioni; ndiro guta raDavidi.
6
Ipapo Davidi akati: Unotaŋga kuɓaya ʋaJebusi ndiye ucaʋa mutuŋgamiriri nomukuru. Ɀino Joabi mŋanakomana waZeruya akataŋga kukwira, akaitwa mutuŋgamiriri.
7
Davidi akagara panhare; naiɀoɀo ʋakaritumidza zita rinonzi guta raDavidi.
8
Akaʋaka guta kumatiʋi ose, kubva paMiro kuȿikira kumatiʋi ose; Joabi akagadzira ɀimŋe ɀeguta.
9
Davidi akaramba acikura, nokuti Jehova wehondo waiʋa naye.
10
Ɀino ndiʋo ʋakuru ʋaʋarume ʋanesimba ʋaiʋa naDavidi, ʋaimusimbisa paʋushe bgake, pamŋe cete naʋaIsraeri ʋose, kuti ʋamugadze aʋe mambo, seɀakarebga naJehova pamsoro paIsraeri.
11
Ndiko kuwanda kwaʋarume ʋanesimba ʋaiʋa naDavidi: Jashobeami mŋanakomana womuHakmoni, mukuru waʋanamakumi matatu; iye wakasimudza pfumo rake akarwa naʋanamazana matatu, akaʋaʋuraya neŋguʋa imŋe.
12
Wakamuteʋera wakaŋga ari Ereazari, mŋanakomana waDodo muAhohi, mumŋe waʋarume ʋatatu ʋaiʋa nesimba.
13
Iye wakaŋga anaDavidi paPasi‐damini; ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana’po kuzorwa paɓindu rakaŋga rizere nebari; ʋanhu ʋakatiza pamberi paʋaFiristia.
14
Ʋakamira pakati peɓindu, ʋakarirwira, ʋakaʋuraya ʋaFiristia, Jehova akaʋarwira nokukunda kukuru.
15
Ɀino ʋatatu ʋaʋakuru ʋaʋanamakumi matatu ʋakaɓurukira kuɗombo kunaDavidi kuɓako reAdurami; ɀino hondo yaʋaFiristia yakaŋga yadzika matente pamupata weRefaimi.
16
Ɀino neŋguʋa iyo Davidi wakaŋga ari munhare, ʋuye ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia raiʋa paBeti‐rehemi neŋguʋa iyo.
17
Davidi akapaŋga, akati: Haiwa! ɗai mumŋe acindipa mvura yetsime reBeti‐rehemi, riri pasuʋo, ndinwe!
18
Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yaʋaFiristia, ʋakandoteka mvura patsime reBeti‐rehemi, riri pasuʋo, ʋakaitora, ʋakaʋuya nayo kunaDavidi; asi Davidi wakaramba kuinwa, akaiɗururira kunaJehova,
19
akati: Mŋari waŋgu ŋgaandidziʋise, ndirege kuita cinhu ici! Ndiŋganwa ropa raʋarume aʋa ʋakaenda ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo here? Nokuti ʋakaʋuya nayo ʋasiŋgaraŋgariri ʋupenyu bgaʋo. Naiɀoɀo akaramba kuinwa. Ndiɀo ɀakaitwa nemhare idzo nhatu.
20
Abishai munuŋuna waJoabi, ndiye wakaŋga ari mukuru waʋatatu aʋo, nokuti wakasimudza pfumo rake akarwa naʋanamazana matatu, akaʋaʋuraya; akaʋa nomukurumbira pakati paʋatatu aʋo.
21
Pakati paʋatatu ndiye wakaŋga anembiri kukunda ʋamŋe ʋaʋiri, akaʋa mukuru waʋo; asi haana‐kuenzana naʋatatu ʋokutaŋga.
22
Benaya mŋanakomana waJehoyada, mŋanakomana wemhare weKabzeeri, wakaŋga aita maɓasa makuru, iye wakaʋuraya ʋanakomana ʋaʋiri ʋaArieri waMoabi, akandoʋuraya ʋo shumba mukati mehunza paŋguʋa yecando.
23
Akaʋuraya ʋo muEgipita, murume wakaŋga akakura kwaɀo wakaȿika makubiti mashanu; muEgipita uyu wakaŋga akaɓata pfumo muruʋoko rwake, asi iye wakaɓurukira kwaari akaɓata tȿimbo, akabvuta pfumo muruʋoko rwomuEgipita, akamuʋuraya nepfumo rake iro.
24
Ɀinhu iɀi ɀakaitwa naBenaya mŋanakomana waJehoyada, wakaŋga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
25
Tarirai, iye wakaŋga anembiri kukunda ʋanamakumi matatu, asi haana‐kuenzana naʋatatu ʋokutaŋga. Davidi akamuita mutariri waʋarindi ʋake.
26
Mhare dzehondo dzaiʋa: Asaheri munuŋuna waJoabi, naErhanani mŋanakomana waDodo weBeti‐rehemi;
27
naShamoti muHarori, naHerezi muPeroni;
28
naIra mŋanakomana waIkeshi muTekoi, naAbiezeri muAnatoti;
29
naSibekai muHushati, naIrai muAhohi;
30
naMaharai muNetofati, naHeredi mŋanakomana waBaana muNetofati;
31
naItai mŋanakomana waRibai weGibea waʋana ʋaBenjamini, naBenaya muPiratoni;
32
naHurai wehoʋa dzeGaashi, naAbieri muArbati;
33
naAzmaveti muBaharumiti, naEriaba muShaarboni;
34
naʋanakomana ʋaHashemi muGizoni, naJonatani mŋanakomana waShage muHarari,
35
naAhiami mŋanakomana waSakari muharari, naErifari mŋanakomana waUri;
36
naHeferi muMekerati, naAhiya muPeroni;
37
naHezro muKarmeri, naNaarai mŋanakomana waEzbai;
38
naJoeri munuŋuna waNatani, naMibhari mŋanakomana waHagri;
39
naZereki muAmoni, naNaharai muBeeroti, muɓati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabi mŋanakomana waZeruya;
40
naIra muItri, naGarebi muItri;
41
naUria muHiti, naZabadi mŋanakomana waArai;
42
naAdina mŋanakomana waShiza muRubeni, mukuru waʋaRubeni, naʋanamakumi matatu naye;
43
naHanani mŋanakomana waMaaka, naJoshafati muMitni;
44
naUzia muAshterati, naShama naJeieri ʋanakomana ʋaHotami muAroeri;
45
naJediaeri mŋanakomana waShimri, naJoha munuŋuna wake, muTizi;
46
naErieri muMahavi, naJeribai, naJoshavia, ʋanakomana ʋaErnaami, naItma muMuabi;
47
naErieri, naObedi, naJaasieri muMezoba.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29