bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 28
1 Chronicles 28
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 29 →
1
Ɀino Davidi wakaʋuŋganidza paJerusarema macinda ose aIsraeri, macinda amarudzi, naʋakuru ʋamapoka aiɓatira mambo vaciita mapoka, naʋakuru ʋeɀuru, naʋakuru ʋamazana, naʋatariri ʋenhumbi dzose nefuma yose yamambo naʋanakomana ʋake, pamŋe cete naʋaranda naʋanesimba, ʋarume ʋose ʋoʋumhare.
2
Ipapo mambo Davidi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati: Cindinzwai hama dzaŋgu, naʋanhu ʋaŋgu! Kana ndirini, ndakaŋga ndiciti mumŋoyo maŋgu ndicaʋakira areka yesuŋgano yaJehova necitsiko caMŋari weɗu imba yokuzorora; ɀino ndakaŋga ndagadzira ɀose ɀokuʋaka naɀo.
3
Asi Mŋari wakati kwandiri: Iwe haufaniri kuʋakira zita raŋgu imba, nokuti uri munhu wokurwa, wakateʋura ropa.
4
Asi Jehova, Mŋari waIsraeri, wakanditsaura paimba yose yaɓaɓa ʋaŋgu kuti ndiʋe mambo waIsraeri nokusiŋgaperi; nokuti wakatsaura Juda kuti aʋe mutuŋgamiriri; paimba yaJuda akatsaura imba yaɓaɓa ʋaŋgu; pakati paʋanakomana ʋaɓaɓa ʋaŋgu wakandifarira ini, akandiita mambo waʋaIsraeri ʋose.
5
Ɀino pakati paʋanakomana ʋaŋgu ʋose (nokuti Jehova wakandipa ʋanakomana ʋazhinji) wakatsaura mŋanakomana waŋgu Soromoni, kuti agare pacigaro coʋushe caJehova munaIsraeri.
6
Akati kwandiri: Soromoni mŋanakomana wako ndiye ucaʋaka imba yaŋgu neʋazhe dzaŋgu; nokuti ndakamutsaura kuti aʋe mŋanakomana waŋgu, neni ndicaʋa ɓaɓa ʋake.
7
Ndicasimbisa ʋushe bgake nokusiŋgaperi, kana iye acitsuŋgirira kuita ɀandakaraira neɀandakatoŋga, seɀaanoita nhasi.
8
Naiɀoɀo ɀino, pamberi paʋaIsraeri ʋose, neʋuŋgano yose yaJehova, Mŋari weɗu aciɀinzwa, ceŋgetai nokutȿaka mirairo yose yaJehova Mŋari wenyu; kuti nyika ino yakanaka iʋe yenyu, mugoisiyira ʋana ʋenyu ʋanokuteʋerai, iʋe nhaka yaʋo nokusiŋgaperi.
9
Ɀino iwe Soromoni, mŋanakomana waŋgu, ziʋa Mŋari waɓaɓa ʋako, umushumire nomŋoyo wakarurama, ʋuye nomŋeya unoɗa kwaɀo; nokuti Jehova unonɀera mŋoyo yose, unonzwisisa ndaŋgariro dzose dzemifuŋgo; kana ukamutȿaka, iye ucawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye ucakurasha nokusiŋgaperi.
10
Ɀino cenjera, nokuti Jehova wakakutsaura, kuti uʋake imba iʋe nɀimbo tȿene; ciʋa nesimba, uɀiite.
11
Ipapo Davidi akapa mŋanakomana wake Soromoni mufananidzo weɓiraʋira retembere, nedzimba dzaro, neɀiʋigiro ɀefuma yaro, namakamuri aro okumsoro, namakamuri aro omukati, neimba yecifunhiro cokuyananisa;
12
nemifananidzo yeɀose yakaŋga iri mumŋeya wake, yeʋazhe dzeimba yaJehova, neyamakamuri ose anokomberedza, neyeɀiʋigiro ɀefuma yeimba yaMŋari, neyeɀiʋigiro ɀefuma yenhumbi dzakatsaurwa;
13
neyamapoka aʋaprista naʋaRevi, neyamaɓasa ose eimba yaJehova, neyenhumbi dzose dzokuɓata nadzo paimba yaJehova;
14
neyendarama, kurema kwayo, yokuʋumba nayo nhumbi dzendarama, nhumbi dzose dzamarudzi ose amaɓasa; neyesirʋeri, kurema kwayo, yokuʋumba nayo nhumbi dzose dzesirveri, nhumbi dzose dzamarudzi ose amaɓasa;
15
nokurema ʋo kwendarama yokuʋumba nayo ɀigadziko ɀendarama, nemŋenje yaɀo, kurema kwecigadziko cimŋe necimŋe nemŋenje yaco; nesirʋeri, kurema kwayo, yokuʋumba nayo ɀigadziko ɀesirveri, cigadziko cimŋe necimŋe nemŋenje yaco, seɀakakwanira ɓasa recigadziko cimŋe necimŋe;
16
nendarama, kurema kwayo, yokuʋumba nayo tafura dzeɀiŋgwa ɀokuratidza, yetafura imŋe neimŋe; nesirveri yetafura dzesirveri;
17
neɀikokoʋonho ɀenyama, nendiro, nemikombe ɀendarama yakaiȿo‐naka; nemidziyo yendarama, kurema kwomudziyo mumŋe nomumŋe; nemidziyo yesirveri, kurema kwomudziyo mumŋe nomumŋe;
18
nokurema kwendarama yakanatswa yeartari yeɀinonhuwira; nendarama yomufananidzo weŋgoro, wamakerubi akatambanudza mapapiro awo, acifukidza areka yesuŋgano yaJehova.
19
Iɀi ɀose, ndiɀo ɀakataura Davidi, ndakaɀiziʋiswa ɀakanyorwa noruʋoko rwaJehova, iwo maɓasa ose omufananidzo uyu.
20
Ɀino Davidi akati kunaSoromoni mŋanakomana wake: Simba, utsuŋge mŋoyo, uɀiite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehova Mŋari, iye Mŋari waŋgu, unewe; haaŋgakuregi, kana kukusiya, kuȿikira maɓasa ose okushumira nawo paimba yaJehova apedzwa.
21
Ɀino tarira, ndiwo mapoka aʋaprista naʋaRevi, ʋaŋgaɓata maɓasa ose eimba yaMŋari; ʋuye ɀe pamaɓasa ose ucaʋa nemhizha dzose dzinoɗa kuɓata nomŋoyo wadzo maɓasa amarudzi ose; naʋakuru naʋanhu ʋose ʋacaterera cose mirairo yako.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29