bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 29
1 Chronicles 29
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
1
Ɀino mambo Davidi wakati kuʋuŋgano yose: Mŋanakomana waŋgu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMŋari, uciri muɗuku usinesimba, asi ɓasa iguru; nokuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehova Mŋari.
2
Ɀino ini nesimba raŋgu rose ndakagadzirira imba yaMŋari waŋgu ndarama yokuʋumba nayo ɀinhu ɀendarama, nesirveri yeɀinhu ɀesirveri, nendarira yeɀinhu ɀendarira, namatare eɀinhu ɀamatare, namatanda eɀinhu ɀamatanda; neɀibge ɀeoniksi, neɀibge ɀokuisa mukati, neɀibge ɀoʋukomba, neɀinamaʋara‐maʋara, namamŋe marudzi mazhinji eɀibge ɀinokosha, namabge macena akawanda.
3
Ʋuye ɀe, ɀandakaɗa ɀikuru imba yaMŋari waŋgu, ini ɀandinefuma yaŋgu pacaŋgu yendarama nesirveri, ndinoɀipa imba yaMŋari waŋgu, ndiciwedzera paneɀose ɀandakagadzirira imba tȿene;
4
ɀinoti, matarenta endarama aneɀuru ɀitatu, endarama yeOfiri, namatarenta akanatswa esirveri aneɀuru ɀinomŋe, kufukidza madziro eimba naɀo;
5
nendarama yokuʋumba nayo ɀinhu ɀendarama, nesirveri yeɀinhu ɀesirveri, neɀamaɓasa ose anofanira kuitwa namaʋoko aʋapfuri. Ɀino ndianiko unoɗa kupa nhendo dzake nomŋoyo wake wose kunaJehova nhasi?
6
Ipapo macinda edzimba dzamadziɓaɓa, namacinda amarudzi aIsraeri, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, pamŋe cete naʋatariri ʋamaɓasa amambo ʋakapa nomŋoyo waʋo wose;
7
ʋakapa kuɓate‐ɓasa reimba yaMŋari ndarama, matarenta aneɀuru ɀishanu, namadariki aneɀuru ɀinegumi, nesirveri, matarenta aneɀuru ɀinegumi, nendarira, matarenta aneɀuru ɀinegumi neɀisere, namatare, matarenta aneɀuru ɀinezana.
8
Ʋakaŋga ʋaneɀibge ɀinokosha ʋakaɀipa ɀiiswe pafuma yeimba yaJehova, ɀicitarirwa naJehieri muGershoni.
9
Ipapo ʋanhu ʋakafara ɀaʋakapa nomŋoyo wose, nokuti ʋakapa Jehova nomŋoyo wose wakarurama; namambo Davidi ʋo wakafara nomufaro mukuru.
10
Ɀino Davidi akakudza Jehova pamberi peʋuŋgano yose; Davidi akati: Imi mukudzwe, Jehova, Mŋari waIsraeri ɓaɓa ʋeɗu nokusiŋgaperi.
11
Ʋukuru ndobgenyu, Jehova, nesimba, nokubginya, nokukunda, noʋumambo; nokuti ɀose ɀiri kuɗeŋga neɀiri pasi nde‐ɀenyu; ʋushe ndobgenyu, Jehova, makakudzwa muri musoro weɀose.
12
Fuma nokukudzwa ɀinobva kwamuri, imi munoɓata ʋushe pamsoro peɀose; paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe; ruʋoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa ʋose simba.
13
Saka ɀino Mŋari weɗu, tinokuʋoŋgai nokurumbidza zita renyu rinobginya.
14
Asi ini ndini ani, naʋanhu ʋangu cinyiko, ɀatiŋgagona kupa nomŋoyo wose kuɗai? Nokuti ɀose ɀinobva kwamuri, takaŋgokupai ɀakabva paruʋoko rwenyu.
15
Nokuti tiri ʋaeni pamberi penyu naʋatorwa, seɀakaŋga ɀakaita madziɓaɓa eɗu; mazuʋa eɗu panyika akafanana nomumvuri, hakunetariro.
16
Jehova Mŋari weɗu, iɀi ɀose ɀakawanda ɀatakagadzira kukuʋakirai imba yezita renyu dɀene, ɀinobva paruʋoko rwenyu, ɀose ndeɀenyu;
17
ndinoziʋa ʋo Mŋari waŋgu, kuti imi munoidza mŋoyo, munofarira kururama. Kana ndirini, ndakapa iɀi ɀose nomŋoyo wakarurama nomŋoyo wose; ɀino ndakafara ndiciʋona ʋanhu ʋenyu ʋari pano ʋacikupai nomŋoyo wose.
18
Jehova Mŋari waAbrahama, naIsaka, naIsraeri, madziɓaɓa eɗu, garisai iɀi nokusiŋgaperi pandaŋgariro dzemifuŋgo yemŋoyo yaʋanhu ʋenyu; rereʋudzai mŋoyo yaʋo kwamuri;
19
ipai Soromoni mŋanakomana waŋgu mŋoyo wakarurama, kuti aceŋgete mirairo yenyu, neɀipupuriro ɀenyu, neɀamakatema, kuti aite ɀinhu iɀi ɀose, aʋake imba huru yandakagadzirira ɀose.
20
Ipapo Davidi akati kuʋuŋgano yose: Ɀino kudzai Jehova Mŋari wenyu. Ipapo ʋuŋgano yose yakakudza Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata kunaJehova namambo.
21
Ʋakaɓayira Jehova ɀiɓayiro, ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa kunaJehova maŋgwanani pazuʋa rakateʋera, ɀaiti: Nzombe dzinecuru cimŋe, namakondobge anecuru cimŋe, namakwaiana anecuru cimŋe, pamŋe cete neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, neɀiɓayiro ɀakawanda ɀaʋaIsraeri ʋose;
22
ʋakadya, ʋakanwa pamberi paJehova nomufaro mukuru nezuʋa iro. Ʋakaita Soromoni mŋanakomana waDavidi mambo rwecipiri, ʋakamuzodzera Jehova aʋe mutuŋgamiriri, naZadoki aʋe muprista.
23
Ipapo Soromoni akagara pacigaro coʋushe caJehova akaʋa mambo panɀimbo yaDavidi ɓaɓa ʋake, akafambiswa ɀakanaka; ʋaIsraeri ʋose ʋakamuterera.
24
Macinda ose, naʋanhu ʋose ʋanesimba, naʋanakomana ʋose ʋamambo Davidi ʋakaɀiisa pasi pamambo Soromoni.
25
Jehova akakudza Soromoni kwaɀo‐kwaɀo pamberi paʋaIsraeri ʋose, akamupa ʋumambo bgakakura, ʋusina‐kumbopiwa mumŋe mambo waIsraeri wakamutaŋgira.
26
Ɀino Davidi mŋanakomana waJese wakaɓata ʋaIsraeri ʋose paʋushe bgake.
27
Ŋguʋa yaakaɓata ʋushe bgaIsraeri aiʋa makore anamakumi manna; wakaɓata ʋushe paHebroni makore manomŋe, napaJerusarema wakaɓata ʋushe makore makumi matatu namatatu.
28
Akazofa akwegura kwaɀo, aʋa namakore mazhinji, nefuma, nokukudzwa; Soromoni mŋanakomana wake akaɓata ʋushe panɀimbo yake.
29
Ɀino maɓasa amambo Davidi, okutaŋga nookupedzisira, tarirai, akanyorwa pamashoko omuʋoni Samueri, napamashoko omuprista Natani, napamashoko omuʋoni Gadi;
30
pamŋe cete namashoko oʋushe bgake, nesimba rake, neɀaakaitirwa paŋguʋa dzose, iye, naʋaIsraeri, noʋushe bgose bgedzimŋe nyika.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29