bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 12
1 Chronicles 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 13 →
1
Aʋa ndiʋo ʋakaenda kunaDavidi paZikragi, acakaʋanda nokuɗa kwaSauro mŋanakomana waKishi; iʋo ʋaiʋa mhare, ʋaimuɓatsira pakurwa.
2
Ʋakaŋga ʋakaɓata ʋuta, ʋuye ʋaigona kuposha mabge nemiseʋe noʋuta noruʋoko rworudyi kana rworuɓoshwe ʋo; dzaiʋa hama dzaSauro ʋokwaBenjamini.
3
Mukuru wakaŋga ari Ahiezeri, teʋere Joashi, ʋanakomana ʋaShemaa muGibeati; naJezieri, naPereti, ʋanakomana ʋaAzmaveti; naBeraka, naJehu muAnatoti;
4
naIshmaya muGibeoni, mhare pakati paʋanamakumi matatu, wairaira ʋanamakumi matatu; naJeremia, naJahazieri, naJohanani, naJozabadi muGederati;
5
naEruzai, naJerimoti, naBearia, naShemaria, naShefatia muHarufi;
6
naErkana, naIshiya, naAzareri, naJoezeri, naJashobeami, ʋaKora;
7
naJoera, naZebadia ʋanakomana ʋaJehorami muGedori.
8
Ʋamŋe ʋaʋaGadi ʋakaɀiraʋura ʋo, ʋakaenda kunaDavidi kunhare kurenje, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋarume ʋakaŋga ʋadzidza kurwa, ʋakaŋga ʋacigona kuɓata nhoʋo nepfumo; ɀiso ɀaʋo ɀakaŋga ɀakaita seɀeshumba, ʋuye ʋaimhanya semharapara pamakomo;
9
Ezeri wakaŋga ari mukuru, wecipiri Obadia, wecitatu Eriabi;
10
wecinna Mismana, weshanu Jeremia;
11
wetanhatu Atai, wecinomŋe Erieri;
12
worusere Johanani, wepfumbamŋe Erzabadi;
13
wegumi Jeremia; wegumi nomumŋe Makbanai.
14
Ndiʋo kuʋana ʋaGadi ʋaiʋa ʋakuru ʋehondo; muɗuku kwaʋari wakaŋga akaenzana naʋanezana, nomukuru naʋanecuru cezana.
15
Ndiʋo ʋakayambuka Joridani pamŋedzi wokutaŋga, paŋguʋa yarwakafashamira kunhiʋi dzarwo dzose; ʋakadziŋga ʋose ʋakaŋga ʋagere pamipata, kumabvazuʋa nokumaʋirira.
16
Naʋamŋe ʋana ʋaBenjamini naʋaJuda ʋakaenda ʋo kunaDavidi munhare.
17
Davidi akaɓuɗa akasoŋgana naʋo, akapindura, akati kwaʋari: Kana maʋuya kwandiri norugare kuzondiɓatsira, mŋoyo waŋgu ucaʋa nemi; asi kana maʋuya kuzondinyeŋgera, kundiisa kuʋadziʋisi ʋaŋgu, kunyaŋge ndisineɀakaipa pamaʋoko aŋgu, Mŋari wamadziɓaɓa eɗu ŋgaaɀiʋone, akutukei pamsoro paɀo.
18
Ipapo mŋeya wakaʋuya pamsoro paAmasai waiʋa mukuru waʋanamakumi matatu, akati: Tiri ʋanhu ʋenyu, Davidi, tiri kurutiʋi rwenyu, mŋanakomana waJese! Rugare, rugare ŋgaruʋe nemi, rugare ŋgaruʋe naʋaɓatsiri ʋenyu; nokuti Mŋari wenyu unokuɓatsirai. Ipapo Davidi akaʋagamucira, akaʋaita ʋakuru ʋeɓoka.
19
KwaManase ʋo ʋakabva ʋamŋe, ʋakaenda kunaDavidi, ŋguʋa yaakaenda naʋaFiristia kundorwa naSauro, asi haʋana‐kuʋaɓatsira; nokuti madzishe aʋaFiristia akaraŋgana, akamudzosa, aciti: Ucatinyeŋgera, acienda kunatenzi wake Sauro, misoro yeɗu ikaʋa panjodzi.
20
Ɀino wakati acienda Zikragi, ʋamŋe ʋaManase ʋakabva, ʋakaȿika kwaari, ʋaiti, Adna, naJozabadi, naJediaeri, naMikaeri, naJozabadi, naErihu, naZiretai, ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋecuru camazana pakati paManase.
21
Ʋakaɓatsira Davidi pakurwa neɓoka ramakororo; nokuti ʋose ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋanesimba noʋumhare, naʋakuru pahondo.
22
Zuʋa rimŋe nerimŋe ʋamŋe ʋakaȿika kunaDavidi kuzomuɓatsira, kuȿikira yaʋa hondo huru, sehondo yaMŋari.
23
Ndiko kuwanda kwaʋakuru ʋakashoŋgera kurwa, ʋakaenda kunaDavidi paHebroni, kuzodzosera ʋushe bgaSauro kwaari, seɀakarebga naJehova.
24
Ʋana ʋaJuda, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhoʋo nepfumo, ʋaiʋa neɀuru ɀitanhatu namazana masere, ʋakaŋga ʋakashoŋgera kurwa.
25
Kuʋana ʋaSimeoni ʋarume ʋanesimba noʋumhare pakurwa ʋaiʋa neɀuru ɀinomŋe nezana rimŋe.
26
Kuʋana ʋaRevi ʋaiʋa neɀuru ɀinna namazana matanhatu.
27
Jehoyada waiʋa mutuŋgamiriri weimba yaAroni; ʋakaŋga ʋanaye ʋaiʋa neɀuru ɀitatu namazana manomŋe;
28
naZadoki, jaya raiʋa nesimba noʋumhare, naʋeimba yaɓaɓa ʋake, ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋaʋiri.
29
Kuʋana ʋaBenjamini, hama dzaSauro, ɀuru ɀitatu; nokuti kuȿikira paŋguʋa iyo ʋazhinji ʋaʋo ʋakaramba ʋakanamatira imba yaSauro.
30
Kuʋana ʋaEfraimi ɀuru ɀinamakumi maʋiri namazana masere, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋakaŋga ʋanembiri padzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
31
Kuhafu yorudzi rwaManase, ɀuru ɀinegumi neɀisere, ʋakaŋga ʋakanyorwa mazita aʋo, ʋakaȿika kuzoita Davidi mambo.
32
Kuʋana ʋaIsakari, ʋarume ʋaiziʋa ŋguʋa ɀakanaka, ʋuye kuti ʋaIsraeri ʋanofanira kuitei, ʋakuru ʋaʋo ʋaiʋa mazana maʋiri; hama dzaʋo dzose dzairairwa naʋo.
33
KuʋaZeburuni, aʋo ʋaigona kufamba namapoka, nokugona kuroŋgedza hondo, ʋakaɓata nhumbi dzose dzokurwa nadzo, ʋaiʋa neɀuru ɀinamakumi mashanu; ʋaigona kurwa ʋasinemŋoyo miʋiri.
34
KuʋaNaftari ʋakuru ʋanecuru cimŋe, ʋuye ʋamŋe ʋakaŋga ʋakaɓata nhoʋo nepfumo ʋaiʋa naʋo, ɀuru ɀinamakumi matatu neɀinomŋe.
35
KuʋaDani ʋaigona kuroŋgedza hondo, ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀisere namazana matanhatu.
36
KuʋaAsheri, aʋo ʋaigona kufamba namapoka, nokugona kuroŋgedza hondo, ɀuru ɀinamakumi manna.
37
Ʋuye mhiri kwaJoridani, kuʋaRubeni naʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase, aʋo ʋaiʋa nenhumbi dzose dzokurwa nadzo, ɀuru ɀinamakumi maʋiri.
38
Aʋa ʋose, ʋarume ʋehondo, ʋaigona kuroŋgedza hondo, ʋakaȿika paHebroni nemŋoyo yakarurama kwaɀo, kuzoita Davidi mambo waʋaIsraeri ʋose; naʋaIsraeri ʋamŋe ʋose ʋakaŋga ʋanomŋoyo mumŋe kuita Davidi mambo.
39
Ʋakagara’po naDavidi mazuʋa matatu, ʋakadya nokunwa, nokuti hama dzaʋo dzakaŋga dzaʋagadzirira.
40
Ʋuye ʋamŋe ʋakaŋga ʋagere pedyo naʋo kuȿikira kwaIsakari naZeburuni naNaftari, ʋakaʋuya neɀokudya ɀakatakurwa nemboŋgoro, namakamera, namahesera, nenzombe, ɀiri ɀokudya ɀoʋupfu, namapundu amaʋonde, namasumbu amazambiriŋga akawoma, newaini, namafuta, nenzombe, namakwai mazhinji; nokuti mufaro wakaŋga uri’po pakati paIsraeri.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29