bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 22
1 Chronicles 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 23 →
1
Davidi akati: Iyi ndiyo imba yaJehova Mŋari, neyiyi ndiyo artari yokupisira ɀipiriso ɀaIsraeri.
2
Ɀino Davidi wakaraira kuti ʋatorwa ʋakaŋga ʋari panyika yaIsraeri ʋaʋuŋganidzwe; akagadza ʋaʋezi ʋamabge, kuti ʋaʋeze mabge okuʋaka nawo imba yaMŋari.
3
Davidi akagadzira ʋo matare mazhinji okupfura nawo mbambo dzamagonhi amasuʋo neɀikorekedzo; ʋuye ndarira zhinji isina‐kuidzwa kurema kwayo.
4
Namatanda emisidari asina‐kuʋereŋgwa; nokuti ʋaZidoni naʋeTire ʋakaʋuya nemisidari yakawanda kunaDavidi.
5
Davidi akati: Soromoni mŋanakomana waŋgu uciri muɗuku usinesimba, ʋuye imba, inofanira kuʋakirwa Jehova, inofanira kuʋa huru kwaɀo, iŋgarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndicaigadzirira. Naiɀoɀo Davidi akagadzira ɀizhinji asati afa.
6
Ipapo akaɗana Soromoni mŋanakomana wake, akamuraira kuti aʋakire Jehova Mŋari waIsraeri imba.
7
Davidi akati kunaSoromoni mŋanakomana wake: Kana ndirini, ndakaŋga ndiciti mumŋoyo maŋgu ndicaʋakira zita raJehova Mŋari waŋgu imba.
8
Asi shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: Iwe wakateʋura ropa rakawanda, ʋuye wakarwa ɀizhinji; iwe hauŋgaʋakiri zita raŋgu imba, nokuti wakateʋura ropa rakawanda panyika pamberi paŋgu;
9
asi tarira, ucaɓerekerwa mŋanakomana, ucaʋa munhu wezororo; ndicamuzorodza paʋaʋeŋgi ʋake ʋose ʋanomupoteredza; nokuti zita rake ricanzi Soromoni, ndicapa Israeri rugare nokunyarara pamazuʋa ake;
10
iye ucaʋakira zita raŋgu imba; iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu, neni ndicaʋa ɓaɓa ʋake; ini ndicasimbisa cigaro cake coʋushe pakati paIsraeri nokusiŋgaperi.
11
Ɀino, mŋana waŋgu, Jehova ŋgaaʋe newe; ufambiswe ɀakanaka iwe, uʋake imba yaJehova Mŋari wako, seɀaakataura pamsoro pako.
12
Asi Jehova ŋgaakupe kuŋgwara nokucenjera, akuraire pamsoro paIsraeri; kuti saiɀoɀo uceŋgete murairo waJehova Mŋari wako.
13
Nokuɗaro ucafambiswa ɀakanaka, kana ucicenjera kuita mitemo neɀakatoŋgwa, ɀakarairwa Mosesi naJehova pamsoro paIsraeri; simba, utsuŋge mŋoyo, usatya kana kuvunduswa.
14
Ɀino tarira, ndakatambura ndicigadzirira imba yaJehova matarenta aneɀuru ɀinezana ɀendarama, namatarenta anecuru ceɀuru esirveri; nendarira namatare ɀisinakuidzwa, nokuti ɀakawanda kwaɀo; ndakagadzira ʋo matanda namabge; newe uŋgawedzera hako paɀiri.
15
Ʋuye ʋaɓati unaʋo ʋazhinji, ʋaputsi naʋaʋezi ʋamabge namatanda, naʋarume ʋose ʋakaŋgwara pamaɓasa ose;
16
ndarama, nesirveri, nendarira, namatare haɀiŋgaʋereŋgwi; simuka, uɓate, Jehova aʋe newe.
17
Davidi akaraira ʋo macinda ose aIsraeri kuti ʋaɓatsire Soromoni mŋanakomana wake, akati:
18
Ko Jehova Mŋari wenyu haazi nemi here? Haana‐kukuzorodzai kumatiʋi ose here? Nokuti wakaisa ʋanhu ʋagere panyika iyi muruʋoko rwaŋgu; ɀino nyika yakundwa pamberi paJehova napamberi paʋanhu ʋake.
19
Ɀino shiŋgairai nemŋoyo yenyu ʋuye nemŋeya yenyu kutȿaka Jehova Mŋari wenyu; naiɀoɀo simukai muʋake imba tȿene yaJehova Mŋari, kuti mugoisa areka yesuŋgano yaJehova nenhumbi tȿene dzaMŋari muimba inofanira kuʋakirwa zita raJehova.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29