bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 9
1 Chronicles 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 10 →
1
Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakaʋereŋgwa mazita aʋo; tarirai, akanyorwa ose mubuku yamadzimambo aIsraeri. ƲaJuda ʋakazotapxa, ʋakaiswa Babironi nokuɗa kwokuɗarika kwaʋo.
2
Ɀino, ʋakataŋga kugara panyika yaʋo napamaguta aʋo, ʋakaŋga ʋari ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaNetinimi.
3
PaJerusarema ndipo pakaŋga pagere ʋana ʋaJuda, naʋana ʋaBenjamini, naʋana ʋaEfraimi, naʋaManase;
4
Utai mŋanakomana waAmihudi, mŋanakomana waOmri, mŋanakomana waImri, mŋanakomana waBani, waʋana ʋaPerezi mŋanakomana waJuda.
5
NaʋaShiro: Asaya mŋanakomana weɗaŋgwe, naʋanakomana ʋake.
6
Ʋanakomana ʋaZera: Jeueri, nehama dzaʋo, ʋanamazana matanhatu namakumi mapfumbamŋe.
7
Ʋanakomana ʋaBenjamini: Saru, mŋanakomana waMeshrami, mŋanakomana waHodavia, mŋanakomana waHasenua.
8
NaIbneya, mŋanakomana waJehorami, naEra mŋanakomana waUzi, mŋanakomana waMikri, naMeshurami mŋanakomana waShefatia, mŋanakomana waReueri, mŋanakomana waIbniya;
9
nehama dzaʋo, marudzi aʋo aiȿika mazana mapfumbamŋe namakumi mashanu namatanhatu. Ʋarume aʋa ʋose ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa padzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
10
Ʋaʋaprista: Jedaya, naJehoyaribi, naJakini;
11
naAzaria, mŋanakomana waHirkia, mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waZadoki, mŋanakomana waMerayoti, mŋanakomana waAhitubi, mukuru paimba yaMŋari;
12
naAdaya, mŋanakomana waJehorami, mŋanakomana waPashuri, mŋanakomana waMarkija, naMaasai, mŋanakomana waAdieri, mŋanakomana waJazera, mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waMeshiremiti, mŋanakomana waImeri;
13
nehama dzaʋo, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo ʋakaȿika curu cimŋe namazana manomŋe namakumi matanhatu; ʋarume ʋanesimba kwaɀo noʋumhare paɓasa rokushumira paimba yaMŋari.
14
ƲaʋaRevi: Shemaya mŋanakomana waHashubi, mŋanakomana waAzrikami, mŋanakomana waHashabia, waʋanakomana ʋaMerari;
15
naBakbakari, naHoreshi, naGarari, naMatania mŋanakomana waMika, mŋanakomana waZikri, mŋanakomana waAsafi;
16
naObadia mŋanakomana waShemaya, mŋanakomana waGarari, mŋanakomana waJedutuni; naBerekia mŋanakomana waAsa, mŋanakomana waErkana, ʋakaŋga ʋagere pamisha yaʋaNetofati.
17
Ʋatariri ʋamasuʋo: Sharumi, naAkubi, naTarmoni, naAhikami, nehama dzaʋo; Sharumi ndiye wakaŋga ari mukuru;
18
ndiʋo ʋaitarira suʋo ramambo rokumabvazuʋa kuȿikira ɀino; ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋamasuʋo emisasa yaʋana ʋaRevi.
19
Sharumi mŋanakomana waKore, mŋanakomana waEbiasafi, mŋanakomana waKora, nehama dzake, iʋo ʋeimba yaɓaɓa ʋake, ʋaKora, ndiʋo ʋaiʋa neɓasa rokushumira, ʋakatarira masuʋo etabernakeri; madziɓaɓa aʋo aitarira misasa yaJehova, nokuceŋgeta mikoʋa.
20
Pinehasi mŋanakomana waEreazari waiʋa murairi waʋo kare, Jehova akaʋa naye.
21
Zekaria mŋanakomana waMesheremia, wakaŋga ari mutariri womukoʋa wetente rokusoŋgana.
22
Aʋa ʋose, ʋakatsaurwa kuti ʋaʋe ʋatariri ʋamasuʋo, ʋakaȿika mazana maʋiri negumi naʋaʋiri. Aʋa ʋose ʋakaʋereŋgwa mazita aʋo pamisha yaʋo, ʋakaŋga ʋakagadzwa paɓasa raʋo rakatarwa naDavidi naSamueri muʋoni.
23
Naiɀoɀo iʋo naʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋamasuʋo eimba yaJehova, iyo imba yetabernakeri, ʋaciraʋana.
24
Ʋatariri ʋakaŋga ʋari kumatiʋi manna, kumabvazuʋa, nokumaʋirira, nokumsoro, nenyasi.
25
Hama dzaʋo pamisha yaʋo ʋaifanira kuʋuya ŋguʋa dzose kana mazuʋa manomŋe apera, kuzogara naʋo.
26
Nokuti ʋatariri ʋanna ʋakuru ʋemikoʋa, ʋakaŋga ʋari ʋaRevi, ʋaiʋa paɓasa iri rakatarwa, ʋaitarira makamuri neɀiʋigiro ɀefuma paimba yaMŋari.
27
Ʋaigara’po ʋakapoteredza imba yaMŋari, nokuti ndiʋo ʋakaŋga ʋapiwa ɓasa iri, ʋaiʋa neɓasa rokuizarura maŋgwanani ose.
28
Ʋamŋe ʋaʋo ʋaifanira kutarira midziyo yokushumira nayo; nokuti yaipinzwa iciʋereŋgwa, ʋuye yaiɓuɗiswa iciʋereŋgwa.
29
Ʋamŋe ʋaʋo ɀe ʋakaŋga ʋakagadzwa kuti ʋatarire nhumbi nemidziyo yose nenɀimbo tȿene, noʋupfu bgakatsetseka, newaini, namafuta, neɀinonhuwira, nemiti inonhuwira.
30
Ʋamŋe ɀe ʋaʋanakomana ʋaʋaprista ʋaifanira kugadzira ɀinonhuwira ɀakaveŋganiswa.
31
Matitia, mumŋe waʋaRevi, mŋanakomana weɗaŋgwe waSharumi, waʋaKora, wakaŋga akatarirwa ɓasa reɀinhu ɀaiɓikwa mugaŋgo.
32
Naʋamŋe ʋehama dzaʋo, ʋaʋana ʋaKora, ʋaifanira kutarira ɀiŋgwa ɀokuratidza, kuɀigadzira saɓata rimŋe nerimŋe.
33
Ʋuye ndiʋo ʋaimbi, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi, ʋaigara mumakamuri ʋasiŋgaɓati ɀimŋe; nokuti ʋaiɓate‐ɓasa raʋo masikati noʋusiku.
34
Iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi, ʋakuru kumarudzi aʋo; ndiʋo ʋaigara Jerusarema.
35
Ɀino paGibeoni pakaŋga pagere ɓaɓa ʋaGibeoni, Jeieri; zita romukadzi wake rakaŋga riri Maaka.
36
Mŋanakomana wake weɗaŋgwe waiʋa Abdoni, teʋere Zuri, naKishi, naBaari, naNeri, naNadabi;
37
naGedori, naAhio, naZekaria, naMikroti.
38
Mikroti wakaɓereka Shimeami. Iʋo ʋaigara ʋo pamŋe cete nehama dzaʋo paJerusarema, pakatarisana nehama dzaʋo.
39
Neri akaɓereka Kishi, Kishi akaɓereka Sauro, Sauro akaɓereka Jonatani, naMarki‐shua, naAbinadabi, naEshbaari.
40
Mŋanakomana waJonatani waiʋa Meribi‐baari. Meribi‐baari akaɓereka Mika.
41
Ʋanakomana ʋaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi.
42
Ahazi akaɓereka Jara, Jara akaɓereka Armeti naAzmaveti, naZimri; Zimri akaɓereka Moza;
43
Moza akaɓereka Binea, naRefaya mŋanakomana wake, naEreasa mŋanakomana wake, naAzeri mŋanakomana wake;
44
Azeri wakaŋga anaʋanakomana ʋatanhatu; mazita aʋo ndiwo: Azrikami, naBokeru, naIshmaeri, naShearia, naObadia, naHanani. Ndiʋo ʋanakomana ʋaAzeri.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29