bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 21
1 Chronicles 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 22 →
1
Ɀino Satani wakamukira ʋaIsraeri, akakurudzira Davidi kuti aʋereŋge ʋaIsraeri.
2
Davidi akati kunaJoabi nokumacinda aʋanhu: Endai mundoʋereŋga ʋaIsraeri kubva paBeeri‐sheba kuȿikira paDani; mudzoke neshoko, ndiziʋe kuwanda kwaʋo.
3
Joabi akati: Jehova ŋgaawedzere ʋanhu ʋake runezana pakuwanda kwaʋo ɀino; asi ishe waŋgu mambo, ʋose haʋazi ʋaranda ʋashe waŋgu here? Ishe waŋgu unotȿakireiko cinhu ici? Ucapinzireiko ʋaIsraeri pamhoȿa?
4
Kunyaŋge ɀakaɗaro shoko ramambo rakakurira Joabi. Ɀino Joabi akaenda, akapota pakati paʋaIsraeri ʋose, akaȿika Jerusarema.
5
Joabi akarondedzera kuwanda kwaʋanhu kunaDavidi. ƲaIsraeri ʋose ʋakaȿika ɀuru ɀineɀuru neɀuru ɀinezana ɀaʋanhu ʋaigona kurwa nomunondo; ʋuye ʋaJuda ʋakaȿika ɀuru ɀamazana manna namakumi manomŋe ʋaigona kurwa nomunondo.
6
Asi haana‐kuʋereŋga ʋaRevi naʋaBenjamini pakati paʋo; nokuti shoko ramambo rakaŋga rakaipa kwaɀo kunaJoabi.
7
Ɀino Mŋari wakaŋga asiŋgafari necinhu ici; saka wakaroʋa Israeri.
8
Davidi akati kunaMŋari: Ndatadza kwaɀo ɀandaita cinhu ici; asi ɀino bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita seɓenzi kwaɀo.
9
Jehova akataura naGadi, muʋoni waDavidi, akati:
10
Enda undotaura naDavidi, uti: Ɀanzi naJehova: Ndinokuisira ɀinhu ɀitatu, ciɀitsaurira cimŋe caɀo, ndikuitire ico.
11
Ɀino Gadi akaenda kunaDavidi, akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Citsaura caunoɗa;
12
makore matatu enzara, kana kuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋako mŋedzi mitatu, ucidziŋgwa nomunondo waʋaʋeŋgi ʋako, kana munondo waJehova mazuʋa matatu, ndiro ɗenda panyika, mutumŋa waJehova aciparadza panyika yose yaIsraeri. Ɀino cifuŋga hako, uraŋgarire mhinduro yandiŋgadzosera kunaiye wakandituma.
13
Ipapo Davidi akati kunaGadi: Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire haŋgu ɀino muruʋoko rwaJehova, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege haŋgu kuwira muruʋoko rwomunhu.
14
Ipapo Jehova akatuma ɗenda pakati paIsraeri; ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋakafa pakati paIsraeri.
15
Mŋari akatuma mutumŋa Jerusarema kuzoriparadza; ɀino wakati oɗa kuparadza, Jehova akatarira, akaɀiɗemba pamsoro pecinhu ico cakaipa, akati kumutumŋa wakaŋga aciparadza: Ndiɀo, cidzosa ruʋoko rwako. Ɀino mutumŋa waJehova wakaŋga amire paɓuriro raOrnani muJebusi.
16
Davidi akatarira, akaʋona mutumŋa waJehova amire pakati penyika nokuɗeŋga, akaɓata munondo wakavomorwa muruʋoko rwake, wakatambanudzwa pamsoro peJerusarema. Ipapo Davidi naʋakuru ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakafuka magumbu.
17
Ɀino Davidi akati kunaMŋari: Ko handizi ini here ndakaraira kuti ʋanhu ʋaʋereŋgwe? Ndini ndakatadza haŋgu ndikaita ɀakaipa ɀikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehova Mŋari waŋgu, ruʋoko rwenyu ŋgarundiroʋe harwo ini neimba yaɓaɓa ʋaŋgu; asi ŋgarurege kuroʋa ʋanhu ʋenyu, nokuʋatambudza.
18
Ipapo mutumŋa waJehova wakaraira Gadi kuti aʋudze Davidi kuti Davidi akwire aʋakire Jehova artari paɓuriro raOrnani muJebusi.
19
Davidi akakwira nokureʋa kwaGadi kwaakataura nezita raJehova.
20
Ornani akaceuka, akaʋona mutumŋa; ʋanakomana ʋake ʋanna, ʋaiʋa naye, ʋakaʋanda. Ɀino Ornani wakaŋga acipura ɀiyo.
21
Davidi wakati aciȿika kunaOrnani, Ornani akatarira akaʋona Davidi, akaɓuɗa paɓuriro, akakotamira pasi neciso cake pamberi paDavidi.
22
Ipapo Davidi akati kunaOrnani: Ndipe nɀimbo yeɓuriro iri, kuti ndiʋakire’po artari kunaJehova; unofanira kundipa iro nditeŋge nomuteŋgo wakafanira, kuti ɗenda ripere pakati paʋanhu.
23
Ipapo Ornani akati kunaDavidi: Ritorei henyu, ishe waŋgu, mambo aite seɀaanoɗa; tarirai, ndinokupai nzombe ɀiʋe ɀipiriso ɀinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dziʋe huni, neɀiyo ciʋe cipiriso coʋupfu; ndinoɀipa ɀose.
24
Mambo Davidi akati kunaOrnani: Kwete, asi ɀirokwaɀo ndicariteŋga nomuteŋgo wakafanira; nokuti handiŋgatori cinhu cako ndikapa Jehova, kana kuʋuya necipiriso cinopiswa cisinomuteŋgo.
25
Naiɀoɀo Davidi akapa Ornani mashekeri anamazana matanhatu endarama pakurema kwawo, uri muteŋgo wenɀimbo iyo.
26
Davidi akaʋakira Jehova artari ipapo, akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa, akashumira Jehova; iye akamupindura nomŋoto wakabva kuɗeŋga ukawira paartari yecipiriso cinopiswa.
27
Jehova akaraira mutumŋa, iye akadzosera ɀe munondo wake mumuhara wawo.
28
Ɀino neŋguʋa iyo Davidi wakati aʋona kuti Jehova wamupindura paɓuriro raOrnani muJebusi, akaɓayira’po.
29
Nokuti paŋguʋa iyo tabernakeri yaJehova, yakaŋga yaʋakwa naMosesi murenje, neartari yokupisira ɀipiriso, ɀakaŋga ɀiri paɗunhu rakakwirira paGibeoni.
30
Asi Davidi wakaŋga asiŋgagoni kuenda’ko kuzobvunza Mŋari pamberi payo; nokuti wakaŋga acitya nemhaka yomunondo womutumŋa waJehova.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29