bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 19
1 Chronicles 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 20 →
1
Shure kwaiɀoɀo mambo waʋana ʋaAmoni wakafa, mŋanakomana wake akaɓata ʋushe panɀimbo yake.
2
Ɀino Davidi akati: Ndicaitira Hanuni mŋanakomana waNahashi ɀakanaka, seɀandakaitirwa ɀakanaka naɓaɓa ʋake. Naiɀoɀo Davidi akatuma nhume kumuɓata ruʋoko pamsoro paɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaDavidi ʋakaȿika panyika yaʋana ʋaAmoni kunaHanuni, kuzomuɓata ruʋoko.
3
Asi macinda aʋana ʋaAmoni akati kunaHanuni ishe waʋo: Munofuŋga kuti Davidi unoɗo‐kukudza ɓaɓa ʋenyu, ɀaatuma ʋaɓati ʋoruʋoko kwamuri here? Ʋaranda ʋake haʋana‐kuʋuya kwamuri kunɀera, nokuputsa, nokushora nyika here?
4
Naiɀoɀo Hanuni akaɓata ʋaranda ʋaDavidi, akaʋeʋura ndebvu dzaʋo, akagura ŋguʋo dzaʋo napakati kuȿikira pamagaro aʋo, akaʋadziŋga.
5
Ɀino ʋamŋe ʋakandoʋudza Davidi ɀakaŋga ɀaitirwa ʋarume. Akatuma ʋanhu kusoŋgana naʋo, nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋacinyara kwaɀo. Mambo akati: Garai henyu Jeriko kuȿikira ndebvu dzenyu dzamera ɀe, mugodzoka henyu.
6
Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaɀiʋeŋgesa naDavidi, Hanuni naʋana ʋaAmoni ʋakatuma matarenta esirveri anecuru cimŋe kuzoripira ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza ʋanobva Mesopotamia, neArami‐maaka, neZoba.
7
Naiɀoɀo ʋakaripira ŋgoro dzine‐ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri, namambo weMaaka naʋanhu ʋake; iʋo ʋakaȿika ʋakadzika matente aʋo pamberi peMedeba. Ʋana ʋaAmoni ʋakaʋuŋgana ʋacibva kumaguta aʋo, ʋakaʋuya kuzorwa.
8
Ɀino Davidi wakati aciɀinzwa, akatuma Joabi nehondo yose yaʋarume ʋanesimba.
9
Ʋana ʋaAmoni ʋakaɓuɗa, ʋakagadzira hondo paʋanopinda napo pasuʋo; asi madzimambo, akaŋga aʋuya, aiʋa pacawo oga pasaŋgo.
10
Ɀino Joabi wakati aciʋona kuti woʋaʋarirwa mberi neshure, akatsaura ʋamŋe kunaʋakatsaurwa ʋose ʋaIsraeri, akaʋagadzira kuti ʋarwe naʋaSiria.
11
Ʋamŋe ʋanhu, ʋakasara, akaʋaisa kunaAbishai, munuŋuna wake, ʋakaɀigadzira kuti ʋarwe naʋana ʋaAmoni.
12
Akati: Kana ʋaSiria ʋakandikurira ini, iwe unofanira kundiɓatsira; asi kana ʋana ʋaAmoni ʋakakukurira iwe, ini ndicaʋuya kukuɓatsira.
13
Tsuŋga mŋoyo, tirwire ʋanhu ʋeɗu namaguta aMŋari weɗu saʋarume; naJehova ŋgaaite seɀaanoɗa.
14
Naiɀoɀo Joabi naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo ʋakasweɗera kuzorwa naʋaSiria, iʋo ʋakatiza pamberi pake.
15
Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaSiria ʋatiza, naiʋo ʋakatiza ʋo saiɀoɀo pamberi paAbishai, ʋakapinda muguta. Ipapo Joabi akaenda Jerusarema.
16
Ɀino ʋaSiria ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naʋaIsraeri, ʋakatuma nhume, ʋakaɗana ʋaSiria ʋakaŋga ʋari mhiri kwoRwizi, ʋakatuŋgamirirwa naShofaki mukuru wehondo yaHadarezeri.
17
Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose, ʋakayambuka Joridani, ʋakaȿika kwaʋari, akaɀigadzira kuzorwa naʋo. Ɀino Davidi wakati aɀigadzira kuzorwa naʋaSiria, iʋo ʋakarwa naye.
18
ƲaSiria ʋakatiza pamberi paʋaIsraeri; Davidi akaʋuraya pakati paʋaSiria ʋarume ʋeŋgoro dzineɀuru ɀinomŋe, naʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinamakumi manna, akaʋuraya ʋo Shofaki mukuru wehondo.
19
Ɀino ʋaranda ʋaHadarezeri ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naIsraeri, ʋakayanana naDavidi, ʋakamushumira; ʋaSiria ʋakazoramba kuɓatsira ʋana ʋaAmoni.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29