bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Chronicles 27
1 Chronicles 27
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 28 →
1
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋereŋgwa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, naʋatariri ʋaʋo ʋaiɓatira mambo paɀinhu ɀose ɀamapoka aipinda nokuɓuɗa mŋedzi mumŋe nomumŋe, mŋedzi yose yegore, ɓoka rimŋe nerimŋe rikaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
2
Mutariri weɓoka rokutaŋga, pamŋedzi wokutaŋga, wakaŋga ari Jashobeami mŋanakomana waZabdieri; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
3
Iye wakaŋga ari mumŋe waʋana ʋaPerezi, mukuru waʋatariri ʋose ʋehondo pamŋedzi wokutaŋga.
4
Mutariri weɓoka romŋedzi wecipiri wakaŋga ari Dodai muAhohi, neɓoka rake; Mikroti ndiye waiʋaraira; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
5
Mukuru wecitatu wehondo pamŋedzi wecitatu, wakaŋga ari Benaya, mŋanakomana womuprista Jehoyada, iye mukuru; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
6
Uyu ndiye Benaya uya, wakaŋga ari munhu wesimba pakati paʋanamakumi matatu, waiʋa mutariri waʋanamakumi matatu; Amizabadi mŋanakomana wake wakaŋga ari weɓoka rake.
7
Mukuru wecinna, pamŋedzi wecinna, wakaŋga ari Asaheri munuŋuna waJoabi, naZebadia mŋanakomana wake waimuteʋera; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
8
Mukuru weshanu, pamŋedzi weshanu, wakaŋga ari Shamhuti muIzrahi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
9
Mukuru wetanhatu, pamŋedzi wetanhatu, wakaŋga ari Ira mŋanakomana waIkeshi muTekoi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
10
Mukuru wecinomŋe, pamŋedzi wecinomŋe, wakaŋga ari Herezi muPeroni, waʋana ʋaEfraimi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
11
Mukuru worusere, pamŋedzi worusere, wakaŋga ari Sebekai muHushati, waʋaZerahi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
12
Mukuru wepfumbamŋe, pamŋedzi wepfumbamŋe, wakaŋga ari Abiezeri muAnatoti, waʋaBenjamini; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
13
Mukuru wegumi, pamŋedzi wegumi, wakaŋga ari Maharai muNetofati, waʋaZerahi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
14
Mukuru wegumi nomumŋe, pamŋedzi wegumi nomumŋe, wakaŋga ari Benaya muPiratoni, waʋana ʋaEfraimi; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
15
Mukuru wegumi naʋaʋiri, pamŋedzi wegumi nemiʋiri, wakaŋga ari Herdai muNetofati, waOtnieri; paɓoka rake pakaŋga paneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.
16
Ʋuye, kwakaŋga kunaʋarairi ʋamarudzi aIsraeri; ʋokuʋaRubeni wakaŋga ari Eriezeri mŋanakomana waZikri, murairi; wokuʋaSimeoni: Shefatia mŋanakomana waMaaka;
17
wokwaRevi: Hashabia, mŋanakomana waKemueri; wokwaAroni: Zadoki;
18
wokwaJuda: Erihu, mumŋe waʋanuŋuna ʋaDavidi; wokwaIsakari: Omri mŋanakomana waMikaeri;
19
wokwaZeburuni: Ishmaya mŋanakomana waObadia; wokwaNaftari: Jeremoti mŋanakomana waAzrieri;
20
wokuʋana ʋaEfraimi: Hoshea mŋanakomana waAzazia; wokuhafu yorudzi rwaManase: Joeri mŋanakomana waPedaya;
21
wokuhafu yorudzi rwaManase paGireadi: Ido mŋanakomana waZekaria; wokwaBenjamini: Jasieri mŋanakomana waAbneri;
22
wokwaDani: Azareri mŋanakomana waJerohami. Ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋamarudzi aIsraeri.
23
Asi Davidi haana‐kuʋereŋga ʋamakore makumi maʋiri naʋaɗuku kwaʋari; nokuti Jehova wakataura kuti ucawanza ʋaIsraeri, ʋaʋe senyeredzi dzokuɗeŋga.
24
Joabi mŋanakomana waZeruya wakataŋga kuʋereŋga, asi haana‐kupedza; kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri nemhoȿa iyi; ʋuye haʋana‐kuisa kuwanda kwaʋo pamakoronike amambo Davidi.
25
Mutariri wefuma yamambo wakaŋga ari Asmaveti mŋanakomana waAdieri mutariri wefuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, wakaŋga ari Jonatani mŋanakomana waUzia;
26
mutariri waʋanhu ʋaiɓata paminda ʋacirima pasi, wakaŋga ari Ezri mŋanakomana waKerubi.
27
Mutariri weminda yemizambiriŋga, wakaŋga ari Shimei muRamati; mutariri weɀiɓereko ɀeminda yemizambiriŋga, wedzimba dzewaini, wakaŋga ari Zabdi muShifmi;
28
mutariri wemiorivi nemiʋonde yakaŋga iri pamapani, wakaŋga ari Baari‐hanani muGederi; mutariri wedzimba dzamafuta wakaŋga ari Joashi.
29
Mutariri wamapoka eɀipfuwo, ɀaifura paSharoni, wakaŋga ari Shitrai muSharoni, ʋuye mutariri wamapoka aigara pamipata, wakaŋga ari Shafati mŋanakomana waAdrai;
30
mutariri wamakamera wakaŋga ari Obiri muIshmaeri; ʋuye mutariri wemboŋgoro wakaŋga ari Jedeya muMeronoti;
31
mutariri wamapoka amakwai wakaŋga ari Jazizi muHagri. Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋari ʋarairi ʋenhumbi dzamambo Davidi.
32
Ʋuye Jonatani muzukuru waDavidi wakaŋga ari gurukota, murume wakaŋgwara, munyori; Jehieri mŋanakomana waHakmoni waigara naʋanakomana ʋamambo;
33
Ahitoferi wakaŋga ari gurukota ramambo; naHushai muArki yaiʋa shamŋari yamambo;
34
waiteʋera Ahitoferi ndiJehoyada mŋanakomana waBenaya, naAbiyatari; mukuru wehondo yamambo wakaŋga ari Joabi.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29