bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Job 13
Job 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 14 →
1
Tarirai, ziso raŋgu rakaʋona iɀi ɀose, Nzeʋe yaŋgu yakaɀinzwa nokuɀinzwisisa.
2
Ɀamunoziʋa imi, ndino ɀi ziʋa ʋo; Handizi muɗuku kwamuri.
3
Ɀirokwaɀo, ndinoɗa kutaura noWamasimba ose, Ndinoɗa kuɀiɗaʋirira kunaMŋari.
4
Asi imi munofukidza ɀose nenhema dzenyu, Imi mose muri ŋaŋga dzisinamaturo.
5
Haiwa! Ƌayi mucinyarara mose! Ndiko kwaiʋa kuŋgwara kwenyu!
6
Ɀino cinzwai kuɀiɗaʋirira kwaŋgu, Tererai munzwe ndiciɀireʋera nemiromo yaŋgu.
7
Munoɗa kurwira Mŋari mucitaura ɀisakarurama here? Nokureʋa ɀinonyeŋgera nokuɗa kwake here?
8
Munoɗa kuʋa nehanya naye here? Munoɗa kurwira Mŋari kanhi?
9
Ko ɀakanaka kana iye acikunɀerai here? Imi muŋgamunyeŋgera, seɀamuŋganyeŋgera munhu here?
10
Ɀirokwaɀo iye ucakutukai, Kana mukaʋa nehanya pakaʋanda.
11
Ʋukuru bgake haʋuŋgakutyisiyi here? Haaŋgakutyisiyi ɀikuru here?
12
Mashoko enyu enjere ishumo dzamaɗota, Nhare dzenyu inhare dzevu.
13
Nyararai, ndiregei nditaure, Ndiwirwe haŋgu neɀandiŋgawirwa naɀo.
14
Ndicarumireiko nyama yaŋgu nameno aŋgu, Nokuɓata ʋupenyu bgaŋgu muruʋoko rwaŋgu?
15
Kunyaŋge akandiʋuraya hake, ndicamumirira haŋgu; Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicaɀiɗaʋirira haŋgu pamberi pake pamsoro pomufambire waŋgu.
16
Ndirwo ʋo rucaʋa ruponeso rwaŋgu, Kuti munhu usiŋgatendi Mŋari haaŋgaȿiki pamberi pake.
17
Inzwai ɀakanaka kutaura kwaŋgu, Kuparidza kwaŋgu kupinde nzeʋe dzenyu.
18
Tarirai ɀino, ndaroŋgedza mhaka yaŋgu; Ndinoziʋa kuti ndicaruramisirwa.
19
Ndianiko ucaita nharo neni? Nokuti ɀino ndiŋganyarara haŋgu, ndikafa.
20
Asi regai henyu kundiitira ɀinhu ɀiʋiri, Ipapo handiŋgaʋandi pamberi penyu;
21
Bvisai ruʋoko rwenyu kure neni; Kutyisa kwenyu kurege kundivundusa.
22
Ipapo muɗane imi, ini ndicapindura; Kana ini nditaure haŋgu, imi mundipindure.
23
Ɀakaipa ɀaŋgu neɀiʋi ɀaŋgu ɀiŋganiko? Ndiziʋisei kuɗarika kwaŋgu neciʋi caŋgu.
24
Munoʋanzireiko ciso cenyu, Muciti ndiri muʋeŋgi wenyu?
25
Munoɗa kuvundusa shizha rinopepereswa here? Munoɗa kudziŋgana namakoto akawoma here?
26
Munotoŋga ɀinhu ɀinoʋaʋa pamsoro paŋgu, Munondidyisa nhaka yeɀakaipa ɀoʋujaya bgaŋgu;
27
Munomana makumbo aŋgu mumatanda, nokucerekedza nzira dzaŋgu dzose; Munotarira tsoka dzamakumbo aŋgu muganho;
28
Kunyaŋge ndakafanana necinhu cakaʋora cinopera, Seŋguʋo yapedzwa neɀiʋundudzi.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42