bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Job 29
Job 29
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 30 →
1
Ɀino Jobo akapfuʋura ɀe namashoko ake, akati:
2
Haiwa, ɗai ndaiita haŋgu sapamŋedzi yakare, Sapamazuʋa andairindwa naMŋari;
3
Paŋguʋa iyo mŋenje wake waivenekera pamusoro waŋgu, Ndaifamba ndicivenekerwa parima neciedza cake;
4
Seɀandakaŋga ndakaita pamazuʋa okusimba kwaŋgu, Paŋguʋa iyo ʋushamŋari bgaMŋari ʋuciri patente raŋgu;
5
Paŋguʋa iyo Wamasimba‐ose aciri neni, Naʋana ʋaŋgu ʋacakandipoteredza;
6
Paŋguʋa iyo pandaitsika paisukwa nomukaka wakafa, Ʋuye ɗombo raindiɗururira nzizi dzamafuta!
7
Paŋguʋa yandaiɓuɗa kusuʋo reguta, Paŋguʋa yandaigadzira cigaro caŋgu paɗare,
8
Majaya akati acindiʋona aiʋanda, Naʋatana ʋaisimuka ʋakaramba ʋamire;
9
Macinda ainyarara pakutaura kwawo, Aifumbira miromo yawo;
10
Manzwi aʋakuru ainyarara, Ndimi dzaʋo dzainamatira mumikanwa yaʋo.
11
Nokuti nzeʋe yakati ici ndi nzwa, ndokundiropafadza; Ziso rakati rici ndi ʋona, ndokundipupurira ɀakanaka.
12
Nokuti ndairwira ʋarombo ʋaicema, Nenherera ʋo, nowaishaiwa muɓatsiri.
13
Waikaro‐fa waindiropafadza; Ndaiimbisa mŋoyo wecirikadzi nomufaro.
14
Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza; Kururama kwaŋgu kwaiʋa seŋguʋo nekorona.
15
Ndaiʋa meso amapofu, Netsoka dzaʋanokamhina.
16
Ndaiʋa ɓaɓa ʋaʋaishaiwa; Ndainɀera mhaka yowandakaŋga ndisiŋgaziʋi.
17
Ndaivuna meno aʋasina‐kururama, Nokubvuta caakaŋga aʋuraya mumeno ake.
18
Paŋguʋa iyo ndakati: Ndicafira muɗendere raŋgu, Ndicawanza mazuʋa aŋgu aite sejeca,
19
Mudzi waŋgu wakatandaʋarira kuȿikira kumvura, Ƌoʋa rinoʋata ʋusiku bgose paɗaʋi raŋgu.
20
Kukudzwa kwaŋgu kunoramba kuri kutȿa, Ʋuta bgaŋgu ʋunoramba ʋuciʋandudzwa muruʋoko rwaŋgu.
21
Ʋanhu ʋainditerera nokundimirira, Ʋainyarara kana ndiciʋaraira.
22
Haʋazaitaura ɀe kana ini ndareʋa mashoko aŋgu; Kutaura kwaŋgu kwakaɗonhera pamsoro paʋo.
23
Ʋaindimirira somunhu unomirira mvura; Ʋaishamisa miromo yaʋo sounoshamira mvura yokupedzisira.
24
Ndaiʋasekerera kana ʋasiŋgatsuŋgi; Haʋana‐kudzima ciedza ceciso caŋgu.
25
Ndaiʋasanaŋgurira nzira yaʋo, ndikagara sa she waʋo, Ndaigara samambo pahondo, Somunhu unonyaradza ʋanocema.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42