bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Job 22
Job 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 23 →
1
Ipapo Erifazi muTemani wakapindura, akati:
2
Ko munhu uŋgaɓatsira Mŋari here? Ɀirokwaɀo, munhu, wakaŋgwara, unoɀiɓatsira hake amene.
3
Wamasimba ose unehanya nokururama kwako here? Iye uŋgaɓatsirwa naɀo kana iwe ukakwanisa nzira dzako here?
4
Iye unokuraira ɀaunomutya here? Kuti akutoŋge here?
5
Ɀakaipa ɀako haɀizakakura here? Ɀisina‐kururama ɀako haɀiperi.
6
Nokuti wakatora ruɓatso kuhama yako pasina, Wakakunuŋgura ŋguʋo dzaʋakaŋga ʋasina‐kufuka.
7
Hauna‐kupa ʋanenyota mvura kuti ʋanwe, Wakanyima ʋanenzara ɀokudya.
8
Asi munhu unesimba, nyika ndeyake; Munhu unokudzwa, ndiye wakagara mairi.
9
Wakadziŋga cirikadzi dzisinecinhu, Maʋoko enherera akavuniwa.
10
Saka iwe wakapotedzwa nemisuŋgo, Unovunduswa pakarepo nokutya,
11
Nerima, kuti urege kuʋona, Ʋuye mvura zhinji inokufukidza.
12
Ko Mŋari haazi kuɗeŋga kumsoro‐soro here? Tarira kukwirira kwenyeredzi, dzakakwirira sei!
13
Iwe unoti: Mŋari unoziʋeiko? Uŋgagona kutoŋga pakati perima guru here?
14
Makore matema akamufukidza, haagoni kuʋona; Unofamba pakutenderera kweɗeŋga.
15
Iwe unoɗa kuramba ucifamba nenzira yekare Yakatsikwa naʋanhu ʋakaipa here?
16
Iʋo ʋakabvutwa ŋguʋa yaʋo isati yaȿika; Nheyo dzaʋo dzakaɗururwa sorukoʋa rwemvura.
17
Iʋo ʋakati kunaMŋari: Ibvai kwatiri; Ʋuye: Wamasimba‐ose uŋgatiiteiko?
18
Kunyaŋge ɀakaɗaro wakazadza dzimba dzaʋo neɀakanaka; Asi mano aʋakaipa ari kure neni.
19
Ʋakarurama ʋanoɀiʋona, ʋakafara; Ʋasinemhoȿa ʋanoʋaseka,
20
Ʋaciti: Ɀirokwaɀo ʋakatimukira ʋakaparadzwa; Ɀakasara ɀaʋo ɀakapedzwa nomŋoto.
21
Shamŋaridzana naye ɀino, uʋe norugare; Ipapo ucaitirwa ɀakanaka.
22
Gamucira hako murairo womuromo wake, Uceŋgete mashoko ake mumŋoyo mako.
23
Kana ukadzokera kuno‐Wamasimba‐ose, ucaʋakwa; Kana ukabvisa ɀisakarurama kure namatente ako.
24
Isa fuma yako paguruʋa, Nendarama ye Ofiri pakati pamabge ehoʋa;
25
Ipapo Wamasimba‐ose ucaʋa fuma yako, Nesirveri inokosha kwaɀo kwauri.
26
Nokuti ipapo ucafarira Wamasimba‐ose, Ucasimudzira ciso cako kunaMŋari.
27
Ucanyeŋgetera kwaari, iye ucakunzwa; Ʋuye ucaripa mhiko dzako.
28
Ucatema ʋo cireʋo, cikasimbiswa kwauri; Ʋuye ciedza cicavenekera nzira dzako.
29
Kana ʋakakusundira pasi, ucati: Ndicasimudzwa; Iye ucaponesa munhu unoɀininipisa.
30
Iye ucarwira nyaŋgwe nomunhu unemhaka, Ɀirokwaɀo ucarwirwa iye nokucena kwamaʋoko ako.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42