bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Job 36
Job 36
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 37 →
1
Erihu akapfuʋura ʋo, akati:
2
Nditenderei henyu ɀishoma, ndikuratidzei; Nokuti ndicineɀimŋe ɀandinoɗa kutaura pamsoro paMŋari.
3
Ndicatora ziʋo yaŋgu kure, Ndicaratidza kuti Muiti waŋgu wakarurama.
4
Nokuti ɀirokwaɀo, mashoko aŋgu haanenhema; Mumŋe wakakwana paziʋo une’mi.
5
Tarirai, Mŋari unesimba, asi haashoʋori munhu; Imhare pasimba renjere.
6
Haaceŋgeti ʋupenyu bgaʋakaipa; Asi unoruramisira ʋanotambudzika.
7
Haaregi kutarira ʋakarurama nameso ake; Asi unoʋagarisa pacigaro coʋushe pamŋe cete namadzimambo, Unoʋagarisa nokusiŋgaperi, ʋacikudzwa.
8
Asi kana ʋaciŋge ʋasuŋgwa namaketani, Kana kuɓatwa namaɓote okutambudzika;
9
Ipapo unoʋaziʋisa maɓasa aʋo, Nokuɗarika kwaʋo, kuti ʋakafamba ʋaciɀikudza.
10
Unodziʋura ʋo nzeʋe dzaʋo ʋanzwe kuraira kwake, Unoʋaraira kuti ʋadzoke paɀakaipa ɀaʋo.
11
Kana ʋakamunzwa nokumushumira, Ʋacapedzisa mazuʋa aʋo ʋacifara, Namakore aʋo ʋari paneɀinofadza.
12
Asi kana ʋakaramba kuterera, ʋacapera nomunondo, Ʋacafa ʋasineziʋo.
13
Asi ʋasiŋgaɗi Mŋari pamŋoyo ʋanoɀiʋuŋganidzira kutsamŋa; Haʋaridzi mhere kuti ʋaɓatsirwe kana aciʋasuŋga.
14
Ʋanofa ʋaciri ʋaɗuku, Ʋupenyu bgaʋo ʋunopera sobgaʋasino‐kururama.
15
Unorwira unotambudzika pakutambudzika kwake, Unodziʋura nzeʋe dzaʋo pakumanikidzwa kwaʋo.
16
Ɀirokwaɀo, wakaŋga aciɗa kukubvisai panjodzi Kukuȿitsai panɀimbo yakafara, pasina‐kumanikana; Kuti ɀinoiswa patafura yenyu ɀiʋe ɀizere namafuta.
17
Asi imi muzere nokutoŋga ʋakaipa; Kutoŋga nokururamisira ɀino ku ɓatai.
18
Nokuti cenjerai kuti kutsamŋa kurege kukuȿitsai pakuɗaɗira; Ʋukuru bgedzikinuro ʋurege kukutsausai.
19
Ko fuma yenyu iŋgariŋgana, kuti murege kutambudzika here, Ʋuye simba renyu rose‐rose here?
20
Musashuʋa ʋusiku, Paŋguʋa iyo ndudzi dzaʋanhu dzinobviswa panɀimbo yadzo.
21
Cenjerai, regai kuraŋgarira ɀakaipa; Nokuti ndiɀo ɀamakasanaŋgura kupfuʋura kutambudzika.
22
Tarirai, Mŋari unoita ɀinhu ɀikuru nesimba rake; Ndianiko mudzidzisi wakafanana naye?
23
Ndianiko wakamuraira nzira yake? Kana ndianiko uŋgati: Makaita ɀisina‐kururama here?
24
Raŋgarirai, kuti murumbidze ɓasa rake, Rakaimbga naʋanhu.
25
Ʋanhu ʋose ʋakaritarira; Ʋanhu ʋanoriʋona ʋari kure.
26
Tarirai, Mŋari mukuru; asi isu hatimuziʋi; Kuwanda kwamakore ake hakuŋganɀerwi.
27
Nokuti unokweʋera kumsoro maɗonhedza emvura, Anoshanduka mvura inonaya icibva pamŋando wawo;
28
Inoɗururwa namakore Iciɗonhera yawanda pamsoro paʋanhu.
29
Ko kunomunhu uŋganzwisisa kudadanurwa kwamakore, Nokutinhira kwetente rake here?
30
Tarirai, unodadanura ciedza cake kunhiʋi dzake dzose; Unofukidza pasi peguŋgwa.
31
Nokuti naiɀoɀi unotoŋga ndudzi dzaʋanhu; Unoʋapa ɀokudya ɀizhinji.
32
Unofukidza maʋoko ake nemheni; Nokuiraira kuti iroʋe payakaratidzwa.
33
Mubvumo wayo unomuziʋisa, Neŋombe ʋo dzinonzwa kuti unoʋuya.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 37 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42